1Mwari anozikamwa pakati paJudha; Zita rake iguru pakati palsiraeri.
2PaSaremiwo ndipo pane tabhenakeri yake, NapaZiyoni ugaro hwake.
3Ndipo paakavhuna miseve youta; Nenhovo, nomunondo, nokurwa.
4imwi munokubwinya, makanaka kwazvo, Kupfuura makomo ezvakapambwa.
5Vakatsunga pamoyo, vakapambwa, vakavata hope dzavo; Pakati pavarume vane simba hakuna akawana maoko ake.
6Pakutuka kwenyu, Mwari waJakove, Ngoro nebhiza zvose zvinobatwa nehope dzorufu.
7Imi, iyemi, munofanira kutyiwa; Ndianiko angamira pamberi penyu kana matsamwa?
8Makanzwisa vanhu kutonga kwenyu kuchibva kudenga; Pasi pakatya, pakanyarara,
9Panguva yokumuka kwaMwari kuzotonga, Kuti aponese vanyoro vose vapasi.
10Zvirokwazvo, kutsamwa kwavanhu kuchakurumbidzai; Munozvisunga chiuno nokutsamwa kwakasara.
11Pikai, muripire Jehovha Mwari wenyu; Vose vakamupoteredza ngavauye nezvipo kuna iye anofanira kutyiwa;
12Iye achagura mweya yamachinda; Anotyisa kwazvo madzimambo apasi.