1Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose; Ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.
2Ndichafara nokukufarirai zvikuru; Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imwi Wekumusoro-soro.
3Kana vavengi vangu vachidzokera shure, Vanogumburwa nokupera pamberi penyu.
4Nekuti mandiruramisira mhosva yangu; Makagara pachigaro choushe muchitonga nokururama.
5Makatuka vahedheni, makaparadza ani nani wakaipa, Makadzima zita ravo nokusingaperi-peri.
6Vavengi vakapera, vakaparadzwa nokusingaperi; makaparadza maguta avo, Nechiyeudzo chawo chakaparara.
7Asi Jehovha agere ari mambo nokusingaperi; Akagadzira chigaro chake choushe kuti atonge.
8Achatonga nyika nokururama, Achatonga vanhu zvakafanira.
9Jehovha achava nhare yakasimba kuna vanomanikidzwa, Nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
10Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; nekuti imwi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.
11Imbirai Jehovha nziyo dzokumurumbidza, iye agere paZiyoni; dudzirai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
12Kana achitsvaka ropa, anovarangarira; Haakangamwi kuchema kwavarombo.
13Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; Tarirai, kumanikidzwa kwangu navanondivenga, imwi munondisimudza pamisuwo yorufu;
14Kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu kose; Pamisuwo yomukunda weZiyoni, Ndichafarira kuponesa kwenyu.
15Vahedheni vakanyura mugomba ravakachera; Rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure, wavakavanza.
16Jehovha wakazvizivisa; akatonga; akaipa wakateyiwa nebasa ramaoko ake.
17Vakaipa vachadzokera kuSheori, Ivo vahedheni vose, vakakangamwa Mwari.
18Nekuti anoshaiwa haangakanganikwi nokusingaperi, Nokutarira komurombo hakungaperi nokusingaperi.
19Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; Vahedheni ngavatongwe pamberi penyu.
20Chivatyisai, Jehovha; Vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu.