1Ishe, makanga muri ugaro bwedu Pamarudzi namarudzi.
2Makomo asati azvarwa, Musati matongosika nyika nevhu, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imwi muri Mwari.
3Munodzosera munhu kuguruva; Muchiti, Dzokai vana vavanhu.
4nekuti kwamuri makore ane chiuru Akangofanana nezuva razuro kana rapfuura, Senguva yokurinda yousiku.
5Munovakukura semvura zhinji; vava sehope; Mangwanani vakaita souswa hunotunga.
6Mangwanani hunotumbuka, hunomera; Madekwana hunodzurwa, ndokusvava.
7nekuti tinopedzwa nokutsamwa kwenyu, Tinotambudzika nehasha dzenyu.
8Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, Zvivi zvedu zvakavanzika pachiedza chechiso chenyu.
9Nekuti mazuva edu ose anopfuura makatsamwa; Makore edu anopera sebefu.
10Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo chete. nekuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
11Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu, Nehasha dzenyu, kuti mutyiwe zvakafanira here?
12Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, Kuti tizviwanire moyo wakachenjera.
13Dzokai Jehovha; kusvikira rinhiko? nzwirai tsitsi varanda venyu.
14Tigutsei mangwanani netsitsi dzenyu; Kuti tifarise, tive nomufaro mazuva edu ose.
15Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, Namakore atakaona zvakaipa.
16Zvamakaita ngazvionekwe navaranda venyu, Nokubwinya kwenyu pamusoro pavana vavo.
17Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve pamusoro pedu; Mutisimbisire basa ramaoko edu; Zvirokwazvo, basa ramaoko edu murisimbise.