1Jehovha anobata ushe; nyika ngaifare kwazvo; Zviwi zvizhinji ngazvifare.
2Makore nerima zvinomukomberedza; Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.
3Moto unotungamira pamberi pake, Uchipisa vadzivisi vake pamativi ose.
4Mheni dzake dzakavheneka nyika yose; Pasi pakaona, ndokubvunda.
5Makomo akanyauka senamo pamberi paJehovha, Pamberi paShe wapasi pose.
6Kudenga-denga kunoparidza kururama kwake, Ndudzi dzose dzakaona kubwinya kwake.
7Vose, vanoshumira mifananidzo yakaveziwa, vanonyadziswa, Ivo vanozvirumbidza pamusoro pezvifananidzo; Namatai kwaari, imwi vamwari vose
8Ziyoni rakanzwa ndokufara, Navakunda vaJudha vakafara kwazvo; Nokuda kwezvamakatonga, imwi Jehovha.
9nekuti imwi Jehovha, muri kumusoro-soro kwapasi pose; Makakwirira kupfuura vamwari vose.
10Vengai zvakaipa, imwi munoda Jehovha; Iye anochengeta mweya yavatsvene vake; Unovarwira paruoko rwawakaipa.
11Chiedza chinodzvarirwa wakarurama, Nomufaro vane moyo yakarurama.
12Farai munaJehovha, imwi vakarurama; Vongai pakurangarira utsvene hwake.