Shona

Georgian: Gospels, Acts, James

Psalms

99

1Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde; Iye agere pakati pamakerubhi; nyika ngaizununguswe.
2Jehovha mukuru paZiyoni; Ari kumusoro-soro kwavanhu vose.
3Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa; Ndiye Mutsvene.
4Simba ramambo rinodawo kururamisa; imwi munosimbisa kururama, Munotonga muchiruramisa pakati paJakove.
5Kudzai Jehovha Mwari wedu, Munamate pachitsiko chetsoka dzake; Ndiye Mutsvene.
6Mozisi naAroni pakati pavapristi vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.
7Akataura navo ari mushongwe yegore; Vakachengeta zvipupuriro zvake nomutemo waakavapa.
8Makavapindura, Jehovha Mwari wedu; Maiva Mwari aivakangamwira, Kunyange makatsiva zvavaiita.
9Kudzai Jehovha Mwari wedu, Namatai pagomo rake dzvene; nekuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene.