Shona

German: Schlachter (1951)

1 Kings

4

1Zvino mambo Soromoni wakange ari mambo wavaIsiraeri vose.
1Und der König Salomo regierte über ganz Israel. Und dies waren seine obersten Beamten:
2Ndiwo machinda aaiva nawo: Azaria mwanakomana waZadhoki waiva mupristi;
2Asarja, der Sohn Zadoks, war Priester.
3Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha, vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira.
3Elihoreph und Achija, die beiden Söhne Sisas, waren Schreiber; Josaphat, der Sohn Achiluds, war Kanzler,
4Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, waiva mukuru wehondo, Zadhoki naAbhiatari vaiva vapristi;
4und Benaja, der Sohn Jojadas, war Feldhauptmann; Zadok aber und Abjatar waren Priester;
5Azaria mwanakomana waNatani, waiva mukuru wavatariri; Zabhudhi mwanakomana waNatani waiva mutongi mukuru, shamwari yamambo.
5Asarja, der Sohn Natans, war über die Beamten; Sabud, der Sohn Natans, war Priester, des Königs Freund.
6Abhishari waiva mutariri weimba; Adhoniramu mwanakomana waAbhidha, waiva mutariri wechibharo.
6Achisar war über das Haus gesetzt, und Adoniram, der Sohn Abdas, war Fronmeister.
7Soromoni waiva navatariri vane gumi navaviri vairaira vaIsiraeri vose, vaitsvakira mambo neimba yake zvokudya; mumwe nomumwe waifanira kutsvaka zvokudya zvomwedzi mumwe gore rimwe nerimwe.
7Und Salomo hatte zwölf Vögte über ganz Israel, die den König und sein Haus mit Speise versorgten; je einen Monat im Jahre lag jedem die Versorgung ob.
8Ndiwo mazita avo: Bhehuri, munyika yamakomo yaEfuremu;
8Und sie hießen also: Der Sohn Churs auf dem Gebirge Ephraim;
9naBhenedhekeri paMakazi, napaSharibhimi, neBhetishemeshi, neEronibhetihananai;
9der Sohn Dekers zu Makaz und zu Saalbim und zu Beth-Semes und zu Elon bis Beth-Chanan;
10naBhenihesedhi paArubhoti; iye wakange ane shoko, nenyika yose yeHeferi;
10der Sohn Heseds zu Arubbot, über Socho und das ganze Land Hepher;
11naBheniabhinadhabhi panyika yose yeDhori; mukadzi wake wakange ari Tafati, mukunda waSoromoni;
11der Sohn Abinadabs über ganz Naphet-Dor. Dieser hatte Taphat, Salomos Tochter, zum Weibe.
12naBhaana mwanakomana waAhirudhi, paTaanaki neMegidho, nenyika yose yeBhetisheani, iri parutivi rweZaretani, pazasi peJezereeri, kubva paBhetisheani kusvikira paAbherimehora seri kweJokimeami;
12Baana, der Sohn Achiluds, zu Taanach und Megiddo und über das ganze Beth-Sean, welches neben Zartan unterhalb Jesreel liegt, von Beth-Sean bis nach Abel-Mechola, bis jenseits Jokmeam.
13naBhenigebheri paRamotiGiriyadhi; iye wakange ane misha yaJairi, mwanakomana waManase, yaiva paGiriyadhi; iye wakange ane nyika yeArigobhi, iri paBhashani, maguta makumi matanhatu aiva namasvingo namazariro endarira;
13Der Sohn Gebers zu Ramot in Gilead, der hatte die Dörfer Jairs, des Sohnes Manasses, in Gilead und die Gegend Argob, die in Basan liegt; sechzig große Städte, mit Mauern und ehernen Riegeln verwahrt.
14naAhinadhabhi mwanakomana waIdho, paMahanaimi;
14Achinadab, der Sohn Iddos, zu Mahanaim; Achimaaz in Naphtali;
15naAhimaazi paNafitari; iye wakange awanawo Bhasemati mukunda waSoromoni;
15auch er hatte eine Tochter Salomos, Basmat, zum Weibe.
16naBhaana mwanakomana waHushai, paAsheri nebhiyaroti;
16Baana, der Sohn Husais, in Asser und Bealot.
17naJosafati mwanakomana waParua, paIsakari;
17Josaphat, der Sohn Paruahas, in Issaschar.
18naShimei mwanakomana waEra, paBhenjamini;
18Simei, der Sohn Elas, in Benjamin.
19naGebheri mwanakomana waUri, waiva panyika yeGiriyadhi, nyika yaSihoni, mambo wavana vaAmori neyaOgi, mambo weBashani; iye wakange ari mutariri mumwe woga panyika iyo.
19Geber, der Sohn Uris, im Lande Gilead, im Lande Sihons, des Königs der Amoriter, und Ogs, des Königs von Basan. Nur ein Vogt war in diesem Lande.
20VaJudha navalsiraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakamwa, vakafara.
20Aber Juda und Israel waren zahlreich wie der Sand am Meer. Sie aßen und tranken und waren fröhlich.
21Zvino Soromoni wakabata ushe hwose, kubva paRwizi kusvikira kunyika yavaFirisitia, nokusvikira kumuganhu weEgipita; vanhu vakauya nezvipo, vakashumira Soromoni mazuva ose oupenyu hwake.
21Also war Salomo Herrscher über alle Königreiche, vom Euphrat- Strome bis zum Philisterlande und bis an die Grenze Ägyptens; sie brachten ihm Gaben und dienten ihm sein Leben lang.
22Zvokudya zvaSoromoni zvezuva rimwe zvaiva zviyero zvina makumi matatu zvoupfu hwakatsetseka nezviyero zvina makumi matanhatu zvoupfu;
22Salomo aber bedurfte zum Unterhalt täglich dreißig Kor Semmelmehl und dreißig Kor anderes Mehl;
23nenzombe dzina makumi maviri dzokumafuro, namakwai ane zana, nenondo, nemhara, nemhembwe, neshiri dzakakodzwa.
23zehn gemästete Rinder und zwanzig Weiderinder und hundert Schafe, ausgenommen die Hirsche und Gazellen und Damhirsche und das gemästete Geflügel.
24nekuti wakabata ushe panyika yose nechokuno koRwizi, kubva paTifisa kusvikira paGaza, namadzimambo ose aiva nechokuno koRwizi; akava norugare kunhivi dzose dzakanga dzakamupoteredza.
24Denn er herrschte im ganzen Lande diesseits des Euphrat- Stromes von Tiphsach bis nach Gaza, über alle Könige diesseits des Stromes und hatte Frieden auf allen Seiten ringsum;
25VaJudha navaIsiraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuwonde wake, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, mazuva ose aSoromoni.
25so daß Juda und Israel sicher wohnten, ein jeder unter seinem Weinstock und unter seinem Feigenbaum, von Dan bis Beerseba, solange Salomo lebte.
26Soromoni wakange ane zvidyiro zvine zviuru zvina makumi mana zvamabhiza engoro dzake, navatasvi vane zviuru zvine gumi nezviviri.
26Und Salomo hatte vierzigtausend Gespann Rosse für seine Wagen und zwölftausend Reitpferde.
27Vatariri ava vaitsvakira mambo Soromoni zvokudya, navose vaidya patafura yamambo Soromoni, mumwe nomumwe nomwedzi wake; havana kushaisa chinhu chimwe.
27Und jene Vögte versorgten den König Salomo mit Speise; und alles, was zum Tische des Königs Salomo gehörte, brachte ein jeder in seinem Monat; sie ließen es an nichts mangeln.
28Nebhari nouswa hwamabhiza namabhiza aimhanyisa vakauya nazvo panzvimbo yazvaifanira kuva, mumwe nomumwe sezvaakanga arairwa.
28Auch die Gerste und das Stroh für die Rosse und Wagenpferde brachten sie an den Ort, da er war, ein jeder nach seiner Ordnung.
29Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamahombekombe egungwa.
29Und Gott gab Salomo Weisheit und sehr viel Verstand und Weite des Herzens, wie der Sand, der am Meeresufer liegt.
30Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kose kwavaEgipita.
30Und die Weisheit Salomos war größer als die Weisheit aller Söhne des Morgenlandes und als alle Weisheit der Ägypter.
31Nekuti wakapfuura vanhu vose nokungwara; wakakunda Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vana vaMahori; mukurumbira wake ukasvika kundudzi dzose dzakanga dzakavapoteredza.
31Ja, er war weiser als alle Menschen, auch weiser als Etan, der Esrachiter, und Heman und Kalkol und Dardan, die Söhne Machols; und er ward berühmt unter allen Nationen ringsum.
32Wakataurawo shumo dzine zviuru zvitatu, uye nziyo dzake dzakasvika chiuru chimwe neshanu.
32Und er redete dreitausend Sprüche; und seiner Lieder waren tausendundfünf.
33Akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove.
33Er redete auch von den Bäumen, von der Zeder auf dem Libanon bis zum Ysop, der aus der Mauer wächst. Auch redete er vom Vieh, von den Vögeln, von den Reptilien und von den Fischen.
34Vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa kungwara kwaSoromoni, vakabva kumadzimambo ose enyika, vakanga vanzwa zvokungwara kwake.
34Und es kamen aus allen Völkern, Salomos Weisheit zu hören, von allen Königen auf Erden, die von seiner Weisheit gehört hatten.