1Zvino Dhavhidhi wakati, Kuchinomumwe wakasara weimba yaSauro, wandingaitira zvakanaka nokuda kwaJonatani here?
1Und David sprach: Ist noch jemand übriggeblieben vom Hause Sauls, daß ich Barmherzigkeit an ihm erweise um Jonatans willen?
2Zvino kwakanga kuchinomuranda weimba yaSauro wainzi Zibha, vakamudanira kuna Dhavhidhi; mambo akati kwaari, Ndiwe Zibha here? Iye akati, Muranda wenyu ndiye.
2Es war aber ein Knecht vom Hause Sauls, der hieß Ziba; den beriefen sie zu David; und der König sprach zu ihm: Bist du Ziba? Er sprach: Ja, dein Knecht!
3Mambo akati kwaari, Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here? Zibha akati kuna mambo, Jonatani uchinomwanakomana wakaremara tsoka.
3Der König sprach: Ist noch jemand da vom Hause Sauls, daß ich Gottes Barmherzigkeit an ihm erweise? Ziba sprach zum König: Es ist noch ein Sohn Jonatans vorhanden, der lahm an den Füßen ist.
4Mambo akati kwaari, Uripi? Zibha akati kuna mambo, Tarirai, uri kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.
4Der König sprach zu ihm: Wo ist er? Ziba sprach zum König: Siehe, er ist zu Lodebar, im Hause Machirs, des Sohnes Ammiels!
5Ipapo mambo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.
5Da sandte der König David hin und ließ ihn holen von Lodebar aus dem Hause Machirs, des Sohnes Ammiels.
6Naizvozvo Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, akasvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake, akamupfugamira. Dhavhidhi akati, Mefibhosheti! Iye akapindura akati, Tarirai muranda wenyu.
6Als nun Mephiboset, der Sohn Jonatans, des Sohnes Sauls, zu David kam, fiel er auf sein Angesicht und verneigte sich. David aber sprach: Mephiboset! Er sprach: Siehe, hier bin ich, dein Knecht!
7Dhavhidhi akati kwaari, Usatya, nekuti zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka nokuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yababa vako Sauro; iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu.
7David sprach zu ihm: Fürchte dich nicht; denn ich will gewiß Barmherzigkeit an dir erzeigen um Jonatans, deines Vaters willen und will dir alle Äcker deines Vaters Saul wiedergeben; du aber sollst täglich an meinem Tisch das Brot essen!
8Iye akamupfugamira akati, Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?
8Da verneigte er sich und sprach: Wer bin ich, dein Knecht, daß du dich wendest zu einem toten Hunde, wie ich einer bin?
9Ipapo mambo akadana Zibha muranda waSauro, akati kwaari, Zvose zvakanga zviri zvaSauro neimba yake yose, ndakazvipa mwanakomana watenzi wako.
9Und der König rief Ziba, den Knecht Sauls, und sprach zu ihm: Alles, was Saul und seinem ganzen Hause gehört hat, habe ich dem Sohne deines Herrn gegeben.
10Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu. Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri.
10So bestelle ihm nun sein Land, du und deine Söhne und deine Knechte, und bring die Ernte ein, damit der Sohn deines Herrn Brot zu essen habe; Mephiboset aber, der Sohn deines Herrn, soll täglich an meinem Tisch essen. Ziba aber hatte fünfzehn Söhne und zwanzig Knechte.
11Ipapo Zibha akati kuna mambo, Muranda wenyu uchaita zvose zvinorairwa muranda wenyu nashe wangu mambo. Mambo akati, Kana ari Mefibhosheti, iye ucharamba achidya patafura yangu, somumwe wavanakomana vamambo.
11Und Ziba sprach zum König: Ganz so, wie mein Herr, der König, seinem Knechte gebietet, wird dein Knecht tun! Also aß Mephiboset an seinem Tisch, wie einer der Söhne des Königs.
12Zvino Mefibhosheti waiva nomwanakomana muduku, wainzi Mika. Uye vose vakanga vagere mumba maZibha vaiva varanda vaMefibhosheti.
12Und Mephiboset hatte einen kleinen Sohn, der hieß Micha. Und alles, was im Hause Zibas wohnte, diente Mephiboset.
13Naizvozvo Mefibhosheti wakagara Jerusaremu, nekuti waigara achidya patafura yamambo; wakange akaremara tsoka dzake dzose.
13Mephiboset aber wohnte zu Jerusalem, denn er aß täglich an des Königs Tisch. Er war aber lahm an beiden Füßen.