1Nomwedzi wechitatu wokubuda kwavana valsiraeri panyika
1Im dritten Monat nach dem Auszug der Kinder Israel aus Ägypten kamen sie an demselben Tag in die Wüste Sinai.
2Vakati vabva paRefidhimu, vakasvika murenje reSinai, vakadzika matende avo murenje; valsiraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo.
2Denn sie waren von Raphidim ausgezogen und in die Wüste Sinai gekommen und lagerten sich in der Wüste; Israel lagerte sich daselbst dem Berg gegenüber.
3Zvino Mozisi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakove, uudze vana vaIsiraeri, uti,
3Und Mose stieg hinauf zu Gott; denn der HERR rief ihm vom Berge und sprach: Also sollst du zum Hause Jakobs sagen und den Kindern Israel verkündigen:
4Makaona zvandakaitira vaEgipita, uye kuti ndakakutakurai imwi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.
4Ihr habt gesehen, was ich den Ägyptern getan, und wie ich euch auf Adlersflügeln getragen und euch zu mir gebracht habe.
5Naizvozvo zvino kana mukateerera inzwi rangu nomoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava fuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nekuti nyika ndeyangu;
5Werdet ihr nun meiner Stimme Gehör schenken und gehorchen und meinen Bund bewahren, so sollt ihr vor allen Völkern mein besonderes Eigentum sein; denn die ganze Erde ist mein;
6muchava kwandiri ushe hwevapristi, norudzi rutsvene. Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri.
6ihr aber sollt mir ein Königreich von Priestern und ein heiliges Volk sein! Das sind die Worte, die du den Kindern Israel sagen sollst.
7Zvino Mozisi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha.
7Mose kam und berief die Ältesten des Volkes und legte ihnen alle diese Worte vor, die der HERR geboten hatte.
8Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita. Mozisi akandoudza Jehovha mashoko avanhu.
8Da antwortete das ganze Volk miteinander und sprach: Alles, was der HERR gesagt hat, das wollen wir tun! Und Mose überbrachte dem HERRN die Antwort des Volkes.
9Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose.
9Da sprach der HERR zu Mose: Siehe, ich will in einer dicken Wolke zu dir kommen, daß das Volk meine Worte höre, die ich mit dir rede, und auch dir ewiglich glaube. Und Mose verkündigte dem HERRN die Rede des Volkes.
10Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Enda kuvanhu, uvatsaure nhasi namangwana, vasuke nguvo dzavo,
10Da sprach der HERR zu Mose: Geh zum Volk und heilige sie heute und morgen; und sie sollen ihre Kleider waschen
11vagare vakazvigadzira nezuva retatu, nekuti nezuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pavanhu vose pamusoro pegomo reSinai.
11und bereit sein auf den dritten Tag; denn am dritten Tage wird der HERR vor dem ganzen Volk auf den Berg Sinai herabsteigen.
12Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo;
12Und mache dem Volke ein Gehege ringsum und sprich zu ihnen: Hütet euch davor, auf den Berg zu steigen und seinen Fuß anzurühren! Denn wer den Berg anrührt, der soll des Todes sterben!
13ngaarege kubatwa noruoko, asi atakwe zvirokwazvo namabwe, kana apfurwe; kana chiri chipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda ichiramba ichirira, ngavakwire mugomo.
13Niemandes Hand soll ihn anrühren, sonst soll er gesteinigt oder mit einem Geschoß erschossen werden; es sei ein Tier oder ein Mensch, so soll er nicht leben. Wenn aber das Horn ertönt, so sollen sie zum Berge kommen.
14Zvino Mozisi akaburuka mugomo, akaenda kuvanhu, akatsaura vanhu; ivo vakasuka nguvo dzavo.
14Mose stieg vom Berg herab zum Volk und heiligte sie. Und sie wuschen ihre Kleider.
15Akati kuvanhu, Garai makazvigadzira nezuva retatu; musaswedera kumukadzi.
15Und er sprach zum Volk: Seid bereit auf den dritten Tag, keiner nahe sich zum Weibe!
16Zvino nezuva retatu koedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nenzwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera.
16Als nun der dritte Tag kam und es noch frühe war, erhob sich ein Donnern und Blitzen und eine dicke Wolke auf dem Berg und der Ton einer sehr starken Posaune. Da erschrak das ganze Volk, das im Lager war.
17Zvino Mozisi akaudza vanhu kuti vabude pamisasa vasangane naMwari, vamire pajinga regomo.
17Und Mose führte das Volk aus dem Lager, Gott entgegen, und sie stellten sich unten am Berge auf.
18Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nekuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi bwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo.
18Aber der ganze Berg Sinai rauchte davon, daß der HERR im Feuer auf ihn herabstieg. Und sein Rauch ging auf, wie der Rauch eines Schmelzofens, und der ganze Berg erbebte sehr.
19Zvino inzwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mozisi akataura, Mwari akamupindura nenzwi.
19Und der Ton der Posaune ward je länger je stärker. Mose redete, und Gott antwortete ihm mit lauter Stimme.
20Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mozisi kuti akwire kumusoro wegomo, Mozisi akakwira.
20Als nun der HERR auf den Berg Sinai, oben auf die Spitze des Berges herabgekommen war, rief er Mose hinauf auf die Spitze des Berges. Und Mose stieg hinauf.
21Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa.
21Da sprach der HERR zu Mose: Steig hinab und bezeuge dem Volk, daß sie nicht zum HERRN durchbrechen, um zu sehen, und viele von ihnen fallen!
22Navapristi vanoswedera kuna Jehovha, ngavazvitsaure, kuti Jehovha arege kuvaparadza.
22Auch die Priester, die dem HERRN nahen, sollen sich heiligen, daß der HERR nicht einen Riß unter ihnen mache.
23Mozisi akati kuna Jehovha, Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nekuti makatiraira, muchiti, Tarirai miganhu pagomo muritsaure.
23Mose aber sprach zum HERRN: Das Volk kann nicht auf den Berg Sinai steigen, denn du hast uns bezeugt und gesagt: Mache ein Gehege um den Berg und heilige ihn!
24Jehovha akati kwaari, Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapiristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.
24Der HERR sprach zu ihm: Gehe hin, steige hinab! Darnach sollst du und Aaron mit dir hinaufsteigen; aber die Priester und das Volk sollen nicht durchbrechen, um zum Herrn heraufzusteigen, damit er nicht einen Riß unter ihnen mache!
25Ipapo Mozisi akaburukira kuvanhu, akandovaudza.
25Und Mose stieg zum Volke hinunter und sagte es ihnen.