Shona

German: Schlachter (1951)

Genesis

14

1Zvino zvakaitika mumazuva aAmuraferi mambo weShinari, Arioki ma­mbo weErasari, Kedhoriraomeri ma­mbo weEramu, naTidhari, mambo wemarudzi,
1Und es begab sich zur Zeit des Königs Amraphel von Sinear, Ariochs, des Königs von Ellasar, Kedor-Laomers, des Königs von Elam, und Tideals, des Königs der Gojim,
2kuti vakaita hondo naBhera mambo weSodhoma, naBherisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhamu, naShemebheri mambo weZebhoimi, namambo weBhera (rinova Zoari).
2daß sie kriegeten mit Bera, dem König von Sodom, und mit Birsa, dem König von Gomorra, und mit Sinab, dem König von Adama, und mit Semeber, dem König von Zeboim, und mit dem König von Bela, das ist Zoar.
3Ava vose vakasangana mumu­pata weSidhimu unova Gungwa reMunyu.
3Diese vereinigten sich im Tal Siddim, wo jetzt das Salzmeer ist.
4Makore gumi nemaviri vakashandira Kedhoriraomeri, asi vakamumukira negore regumi nematatu.
4Sie waren zwölf Jahre lang Kedor-Laomer untertan gewesen, aber im dreizehnten Jahre fielen sie von ihm ab.
5Zvino mugore regumi nemana Kedhoriraomeri wakauya, nemadzimambo aiva naye, vakarova vaRefaimi paAshitoreti karinaimi, nevaZuzimi paHamu, nevaEmimi paShavhe-kiriataimi,
5Darum kamen Kedor-Laomer und die Könige, die es mit ihm hielten, im vierzehnten Jahre und schlugen die Rephaiter zu Astarot-Karnaim, und die Susiter zu Ham und die Emiter in der Ebene Kirjataim;
6nevaHori pagomo ravo Seiri, kusvi­kira paEriparani riri pedo nerenje.
6auch die Horiter auf ihrem Gebirge Seir, bis nach El-Paran, welches an der Wüste liegt.
7Zvino va­kadzoka vakasvika Enimishipati rinova Kadheshi, ndokurova nyika yose yevaAmareki, nevaAmoriwo, vaigara paHazazoni-Tamari.
7Darnach kehrten sie um und kamen zum Brunnen Mischpat, das ist Kadesch, und schlugen das ganze Land der Amalekiter, dazu die Amoriter, die zu Hazezon-Tamar wohnten.
8Zvino kwakabuda mambo weSodhoma nama­mbo weGomora, namambo weAdhamu namambo weZebhoimi, namambo weBhera rinova Zoari, vakabuda vakarongedza hondo kuzorwa navo pamupata weSidhimu,
8Da zogen aus der König von Sodom, der König von Gomorra, der König von Adama, der König von Zeboim und der König von Bela, die Zoar heißt, und rüsteten sich
9kuti varwe naKedhorirao­meri mambo weEramu, naTidhari, mambo wemarudzi, naAmuraferi mambo weShinari, naArioki, mambo weErasari; madzimambo mana akamirisana nemadzi­mambo mashanu.
9zu streiten im Tal Siddim mit Kedor-Laomer, dem Könige von Elam, und mit Tideal, dem Könige der Gojim, und mit Amraphel, dem König von Sinear, und mit Arioch, dem Könige von Ellasar; vier Könige gegen fünf.
10Zvino mupata weSi­dhimu waiva nemakomba ane tara, uye madzimambo eSodhoma neGomora akatiza, ndokuwiramo; uye vakasara vakatizira kugomo,
10Und das Tal Siddim hatte viele Asphaltgruben. Aber die Könige von Sodom und Gomorra flohen und fielen daselbst, und was übrigblieb, floh ins Gebirge.
11ndokutora nhumbi dzose dzeSo­dhomu neGomora, nechikafu chavo chose, vakaenda.
11Und jene nahmen alle Habe zu Sodom und Gomorra und alle ihre Nahrung, und machten sich davon.
12Zvino vakatora Roti, mwanakomana wemunin'ina waAbhu­ramu, waigara paSodhoma, nenhumbi dzake, ndokuenda.
12Sie nahmen auch mit sich Lot, Abrams Bruder, und seine Habe (denn er wohnte zu Sodom) und gingen.
13Zvino kwakauya wakange apuku­nyuka ndokuudza Abhuramu muHebheru, waigara pamiouki* yaMamure muAmori, mu­nin'ina waEshikori nemunin'ina waAneri vakange vaita sungano naAbhuramu.
13Es kam aber ein Entronnener und sagte es Abram, dem Ebräer, der bei den Eichen Mamres, des Amoriters, wohnte, welcher ein Bruder war von Eschkol und Aner; diese waren Abrams Bundesgenossen.
14Zvino Abhuramu wakati anzwa kuti hama yake yatapwa, akashongedza zvombo vakange vadzidziswa, vaka­zvarwa muimba yake, mazana ma­tatu negumi nevasere, akavateverera ku­svikira paDhani.
14Als nun Abram hörte, daß sein Bruderssohn gefangen sei, bewaffnete er seine erprobten Knechte, dreihundertundachtzehn, die in seinem Hause geboren waren, und jagte jenen nach bis gen Dan,
15Zvino wakazvikamura kurwa navo usiku, iye nevaranda vake, akavarova, akavateverera kusvikira paHobha, riri kurudyi rweDhamasiko.
15verteilte sich und überfiel sie heimlich bei Nacht mit seinen Knechten und schlug sie und verfolgte sie bis gen Hoba, das zur Linken von Damaskus liegt.
16Zvino wakadzosa nhumbi dzose, naRotiwo hama yake nenhumbi dzake, nevakadziwo neva­nhu.
16Und er brachte alle Habe wieder; auch seinen Bruderssohn Lot und dessen Habe, die Weiber und das Volk brachte er wieder.
17Mambo weSodhoma ndoku­buda kunosangana naye adzoka pakuuraya Kedhoraomari nemadzimambo aiva naye pamupata weShavhe unova mupata wamambo.
17Als aber Abram von der Schlacht gegen Kedor-Laomer und die Könige, die mit ihm waren, zurückkehrte, ging ihm der König von Sodom entgegen in das Tal Schaveh, welches Königstal genannt wird.
18Merikizedheki mambo weSaremi ndokuuisa chingwa newaini; uye iye mupristi waMwari Wekumusoro-soro.
18Aber Melchisedek, der König von Salem, brachte Brot und Wein herbei. Und er war ein Priester Gottes, des Allerhöchsten.
19Zvino wakamuropafadza akati: Ngaaropafadzwe Abhuramu naMwari Wekumusoro-soro, Muridzi wematenga nepasi.
19Und er segnete ihn und sprach: Gesegnet sei Abram vom allerhöchsten Gott, dem Besitzer des Himmels und der Erde.
20Uye ngaaropafadzwe Mwari Wekumusoro-soro, wakakumikidza vavengi vako mumaoko ako. Ndokumupa chegumi chezvose.
20Und gelobt sei Gott, der Allerhöchste, der deine Feinde in deine Hand geliefert hat! Und Abram gab ihm den Zehnten von allem.
21Zvino mambo weSodhoma wakati kuna Abhuramu: Ndipe vanhu, ugozvitorera nhumbi.
21Da sprach der König von Sodom zu Abram: Gib mir die Seelen, die Habe behalte für dich!
22Abhuramu ndokuti kuna mambo weSodhoma: Ndasimudzira ruoko rwa­ngu kuna Jehovha Mwari Wekumusoro-soro, muridzi wekumatenga nepasi,
22Abram sprach zum König von Sodom: Ich hebe meine Hand auf zu dem HERRN, dem allerhöchsten Gott, dem Besitzer des Himmels und der Erde,
23kuti handingatori kubva kurushinda kusvika kurukanda rwe­shangu pane chose chaunacho, kuti murege kuzoti: Ini ndakafumisa Abhuramu.
23daß ich von allem, was dein ist, nicht einen Faden noch Schuhriemen nehmen will, daß du nicht sagest: «Ich habe Abram reich gemacht»;
24Kunze kweizvo chete majaya zvaakadya, nemugove wevarume vakainda neni, va­naAneri, Eshikori, naMamure, ngava­tore mugove wavo.
24ausgenommen, was die Jünglinge gegessen haben, und den Teil der Männer Aner, Eschkol und Mamre, die mit mir gezogen sind; sie sollen ihren Anteil erhalten.