Shona

German: Schlachter (1951)

Genesis

47

1Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKanani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni.
1Und Joseph kam und zeigte es dem Pharao an und sprach: Mein Vater und meine Brüder sind aus dem Lande Kanaan gekommen samt ihren Schafen und Rindern, und siehe, sie sind im Lande Gosen!
2Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.
2Er hatte aber aus der Zahl seiner Brüder fünf mitgenommen und stellte sie dem Pharao vor.
3Farao akati kuvakoma vake, Basa renyu nde­reiko?
3Und der Pharao fragte seine Brüder: Was treibt ihr? Sie antworteten ihm: Deine Knechte sind Schafhirten, wir und unsre Väter.
4Vakati kuna Farao, Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nekuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nekuti kune nzara kunyika yeKanani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni.
4Und sie sprachen zum Pharao: Wir sind gekommen, um uns im Lande aufzuhalten; denn deine Knechte haben keine Weide für ihr Vieh, so hart beschwert die Hungersnot das Land Kanaan; und nun möchten deine Knechte gerne im Lande Gosen wohnen.
5Ipapo Farao aka­taura naJosefa, akati, Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;
5Da sprach der Pharao zu Joseph: Dein Vater und deine Brüder sind zu dir gekommen;
6nyika yeIji­piti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo ya­kaisvonaka panyika ino, ngavagare pa­nyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu.
6das Land Ägypten steht dir offen; laß deinen Vater und deine Brüder am besten Ort des Landes wohnen, im Lande Gosen sollen sie wohnen; und wenn du weißt, daß unter ihnen tüchtige Leute sind, so setze sie zu Aufsehern über mein Vieh!
7Josefa akapinda naJakove, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakove akaropafadza Farao.
7Joseph brachte auch seinen Vater Jakob hinein und stellte ihn dem Pharao vor; und Jakob segnete den Pharao.
8Farao akati kuna Jakove, Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?
8Und der Pharao fragte Jakob: Wie alt bist du?
9Jakove akati kuna Farao, Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu aiva mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo.
9Jakob sprach zum Pharao: Die ganze Zeit meiner Pilgrimschaft beträgt hundertunddreißig Jahre; wenig und böse sind meine Lebensjahre gewesen und erreichen nicht die Zahl der Lebensjahre meiner Väter in den Tagen ihrer Pilgrimschaft.
10Jakove akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.
10Und Jakob segnete den Pharao und ging hinaus von Pharaos Angesicht.
11Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeEgipita, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRa­mesesi, sezvaakarairwa naFarao.
11Und Joseph wies seinem Vater und seinen Brüdern Wohnsitz an und gab ihnen ein Besitztum im Lande Ägypten, am besten Orte des Landes, in der Landschaft Ramses, wie der Pharao befohlen hatte.
12Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, aka­vapa zvokudya achiverenga navana va­vowo.
12Und Joseph versorgte seinen Vater und seine Brüder und das ganze Haus seines Vaters mit Brot nach der Zahl der Kinder.
13Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nekuti nzara yakanga iri huru, nyika yeEgipita nenyika yeKanani dzikaziya nenzara.
13Es war aber im ganzen Lande kein Brot; denn die Hungersnot war sehr schwer und Ägyptenland war erschöpft, ebenso das Land Kanaan, wegen der Hungersnot.
14Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeEgipita, napanyika yeKanani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.
14Und Joseph brachte alles Geld zusammen, das in Ägypten und im Lande Kanaan gefunden ward, um Korn zu kaufen; und Joseph brachte das Geld in das Haus des Pharao.
15Mari yose yakati yapera mu­nyika yeEgipita, napanyika yeKanani, vaEgipita vose vakauya kuna Josefa, vakati, Tipei zvokudya, nekuti tingafa seiko pamberi penyu? nekuti mari yapera.
15Da nun das Geld ausgegangen war in Ägyptenland und in Kanaan, kamen alle Ägypter zu Joseph und sprachen: Gib uns Brot! Warum sollen wir vor dir sterben, weil wir kein Brot haben?
16Josefa akati, Uyai nemombe dze­nyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvi­pfuwo zvenyu, kana mari yapera.
16Joseph sprach: Bringet euer Vieh her, so will ich euch geben als Entgelt für euer Vieh, wenn ihr ohne Geld seid!
17Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachi­tsinhanha namabhiza, namakwai, nemo­mbe, nemadhongi; akavararamisa nezvo­kudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.
17Da brachten sie ihr Vieh zu Joseph; und er gab ihnen Brot um Pferde, Schafe, Rinder und Esel, und versorgte sie also in jenem Jahre mit Brot um den Preis ihres Viehs.
18Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;
18Als nun jenes Jahr verflossen war, kamen sie zu ihm im andern Jahr und sprachen: Wir wollen unserm Herrn nicht verhehlen, daß, weil das Geld ausgegangen ist und das Vieh unserm Herrn gehört, nunmehr nichts mehr übrigbleibt vor unserm Herrn als unser Leib und unser Feld!
19zvino tingafa seiko pamberi pe­nyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.
19Warum sollen wir umkommen vor deinen Augen, wir und unser Feld? Kaufe uns samt unserm Feld um Brot, daß wir und unser Feld dem Pharao dienstbar seien! Gib uns Samen, daß wir leben und nicht sterben, und daß das Land nicht zur Wüste werde!
20Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeEgipita, nekuti vaEgipita vaka­tengesa mumwe nomumwe munda wake, nekuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.
20Also kaufte Joseph alles Ackerland der Ägypter für den Pharao auf, denn die Ägypter verkauften ein jeder sein Feld; denn die Hungersnot zwang sie dazu; und so ward das Land des Pharao Eigentum.
21Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva ku­muganhu mumwe weEgipita kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.
21Das Volk aber machte er zu leibeigenen Knechten, von einem Ende Ägyptens bis zum andern.
22Asi nyika yavapristi yoga haana kuitenga, nekuti vapristi vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:
22Nur die Äcker der Priester kaufte er nicht; denn die Priester bekamen ihr Bestimmtes vom Pharao und nährten sich von ihrem festen Einkommen, das ihnen der Pharao gab; darum brauchten sie ihre Äcker nicht zu verkaufen.
23Zvino Josefa akati kuvanhu, Tarirai, ndakate­ngera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudzvare panyika.
23Und Joseph sprach zum Volk: Ich habe euch heute samt eurem Land für den Pharao gekauft; hier ist Samen für euch, besäet das Land.
24Ne­nguva yokukohwa munofanira kupa Fa­rao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zve­nyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvo­kudya zvepwere dzenyu.
24Aber vom Ertrag habt ihr dem Pharao den Fünften zu geben, und vier Teile sollen euer sein zum Besäen der Felder und zum Unterhalt für euch selbst und euer Gesinde und zur Nahrung für eure Kinder.
25Ivo vakati, Ndimwi makatiche­ngeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao.
25Da sprachen sie: Du hast uns das Leben erhalten! Finden wir Gnade in deinen Augen, so wollen wir des Pharao Knechte sein!
26Josefa akatema mutemo panyika yeEgipita, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavapristi yoga haina kuva yaFa­rao.
26Da machte Joseph solches zum Gesetz bis auf den heutigen Tag, daß vom Ertrag des Ackerlandes der Ägypter dem Pharao der Fünfte zu geben sei; nur die Äcker der Priester wurden nicht des Pharao Eigentum.
27Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeEgipita, panyika yeGosheni, vakazviwa­nira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.
27Und Israel wohnte in Ägypten, im Lande Gosen, und sie nahmen es in Besitz, waren fruchtbar und mehrten sich sehr.
28Jakove akagara panyika yeEgipita makore ane gumi namanomwe; naizvo­zvo mazuva aJakove makore oupenyu hwake, aiva makore ane zana namakumi mana namanomwe.
28Und Jakob lebte noch siebzehn Jahre in Ägyptenland, also daß seine ganze Lebenszeit hundertundsiebenundvierzig Jahre betrug.
29Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga ya­swedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, Kana nda­wana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire tsitsi nechokwadi; rega hako kundiviga paEgipita;
29Als nun die Zeit kam, daß Israel sterben sollte, rief er seinen Sohn Joseph und sprach zu ihm: Habe ich Gnade vor deinen Augen gefunden, so lege doch deine Hand unter meine Hüfte und erweise mir Liebe und Treue: Begrabe mich doch ja nicht in Ägypten!
30asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paEgipita, unondiviga mu­guva ravo. Iye akati, Ndichaita sezvamataura.
30Sondern ich will bei meinen Vätern liegen; darum sollst du mich aus Ägypten führen und mich in ihrem Grabe begraben. Er sprach: Ich will tun, wie du gesagt hast!
31Vakati, Ndipikire; iye akavapi­kira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamu­soro wouvato hwake.
31Er aber sprach: So schwöre mir! Da schwur er ihm. Und Israel verbeugte sich vor dem Haupt des Stammes.