1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
1Und der HERR redete zu Mose und sprach:
2Tora Aroni, navanakomana vake, namafuta okuzodza nawo, nenzombe yechipiriso chezvivi, namakondobwe maviri nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa;
2Nimm Aaron und seine Söhne mit ihm, dazu die Kleider und das Salböl und einen Farren zum Sündopfer, zwei Widder und einen Korb mit ungesäuertem Brot,
3uunganidze ungano yose pamukova wetende rokusangana.
3und versammle die ganze Gemeinde vor der Tür der Stiftshütte.
4Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha, ungano ikaunganidzwa pamukova wetende rokusangana.
4Mose tat, wie ihm der HERR befahl, und versammelte die Gemeinde vor der Tür der Stiftshütte.
5Zvino Mozisi akati kuungano, Ndizvo zvakarairwa naJehovha kuti zviitwe.
5Und Mose sprach zu der Gemeinde: Das ist's, was der HERR zu tun geboten hat.
6Mozisi akauya naAroni navanakomana vake, akavashambidza nemvura,
6Und Mose brachte Aaron und seine Söhne herzu und wusch sie mit Wasser.
7akamufukidza jasi, ndokumusunga chiuno nebhanhire, akamufukidza nguvo, akamuisa efodhi, nokumusunga chiuno nebhande reefodhi rakarukwa nouchenjeri, ndokurisungira kwaari naro.
7Und er legte ihm den Leibrock an und gürtete ihn mit dem Gürtel des Ephod und befestigte es damit.
8Akamuisa hombodo yechipfuva, ndokuisa Urimi neTumimi muhombodo yechipfuva.
8Darnach legte er ihm das Brustschildlein an und tat in das Brustschildlein das Licht und das Recht;
9Akaisawo ngowani pamusoro wake; pangowani nechemberi akaisa bwendefa rendarama, ndiyo korona tsvene; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
9und er setzte ihm den Hut auf das Haupt und heftete an den Hut, vorn an seine Stirne, das goldene Stirnblatt, das heilige Diadem, wie der HERR Mose geboten hatte.
10Zvino Mozisi akatora mafuta okuzodza nawo, akazodza tabhenakeri, nezvose zvakanga zvirimo, akazvitsaura.
10Und Mose nahm das Salböl und salbte die Wohnung und alles, was darin war, und weihte es.
11Akasasa mamwe kanomwe paaritari, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, kuti azvitsaure.
11Auch sprengte er davon siebenmal auf den Altar und salbte den Altar samt allen seinen Geräten, auch das Becken samt seinem Fuß, um es zu weihen.
12Akadirawo mamwe mafuta okuzodza nawo pamusoro waAroni, akamuzodza kuti amutsaure.
12Und er goß von dem Salböl auf das Haupt Aarons und salbte ihn, um ihn zu weihen.
13Ipapo Mozisi akauya navanakomana vaAroni, akavafukidza majasi, akavasunga zviuno namabhanhire, akavaisa ngowani, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
13Er brachte auch die Söhne Aarons herzu und zog ihnen Leibröcke an und gürtete sie mit dem Gürtel und band ihnen hohe Mützen auf, wie der HERR Mose geboten hatte.
14Akauya nenzombe yechipiriso chezvivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wenzombe yechipiriso chezvivi;
14Und ließ einen Farren herzuführen zum Sündopfer; und Aaron und seine Söhne stützten ihre Hände auf den Kopf des Farren, des Sündopfers.
15akaibaya; Mozisi ndokutora ropa, ndokuriisa panyanga dzearitari kunhivi dzose nomumwe wake, akanatsa aritari, ndokudururira ropa mujinga mearitari, akaitsaura, kuti aiyananisire.
15Und Mose schächtete ihn und nahm das Blut und tat es mit seinem Finger auf die Hörner des Altars ringsum; also entsündigte er den Altar und goß das übrige Blut an den Grund des Altars und weihte ihn, indem er ihm Sühne erwirkte.
16Akatora mafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, Mozisi akazvipisa paaritari.
16Sodann nahm er alles Fett am Eingeweide und was über die Leber hervorragt und die beiden Nieren mit dem Fett daran, und Mose verbrannte es auf dem Altar.
17Asi nzombe nedebwe rayo, nenyama yayo, namazvizvi ayo, wakazvipisa nomoto kunze kwemisasa, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
17Aber den Farren samt seinem Fell und seinem Fleisch und Mist verbrannte er mit Feuer außerhalb des Lagers, wie der HERR Mose geboten hatte.
18Akauya negondobwe rechipiriso chinopiswa; Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondobwe.
18Er brachte auch den Widder herzu zum Brandopfer. Und Aaron und seine Söhne stützten ihre Hände auf des Widders Kopf.
19Akariuraya; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
19Und Mose schächtete ihn und sprengte das Blut ringsrum an den Altar
20Akagura-gura gondobwe, Mozisi akapisa musoro nenhindi namafuta.
20und zerlegte den Widder in seine Stücke, und Mose verbrannte den Kopf, die Stücke und das Fett,
21Akasuka ura namakumbo nemvura, Mozisi akapisa gondobwe rose paaritari, chikava chipiriso chinopiswa chainhuhwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
21und wusch die Eingeweide und die Schenkel mit Wasser; also verbrannte Mose den ganzen Widder auf dem Altar. Das war ein Brandopfer zum lieblichen Geruch, ein Feueropfer dem HERRN, wie der HERR Mose geboten hatte.
22Zvino akauyawo nerimwe gondobwe, gondobwe rokugadza naro, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondobwe.
22Er brachte auch den andern Widder herzu, den Widder des Einweihungsopfers. Und Aaron und seine Söhne stützten ihre Hände auf des Widders Kopf.
23Akaribaya, Mozisi akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wezasi wenzeve yaAroni yorudyi, napagumwe roruoko rwake rworudyi, napagumwe rorutsoka rwake rworudyi.
23Mose aber schächtete ihn und nahm von seinem Blut, und tat es Aaron auf sein rechtes Ohrläpplein und auf den Daumen seiner rechten Hand und auf die große Zehe seines rechten Fußes,
24Akauyisa vanakomana vaAroni, Mozisi akaisa rimwe ropa pamicheto yezasi yenzeve dzavo dzorudyi, napamagumwe amaoko avo orudyi, napamagumwe etsoka dzavo dzorudyi; Mozisi akasasa ropa pamusoro pearitari kunhivi dzose.
24und er brachte auch Aarons Söhne herzu und tat von dem Blut auf ihr rechtes Ohrläpplein und auf den Daumen ihrer rechten Hand und auf die große Zehe ihres rechten Fußes und sprengte das Blut ringsum an den Altar.
25Akatora mafuta nebemhe, namafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, nebandauko rorudyi;
25Und er nahm das Fett und den Fettschwanz und alles Fett am Eingeweide und was über die Leber hervorragt und die beiden Nieren mit dem Fett daran und die rechte Keule;
26akatora mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zvaiva pamberi paJehovha, chingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa, nechingwa chimwe chiduku chezvingwa zvakazodzwa mafuta, nechingwa chitete chimwe, akazviisa pamusoro pamafuta, napamusoro pebandauko rorudyi;
26dazu nahm er aus dem Korbe mit dem ungesäuerten Brot vor dem HERRN einen ungesäuerten Kuchen und einen Brotkuchen mit Öl und einen Fladen und legte es auf die Fettstücke und auf die rechte Keule,
27akaisa zvose pamaoko aAroni, napamaoko avanakomana vake, akazvizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa.
27und legte das alles auf die Hände Aarons und auf die Hände seiner Söhne und webte es zum Webopfer vor dem HERRN.
28Ipapo Mozisi akazvitora zvose pamaoko ake, akazvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa; zvikava zvokugadza nazvo, zvikanhuhwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
28Darnach nahm Mose das alles wieder von ihren Händen und verbrannte es auf dem Altar über dem Brandopfer. Das war das Einweihungsopfer zum lieblichen Geruch, ein Feueropfer dem HERRN.
29Zvino Mozisi akatora chityu akachizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa; ndiwo waiva mugove waMozisi pagondobwe rokugadza naro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
29Und Mose nahm die Brust und webte sie zum Webopfer vor dem HERRN; das war Moses Anteil von dem Widder des Einweihungsopfers, wie der HERR Mose geboten hatte.
30Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nawo, nerimwe ropa rakanga riri paaritari, akarisasa pamusoro paAroni napamusoro penguvo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napamusoro penguwo dzavanakomana vake pamwechete naye; akatsaura Aroni nenguvo dzake, navanakomana vake, nenguvo dzavanakomana vake pamwechete naye.
30Und Mose nahm von dem Salböl und von dem Blut auf dem Altar und sprengte es auf Aaron und seine Kleider, auf seine Söhne und ihre Kleider und weihte also Aaron und seine Kleider und mit ihm seine Söhne und seiner Söhne Kleider.
31Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.
31Und Mose sprach zu Aaron und zu seinen Söhnen: Kocht das Fleisch vor der Tür der Stiftshütte und esset es daselbst, wie ich geboten und gesagt habe: Aaron und seine Söhne sollen es essen.
32Asi zvakasara zvenyama nechingwa munofanira kuzvipisa nomoto.
32Was aber vom Fleisch und Brot übrigbleibt, das sollt ihr mit Feuer verbrennen.
33Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nekuti iye uchakugadzai mazuva manomwe.
33Und ihr sollt sieben Tage lang nicht hinausgehen vor die Tür der Stiftshütte, bis an den Tag, an welchem die Tage eures Weihopfers erfüllt sind; denn sieben Tage lang soll man euch die Hände füllen.
34Sezvakaitwa zuva ranhasi, Jehovha wakaraira kuti zviitwe saizvozvo, kuti muyananisirwe.
34Was man heute getan hat, das hat der HERR zu tun befohlen, um für euch Sühne zu erwirken.
35Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nekuti ndizvo zvandakarairwa.
35Sieben Tage lang sollt ihr Tag und Nacht an der Tür der Stiftshütte bleiben und die Anordnungen des HERRN befolgen, daß ihr nicht sterbet; denn also ist es mir geboten worden.
36Zvino Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
36Und Aaron und seine Söhne taten alles, was der HERR durch Mose geboten hatte.