1Nomwedzi wechinomwe, nezuva rokutanga romwedzi, munofanira kuita ungano tsvene; hamufaniri kubata mabasa avaranda naro; rinofanira kuva kwamuri zuva rokuridza hwamanda naro.
1Und am ersten Tage des siebenten Monats sollt ihr eine heilige Versammlung halten, da sollt ihr keine Werktagsarbeit verrichten, denn es ist euer Posaunentag.
2Munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe imwe duku, negondobwe rimwe, namakwayana amakondobwe manomwe, egore rimwe, asina kuremara;
2Und ihr sollt dem HERRN Brandopfer darbringen zum lieblichen Geruche: einen jungen Farren, einen Widder, sieben einjährige tadellose Lämmer;
3nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, zvegumi zvitatu panzombe, nezvegumi zviviri pagondobwe,
3dazu ihr Speisopfer von Semmelmehl, mit Öl gemengt, drei Zehntel zum Farren, zwei Zehntel zum Widder
4nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe;
4und ein Zehntel zu jedem der sieben Lämmer;
5nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho;
5auch einen Ziegenbock zum Sündopfer, um Sühnung für euch zu erwirken,
6kunze kwechipiriso chinopiswa pakugara komwedzi, nechipisiro chacho choupfu, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, sezvakarairwa; chive chinonhuhwira zvakanaka, chive chipiriso chinopisirwa Jehovha.
6außer dem Brandopfer des Neumonds und seinem Speisopfer, und außer dem beständigen Brandopfer mit seinem Speisopfer und mit ihren Trankopfern, wie es sich gebührt, zum wohlriechenden Feuer für den HERRN.
7Nezuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; munofanira kuchema pamweya yenyu; musatongobata basa.
7Am zehnten Tag dieses siebenten Monats sollt ihr auch eine heilige Versammlung halten und sollt eure Seelen demütigen; da sollt ihr keine Werktagsarbeit verrichten,
8Asi munofanira kuuya nechipiriso chokupisira Jehovha, chive chinonhuhwira zvakanaka, zvinoti: Nzombe imwe duku, negondobwe rimwe, namakwayana amakondobwe manomwe egore rimwe; zvive zivisina kuremara kwamuri;
8sondern dem HERRN ein Brandopfer darbringen, zum lieblichen Geruch: einen jungen Farren, einen Widder, sieben einjährige, tadellose Lämmer,
9nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe, nezvegumi zviviri pagondobwe rimwe;
9samt ihrem Speisopfer von Semmelmehl, mit Öl gemengt, drei Zehntel zum Farren, zwei Zehntel zum Widder,
10nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe,
10und ein Zehntel zu jedem der sieben Lämmer;
11nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chezvivi chokuyananisira nacho, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.
11einen Ziegenbock zum Sündopfer, außer dem Sündopfer der Versühnung und dem täglichen Brandopfer mit seinem Speisopfer und ihren Trankopfern.
12Nezuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; hamufaniri kubata basa ravaranda naro; munofanira kuitira Jehovha mutambo wamazuva manomwe.
12Gleicherweise sollt ihr am fünfzehnten Tage des siebenten Monats eine heilige Versammlung halten; da sollt ihr keine Werktagsarbeit verrichten, sondern ihr sollt dem HERRN sieben Tage lang ein Fest feiern.
13Munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopiswa nomoto, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe duku dzine gumi nenhatu, namakondobwe maviri, namakwayana amakondobwe ane gumi namana egore rimwe; zvive zvisina kuremara;
13Da sollt ihr Brandopfer darbringen, ein wohlriechendes Feuer für den HERRN: dreizehn junge Farren, zwei Widder, vierzehn einjährige, tadellose Lämmer,
14nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe neimwe panzombe dzine gumi nenhatu, nezvegumi zviviri pagondobwe rimwe nerimwe pamakondobwe maviri;
14samt ihrem Speisopfer von Semmelmehl, mit Öl gemengt, drei Zehntel zu jedem der dreizehn Farren,
15nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana ane gumi nemana
15zwei Zehntel zu jedem der beiden Widder und ein Zehntel zu jedem der vierzehn Lämmer;
16nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
16dazu einen Ziegenbock zum Sündopfer, außer dem täglichen Brandopfer mit seinem Speisopfer und seinem Trankopfer.
17Nezuva repiri munofanira kuuya nenzombe duku dzine gumi nembiri, namakondobwe maviri, namakwayana amakondobwe ane gumi namana egore rimwe asina kuremara.
17Und am zweiten Tage: zwölf junge Farren, zwei Widder, vierzehn einjährige, tadellose Lämmer,
18Nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa zvenzombe, namakondobwe namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
18mit den zugehörigen Speisopfern und Trankopfern zu den Farren, Widdern und Lämmern, wie sich's gebührt, nach ihrer Zahl,
19nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose; nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.
19dazu einen Ziegenbock zum Sündopfer, außer dem täglichen Brandopfer samt seinem Speisopfer und den Trankopfern.
20Nezuva retatu munofanira kuuya nenzombe duku dzine gumi neimwe, namakondobwe maviri, namakwayana amakondobwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;
20Und am dritten Tage: elf Farren, zwei Widder, vierzehn einjährige, tadellose Lämmer,
21nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa zvenzombe, namakondobwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
21samt den zugehörigen Speisopfern und Trankopfern zu den Farren, Widdern und Lämmern, nach ihrer Zahl, wie sich's gebührt;
22nenhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
22dazu einen Ziegenbock zum Sündopfer, außer dem täglichen Brandopfer samt seinem Speisopfer und seinem Trankopfer.
23Nezuva rechina munofanira kuuya nenzombe duku dzine gumi, namakondobwe maviri, namakwayana amakondobwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;
23Und am vierten Tage: zehn Farren, zwei Widder,
24nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondobwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
24vierzehn einjährige, tadellose Lämmer, samt den zugehörigen Speisopfern und Trankopfern zu den Farren, Widdern und Lämmern, nach ihrer Zahl, wie sich's gebührt;
25nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
25dazu einen Ziegenbock zum Sündopfer, außer dem täglichen Brandopfer samt seinem Speisopfer und seinem Trankopfer.
26Nezuva reshanu munofanira kuuya nenzombe duku pfumbamwe, nemakondobwe maviri, namakwayana amakondobwe ane gumi namana egore rimwe asina kuremara;
26Und am fünften Tage: neun Farren, zwei Widder, vierzehn einjährige, tadellose Lämmer,
27nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, nenzombe, namakondobwe namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo,, sezvakarairwa;
27samt den zugehörigen Speisopfern und Trankopfern zu den Farren, Widdern und Lämmern, nach ihrer Zahl, wie sich's gebührt;
28nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
28dazu einen Ziegenbock zum Sündopfer, außer dem täglichen Brandopfer samt seinem Speisopfer und seinem Trankopfer.
29Nezuva retanhatu munofanira kuuya nenzombe sere, namakondobwe maviri, namakwayana amakondobwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;
29Und am sechsten Tage: acht Farren, zwei Widder, vierzehn einjährige, tadellose Lämmer,
30nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondobwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
30samt den zugehörigen Speisopfern und Trankopfern zu den Farren, Widdern und Lämmern, nach ihrer Zahl, wie sich's gebührt;
31nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nezvipiriso zvacho zvinodururwa.
31dazu einen Bock zum Sündopfer, außer dem täglichen Brandopfer samt seinem Speisopfer und seinen Trankopfern.
32Nezuva rechinomwe munofanira kuuya nenzombe duku nomwe, namakondobwe maviri, namakwayana amakondobwe ane gumi namana egore rimwe, asina kuremara;
32Und am siebenten Tage: sieben Farren, zwei Widder, vierzehn einjährige, tadellose Lämmer,
33nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondobwe, namakwayana, zvakaenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa;
33samt den zugehörigen Speisopfern und Trankopfern zu den Farren, Widdern und Lämmern, nach ihrer Zahl, wie sich's gebührt;
34nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
34dazu einen Ziegenbock zum Sündopfer, außer dem täglichen Brandopfer samt seinem Speisopfer und seinem Trankopfer.
35Nezuva rorusere munofanira kuita ungano tsvene; hamufaniri kubata basa ravaranda naro.
35Am achten Tag sollt ihr eine Versammlung halten; da sollt ihr keine Werktagsarbeit verrichten,
36Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopiswa nomoto, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe imwe duku, negondobwe rimwe, namakwayana amakondobwe manomwe egore rimwe, asina kuremara;
36sondern dem HERRN Brandopfer darbringen, ein Feueropfer lieblichen Geruchs: einen Farren, einen Widder, sieben einjährige, tadellose Lämmer,
37nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, zvenzombe, namakondobwe, namakwayana, zvinofanira kuenzana nokuwanda kwazvo, sezvakarairwa,
37samt dem erforderlichen Speisopfer und den Trankopfern zu dem Farren, dem Widder und den Lämmern, nach ihrer Zahl, wie sich's gebührt;
38nenhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi; kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
38dazu einen Ziegenbock zum Sündopfer, außer dem täglichen Brandopfer samt seinem Speisopfer und seinem Trankopfer.
39Ndizvo zvamunofanira kuuya nazvo kuna Jehovha pamitambo yenyu yakatarwa, kunze kwemhiko dzenyu, nezvipo zvokuda kwenyu, zvive zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvipiriso zvenyu zvoupfu, nezvipiriso zvenyu zvinodururwa, nezvipiriso zvenyu zvokuyananisa.
39Solches sollt ihr dem HERRN an euren Festen darbringen, außer dem, was ihr gelobt und freiwillig gebt an Brandopfern, Speisopfern, Trankopfern und Dankopfern.
40Mozisi akaudza vana valsiraeri zvose zvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
40(H29-39b) Und Mose sagte den Kindern Israel alles, was ihm der HERR geboten hatte.