1Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
1Und der HERR redete zu Mose und sprach: Rede mit Aaron und sprich zu ihm:
2Taura naAron, uti kwaari, Kana uchimisa mwenje, mwenje minomwe inofanira kuvhenekera pamberi pechigadziko.
2Wenn du die Lampen aufsetzest, so sollen alle sieben Lampen ihr Licht nach der gegenüberliegenden Seite werfen.
3Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje sezvakarairwa kuti ivhenekere pamberi pechigadziko sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
3Und Aaron tat also. Vorn an dem Leuchter setzte er seine Lampen auf, wie der HERR Mose geboten hatte.
4Chigadziko chakanga chakaitwa kudai: Chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kusvikira pasi pacho napamaruva acho chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakange wakaratidzwa Mozisi naJehovha, ndizvo zvaakaita chigadziko.
4Der Leuchter aber war ein Werk von getriebenem Gold, sowohl sein Schaft als auch seine Blumen; nach dem Gesichte, welches der HERR Mose gezeigt, hatte man den Leuchter gemacht.
5Jehovha akataura naMozisi akati,
5Und der HERR redete zu Mose und sprach:
6Bvisa vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, uvanatse.
6Nimm die Leviten aus den Kindern Israel und reinige sie!
7Pakuvanatsa unofanira kuvaitira kudai: Sasa pamusoro pavo mvura inosuka zvivi, ugovaraira kuti vaveurwe muviri wavo wose nechiso, vasuke nguvo dzavo, nokuzvinatsa.
7Also aber sollst du mit ihnen verfahren, um sie zu reinigen: Du sollst Wasser der Entsündigung auf sie sprengen, und sie sollen ein Schermesser über ihren ganzen Leib gehen lassen und ihre Kleider waschen; so sind sie rein.
8Zvino vanofanira kutora nzombe duku, nechipiriso chayo choupfu, upfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; newe utore imwe nzombe duku, chive chipiriso chezvivi.
8Alsdann sollen sie einen jungen Farren nehmen samt seinem Speisopfer von Semmelmehl, mit Öl gemengt; und einen anderen jungen Farren sollst du zum Sündopfer nehmen.
9Zvino uise vaRevhi pamberi petende rokusangana, ndokukoka ungano yose yavana vaIsiraeri.
9Und sollst die Leviten vor die Stiftshütte bringen und die ganze Gemeinde der Kinder Israel versammeln.
10Unofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha, vana vaIsiraeri vagoisa maoko avo pamusoro pavaRevhi.
10Darnach sollst du die Leviten vor den HERRN treten lassen. Und die Kinder Israel sollen ihre Hände auf die Leviten stützen.
11Zvino Aroni anofanira kuzunguzira vaRevhi pamberi paJehovha, vave chipiriso chinozunguzirwa nokuda kwavana vaIsiraeri, kuti vagarepo kuzobata basa raJehovha.
11Und Aaron soll die Leviten vor dem HERRN weben zum Webopfer seitens der Kinder Israel, daß sie den Dienst des HERRN versehen.
12Zvino vaRevhi vanofanira kuisa maoko avo pamisoro yenzombe duku, iwe ugobayira Jehovha imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.
12Und die Leviten sollen ihre Hände auf die Häupter der Farren stützen, dann soll einer zum Sündopfer, der andere dem HERRN zum Brandopfer gemacht werden, um den Leviten Sühne zu erwirken.
13Zvino unofanira kuisa vaRevhi pamberi paAroni navanakomana vake, ugovazunguzira vave chipiriso chinozunguzirwa kuna Jehovha.
13Und du sollst die Leviten vor Aaron und seine Söhne stellen und sie vor dem HERRN zum Webopfer weben.
14Unofanira kubvisa vaRevhi saizvozvo pakati pavana vaIsiraeri, kuti vaRevhi vave vangu.
14Also sollst du die Leviten von den Kindern Israel scheiden, daß sie mein seien.
15Zvino shure kwaizvozvo vaRevhi vanofanira kupinda kuzobata basa patende rokusangana; unofanira kuvanatsa nokuvazunguzira vave chipiriso chinozunguzirwa.
15Darnach sollen sie hineingehen, um in der Stiftshütte zu dienen, nachdem du sie gereinigt und zum Webopfer gemacht hast.
16nekuti ndakavapiwa ini chose pakati pavana vaIsiraeri; ndakazvitorera ivo panzvimbo yavose vanotanga kuzarura chizvaro, iwo matangwe avana valsiraeri vose.
16Denn sie sind mir zum Geschenk übergeben von den Kindern Israel; ich habe sie mir genommen an Stelle aller Erstgeburt von den Kindern Israel.
17Nekuti matangwe ose avana vaIsiraeri ndeangu, kana evanhu kana ezvipfuwo; ndakazvitsaurira iwo nomusi wandakauraya matangwe ose munyika yeEgipita.
17Denn alle Erstgeburt der Kinder Israel ist mein, von Menschen und Vieh; an dem Tage, als ich alle Erstgeburt in Ägypten schlug, habe ich sie mir geheiligt.
18Ndakatora vaRevhi panzvimbo yamatangwe ose pakati pavana vaIsiraeri,
18Und ich habe die Leviten genommen an Stelle aller Erstgeburt unter den Kindern Israel,
19Aroni navanakomana vake ndikavapa vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri, kuti vabate basa ravana vaIsiraeri patende rokusangana, nokuyananisira vana vaIsiraeri, kuti hosha irege kuvapo pakati pavana vaIsiraeri kana vana vaIsiraeri vachiswedera kuimba tsvene.
19und habe sie Aaron und seinen Söhnen aus den Kindern Israel zum Geschenke gegeben, daß sie den Dienst der Kinder Israel in der Stiftshütte versehen und den Kindern Israel Sühne erwirken, daß die Kinder Israel keine Plage treffe, wenn sie selbst zum Heiligtum nahen wollten.
20Mozisi naAroni neungano yose yavana vaIsiraeri vakaitira vaRevhi saizvozvo; zvose sezvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro pavaRevhi, vana vaIsiraeri vakavaitira saizvozvo.
20Und Mose samt Aaron und der ganzen Gemeinde der Kinder Israel taten solches mit den Leviten; ganz wie der HERR Mose geboten hatte betreffs der Leviten, also taten sie mit ihnen.
21VaRevhi vakazvinatsa pazvivi zvavo, vakasuka nguvo dzavo, Aroni akavazunguzira pamberi paJehovha vave chipiriso chinozunguzirwa; Aroni akavayananisira kuti avanatse.
21Und die Leviten entsündigten sich und wuschen ihre Kleider. Und Aaron webte sie zum Webopfer vor dem HERRN und erwirkte ihnen Sühne, daß sie rein wurden.
22Zvino shure kwaizvozvo vaRevhi vakapinda kuzobata basa patende rokusangana pamberi paAroni napamberi pavana vake; sezvakarairwa Mozisi naJehovha pamusoro pavaRevhi, ndizvo zvaakavaitira.
22Darnach gingen sie hinein, daß sie in der Stiftshütte ihr Amt verrichteten vor Aaron und seinen Söhnen; wie der HERR Mose geboten hatte betreffs der Leviten, also taten sie mit ihnen.
23Jehovha akataura naMozisi akati,
23Und der HERR redete zu Mose und sprach:
24Ndiwo murayiro wavaRevhi: Avo vasvika pamakore makumi maviri namashanu, navanopfuura, vanofanira kupinda kuzorwa namabasa etende rokusangana;
24Dazu sind die Leviten verpflichtet: von fünfundzwanzig Jahren an und darüber soll einer Dienst tun bei der Stiftshütte.
25asi kana vasvika makore ana makumi mashanu vanofanira kurega basa iri; havachafaniri kubata;
25Aber vom fünfzigsten Jahre an soll er vom Amt des Dienstes zurücktreten und nicht mehr dienen;
26asi vangabatsirana havo nehama dzavo patende rokusangana, kuti varichengete, asi ngavarege kubata basa. Ndizvo zvaunofanira kuitira vaRevhi pamusoro pamabasa avo.
26er mag seinen Brüdern helfen in der Stiftshütte bei der Verrichtung ihres Amtes; aber Dienst soll er nicht mehr tun. Also sollst du es mit den Leviten halten, ihr Amt betreffend.