1Zvino vagere Jerusaremu vakaita Ahazia, mwanakomana wake muduku, mambo panzvimbo yake, nekuti boka ravanhu, vakauya navaArabhia, vakanga vauraya vakuru vake vose. Naizvozvo Ahazia mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akabata ushe.
2Ahazia akanga asvika makore makumi mana namaviri pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu gore rimwe; zita ramai vake rakanga riri Ataria, mukunda waOmiri.
3Naiye akafamba nenzira dzeimba yaAhabhi; nekuti mai vake vaiva murairi wake pakuita zvakaipa.
4Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaitwa naveimba yaAhabhi; nekuti baba vake vakati vafa, ndivo vaiva varairi vake, vakamuisa pakuparadzwa.
5Akafambawo sezvavakamuraira, akaenda naJehoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsiraeri, kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamotiGiriyadhi; vaSiria vakakuvadza Jehoramu.
6Akadzokera Jezireeri kuzorapwa mavanga aakatemwa paRama, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Azaria mwanakomana waJehoramu mambo waJudha, akaenda kundoona Jehoramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nekuti akanga achirwara.
7Zvino kuparadzwa kwaAhazia kwakabva kuna Mwari, zvaakaenda kuna Joramu; nekuti akati asvikapo, akaenda naJehoramu kundorwa naJehu mwanakomana waNishi, akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhi.
8Zvino Jehu akati achiitira imba yaAhabhi zvakanga zvatongwa naJehovha, akawana machinda aJudha navanakomana vavanin'ina vaAhazia vachibatira Ahazia, ndokuvauraya.
9Akatsvaka Ahaziawo; vakamubata (nokuti akanga avanda paSamaria), vakamuisa kuna Jehu vakamuuraya; vakamuviga vakati, Mwanakomana waJehoshafati, akatsvaka Jehovha nomoyo wake wose. Asi kwakanga kusina mumwe weimba yaAhazia akanga ane simba rokubata ushe.
10Zvino Ataria mai vaAhazia, vakati vachiona kuti mwanakomana wavo afa, vakasimuka, vakaparadza vose vorudzi rwamambo veimba yaJudha.
11Asi Jehoshabhiyati mukunda wamambo wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, akamuisa iye nomureri wake mumba mokuvata. Naizvozvo Jehoshabhiyati mukunda wamambo Jehoramu, mukadzi waJehoyadha mupristi (nokuti waiva hanzvadzi yaAhazia), akamuvanza pana Ataria, naizvozvo havana kumuuraya.
12Akagara navo akavanzwa mumba maMwari makore matanhatu; Ataria akabata ushe panyika.