1Zvino Hezekia akatuma nhume kuvaIsiraeri nokuvaJudha vose,akanyorawo tsamba kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika.
2nekuti mambo namachinda ake, neungano yose paJerusaremu vakanga varangana kuita Pasika nomwedzi wechipiri.
3Nekuti vakanga vasingagoni kuiita nenguva iyo, nekuti vapristi, vakanatswa, vakanga vasingaringani, navanhuwo vakanga vasina kuungana paJerusaremu.
4Zvino chinhu ichi chakanga chakarurama pamberi pamambo neungano yose.
5Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati palsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nekuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa.
6Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda netsamba dzamambo namachinda ake pakati pavaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, Imi vana vaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kunavakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria.
7Regai kuva samadzibaba enyu, nehama dzenyu, vakadarika mirairo yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu, iye akazovaita chishamiso sezvamunoona.
8Regai kuva nemitsipa mikukutu, sezvakanga zvakaita madzibaba enyu; zvipirei kuna Jehovha, mupinde paimba yake tsvene, yaakanatsa nokusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kubviswe kwamuri.
9Nekuti kana imwi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nekuti Jehovha Mwari wenyu ane tsitsi nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.
10Naizvozvo nhume dzakamhanya dzikapota pamaguta ose panyika yose yaEfuremu naManase, kusvikira paZebhuruni; asi vakavaseka, nokuvadadira.
11Asi vamwe vavaAsheri navaManase navaZebhuruni, vakazvininipisa, vakaenda Jerusaremu.
12NapaJudhawo ruoko rwaMwari rwakavapa moyo mumwe, kuti vateerere murayiro wamambo namachinda neshoko raJehovha.
13Ipapo vanhu vazhinji vakaungana paJerusaremu, kuzoita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomwedzi wechipiri, ikaita ungano huru kwazvo.
14Vakasimuka, ndokubvisa aritari dzaiva paJerusaremu, vakabvisawo aritari dzose dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira, vakadzikandira murukova Kidhironi.
15Ipapo vakauraya gwayana rePasika pazuva regumi namana romwedzi wechipiri; vapristi navaRevhi vakanyara, vakazvinatsa, vakauya nezvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha.
16Vakamira panzvimbo yavo sezvavakarairwa nomurayiro waMozisi, iye munhu waMwari; vapristi vakasasa ropa ravakatora pamaoko avaRevhi.
17Nekuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha.
18Nekuti vanhu vazhinji-zhinji vaEfuremu navaManase, navaIsakari navaZebhuruni, vakanga vasinakuzvinatsa; kunyange zvakadaro vakadya Pasika nomutowo wakapesana nowakanyorwa. Nekuti Hezekia akanga avanyengeterera, achiti, Jehovha wakanaka ngaakangamwire mumwe nomumwe,
19unoshingaira nomoyo wake kutsvaka Mwari, Jehovha, Mwari wababa vake, kunyange asina kunatswa nomutowo wokunatswa kwenzvimbo tsvene.
20Jehovha akanzwa Hezekia, akaporesa vanhu.
21Zvino vana vaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navapristi vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure.
22Hezekia akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
23Zvino ungano yose yakarangana kuita mamwe mazuva manomwezve; vakaita mazuva manomwezve nomufaro.
24Nekuti Hezekia mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vapristi vazhinji-zhinji vakazvinatsa.
25Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navapristi navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.
26Naizvozvo mufaro mukuru ukavapo paJerusaremu; nekuti kubva panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo walsiraeri, hakuna kuita zvakadaro paJerusaremu.
27Ipapo vapristi vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; manzwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.