Shona

Gujarati: NT

2 Chronicles

32

1Shure kwezvinhu izvi, nokutendeka uku, Shenakeribhi mambo weAsiria akasvika akapinda kwaJudha, akadzika matende kuzorwa namaguta akakombwa namasvingo, achifunga kuzvikundira iwo.
2Zvino Hezekia akati achiona kuti Shenakeribhi asvika, uye kuti akanga achivavarira kurwa neJerusaremu,
3akarangana namachinda ake navarume vake vane simba, kuti vadzivire mvura yamatsime akanga ari kunze kweguta; ivo vakamubatsira.
4Naizvozvo vanhu vazhinji vakaungana, vakadzivira matsime ose norukova rwakanga ruchiyerera napakati penyika iyo, vachiti, Madzimambo eAsiria achasvikireiko, akawana mvura zhinji?
5lye akatsunga moyo, akavaka rusvingo rwose rwanga rwakoromoka, akaruvaka kusvikira pashongwe, norumwe rusvingo rwokunzewo, akasimbisa Miro paguta raDhavhidhi, akapfura nhumbi dzokurwa nadzo nenhovo zhinji.
6Akagadzawo vakuru vehondo pamusoro pavanhu, akavaunganidza kwaari padare pasuwo reguta, akataura nounyoro navo, achiti,
7Ivai nesimba, mutsunge moyo, regai kutya kana kuvhunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi pavazhinji vose vaanavo; nekuti anesu mukuru kune waanaye iye;
8iye unoruoko rwenyama, asi anesu ndiJehovha Mwari wedu, kuzotibatsira nokurwa navavengi vedu. Vanhu vakavimba namashoko aHezekia mambo waJudha.
9Shure kwaizvozvi Shenakeribhi mambo weAsiria akatuma varanda vake Jerusaremu (zvino iye akanga ari pamberi peRakishi, ane hondo yake yose) kunavose vakanga vari Jerusaremu, akati,
10Zvanzi naShenakeribhi mambo weAsiria, Chinyiko chamunovimba nacho, zvamunorambira paJerusaremu makakombwa?
11Ko Hezekia haazinokukurudzirai, kuti mugozofa nenzara nenyota here, zvaanoti, Jehovha Mwari wedu achatirwira paruoko rwamambo weAsiria?
12Haazi iye Hezekia akabvisa matunhu ake akakwirira nearitari dzake, akaraira Judha neJerusaremu, achiti, Munofanira kunamata pamberi pearitari imwe, uye munofanira kupisa zvinonhuhwira ipapo here?
13Hamuzivi here zvatakaitira vanhu vose venyika ino, ini namadzibaba angu? Ko vamwari vendudzi dzenyika idzo vakatongagona kurwira nyika yavo paruoko rwangu here?
14Ndianiko pakati pavamwari vose vendudzi idzo dzakaparadzwa chose namadzibaba angu, wakatongogona kurwira vanhu vake paruoko rwangu here? Zvino Mwari wenyu achagona kukurwirai paruoko rwangu here?
15Zvino naizvozvo Hezekia ngaarege kukunyengerai, kana kukukurudzirai nomutowo uyu; regai henyu kumutenda, nekuti hakuna mwari worudzi rupi norupi, kana ushe, wakagona kurwira vanhu vake paruoko rwangu naparuoko rwamadzibaba angu; zvikuru sei Mwari wenyu hangakoniwi kukurwirai paruoko rwangu here.
16Varanda vake vakawedzera kushora Jehovha Mwari nomuranda wake Hezekia.
17Akanyorawo tsamba yokudadira nayo Jehovha Mwari walsiraeri, nokumushora, achiti, Vamwari vendudzi dzenyika idzo sezvavasina kurwira vanhu vavo paruoko rwangu, saizvozvowo Mwari waHezekia haangarwiri vanhu vake paruoko rwangu.
18Vakadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha kuvanhu veJerusaremu vakanga vari pamusoro porusvingo, kuvatyisa, nokuvavhundusa, kuti vagokunda guta.
19Vakataura pamusoro paMwari weJerusaremu, vachimuenzanisa navamwari vavanhu venyika, vakaitwa namaoko avanhu.
20Zvino mambo Hezekia nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, vakanyengetera nokuda kwechinhu ichi, vakachemera kudenga.
21Ipapo Jehovha akatuma mutumwa akaparadza vose vakanga vane simba noumhare, navatungamiriri, navakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye akadzokera kunyika yake achinyara. Zvino akati achipinda mumba mamwari wake, avo vakanga vabuda pachiuno chake vakamuurayirapo nomunondo.
22Saizvozvo Jehovha akarwira Hezekia navakanga vagere Jerusaremu paruoko rwaShenakeribhi mambo weAsiria napamaoko avose, akavachengeta pamativi ose.
23Vazhinji vakauya nezvipo kuna Jehovha paJerusaremu, nezvinhu zvinokosha kuna Hezekia mambo waJudha; naizvozvo kubva panguva iyo akakudzwa pamberi pendudzi dzose.
24Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa; akanyengetera kuna Jehovha, iye akataura naye, akamupa chiratidzo.
25Asi chinhu icho chakanaka chaakaitirwa, Hezekia haana kuchiripira zvakanaka, nekuti moyo wake akazvikudza, Jehovha akamutsamwira iye, naJudha neJerusaremu.
26Asi Hezekia akazozvininipisa pamusoro pokuzvikudza komoyo wake, iye navakanga vagere Jerusaremu, saka kutsamwa kwaJehovha hakuna kuvavinga pamazuva aHezekia.
27Hezekia akanga ane fuma zhinji nokukudzwa, akazviitira zvivigiro zvefuma yesirivha, neyendarama, neyezvibwe zvinokosha, neyezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neyenhovo, neyemidziyo yakanaka yose yamarudzi ose;
28namatura ezviyo akawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namatanga ezvipfuwo zvamarudzi ose, nezvirugu zvamakwai.
29Wakazviwanirawo maguta, nefuma yamakwai nemombe zhinji; nekuti Mwari akanga amupa fuma zhinji kwazvo.
30Ndiye Hezekiawo akadzivira tsime rokumusoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutivi rwamavirazuva rweguta raDhavhidhi. Hezekia akakunda pamabasa ake ose.
31Asi pashoko renhume dzamachinda eBhabhironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamusoro pechishamiso chakanga chaitwa panyika, Mwari akamusiya kuti amuidze, kuti azive zvose zviri mumoyo make.
32Zvino mamwe mabasa aHezekia, nezvakanaka zvaakabata, tarirai, zvakanyorwa pane zvakaonekwa nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi, mubhuku yamadzimambo aJudha naIsiraeri.
33Hezekia akavata namadzibaba ake, vakamuviga kumukwidzwa unoenda kumarinda avanakomana vaDhavhidhi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakamukudza pakufa kwake. Mwanakomana wake Manase akamutevera paushe.