Shona

Gujarati: NT

Esther

1

1Zvino pamazuva aAhashivheroshi, ndiye Ahashivheroshi aibata ushe kubva palndia kusvikira Itiopia, pamativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe;)
2pamazuva iwayo mambo Ahashivheroshi agere pachigaro chake choushe chakanga chiri paShushani panhare yamambo,
3pagore rechitatu rokubata kwake ushe, akaitira machinda ake ose navaranda vake mutambo; hondo dzePerisia neMedhia, navakuru namachinda enyika vakanga vari pamberi pake.
4Akavaratidza fuma youshe hwake hwakarumbidzwa, nokukudzwa koumambo hwake hwakaisvonaka mazuva mazhinji, ari mazuva ane zana namakumi masere.
5Zvino mazuva iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo vanhu vose vakanga vari paShushani panhare yamambo, vakuru navaduku, mazuva manomwe paruvanze rwomunda panhare yamambo;
6pakanga pane micheka michena nemipfumbu nemitema yakanga yakasungwa nezvisungo zvemicheka yakaisvonaka nemishava pazvindori zvesirivha nembiru dzamabwe machena; zvigaro zvakanga zviri zvendarama nesirivha zvakagadzikwa paguva rakaitwa namabwe matsvuku, namachena, namashora, namatema.
7Vakapiwa zvokumwa mumikombe yendarama, asi mikombe yakanga isina kufanana, newaini yamambo zhinji, mambo asingavanyimi napaduku.
8Vakamwa nomurayiro wokuti munhu arege kurovererwa; nekuti mambo akanga araira varanda vose veimba yake, kuti vaitire mumwe nomumwe sezvaakanga achida nomoyo wake.
9Navahosi Vhashiti vakaitirawo vakadzi mutambo paimba yamambo yakanga iri yamambo Ahashivheroshi.
10Zvino nezuva rechinomwe moyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahashivheroshi,
11kuti vauye navahosi Vhashiti pamberi pamambo, vane korona youhosi, kuti vanhu namachinda vawone kunaka kwavo; nekuti vakanga vakanaka pakuonekwa.
12Asi vahosi Vhashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make.
13Ipapo mambo akati kuvarume vakangwara vaiziva nguva (nokuti saizvozvo mambo wairangana navose vaiziva murau nezvakatongwa;
14vakanga vagere pedo naye vaiva Karishena, naShetari, naAdhimata, naTarishishi, naMereesi, naMarisena, naMemukani, iwo machinda manomwe ePerisia neMedhia, vaisionana namambo, vaigara pazvigaro zvokutanga paushe;)
15akati, Murayiro unoti kudini, tichaitireiko vahosi Vhashiti, zvavakaramba kuita sezvavakarairwa namambo Ahashivheroshi nomuromo wavaranda?
16Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, Vahosi havana kutadzira mambo chete, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahashivheroshi.
17Nekuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, Mambo Ahashivheroshi akaraira vahosi Vhashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.
18Nhasi vakadzi vamachinda ePerisia neMedhia, vakanzwa zvakaitwa navahosi, achataurawo zvakadaro kumachinda ose amambo. Naizvozvo kushora nokutsamwa kukuru kuchamuka.
19Kana mambo achifara nazvo, mambo ngaateme murayiro une simba ramambo, unyorwe pamirairo yavaPerisia navaMedhia, urege kushandurwa. Kuti Vhashiti arege kuzouyazve pamberi pamambo Ahashivheroshi; mambo ngaape mumwe wakaita saye akanaka kupfuura iye uhosi hwake.
20Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku.
21Shoko iro rikafadza mambo namachinda; mambo ndokuita sezvakarehwa naMemukani;
22nekuti akatuma tsamba kumativi ose enyika dzose dzamambo, divi rimwe nerimwe renyika nomunyorero wayo, norudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo, kuti murume mumwe nomumwe ave murairi mumba make, ataure norurimi rwake.