1Zvino Modhekai akati achinzwa zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguvo dzake, akafuka masaga nokuisa madota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo;
2akasvikawo pamberi pesuwo ramambo; nekuti akafuka masaga haana kutenderwa kupinda pasuwo ramambo.
3Naparutivi rumwe norumwe rwenyika pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, pakanga panokuchema kukuru pakati pavaJudha, nokutsanya, nokuchema misodzi, nokuungudza; vazhinji vakavata pasi vakafuka masaga nokuzviisa madota pamisoro.
4Zvino vasikana vaEsiteri navaranda vake vakandomuudza izvozvo; vahosi vakabatwa neshungu kwazvo, vakatumira Modhekai nguvo, kuti adzifuke, abvise masaga; asi wakaramba kudzigamuchira.
5Ipapo Esiteri akadana Hataki, mumwe wavaranda vamambo, waakanga araira kumubatira, akamuraira kuti aende kuna Modhekai kundonzwa kuti chinyi, uye mhaka yeiko.
6Ipapo Hataki akaenda kuna Modhekai padare reguta, rakanga riri pamberi pesuwo ramambo.
7Modhekai akamuudza zvose zvaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti achaiisa muzvivigiro zvamambo kuti vaJudha vaparadzwe.
8Akamupawo mashoko orunyoro rwechirevo chakanga chatemwa paShushani chokuti vaparadzwe, kuti achiratidze Esiteri nokumuzivisa izvozvo; akamurairawo kuti apinde kuna mambo amunyengetere nokukumbirira vanhu vake kwaari.
9Hataki akandoudza Esiteri mashoko aModhekai.
10Ipapo Esiteri akataura naHataki, akamupa shoko rokundoudza Modhekai, akati,
11Varanda vose vamambo navanhu vamativi enyika dzamambo vanoziva kuti ani naani, kunyange murume kana mukadzi, akapinda kuna mambo muruvanze rwomukati asina kudamwa, kunongova nomurau mumwe woga kwaari, kuti aurawe; asi kana mambo akamutambanudzira tsvimbo yendarama, achararama hake; asi ini handina kudamwa kuti ndipinde kuna mambo mazuva ano ana makumi matatu.
12Vakaudza Modhekai mashoko aEsiteri.
13Ipapo Modhekai akavaraira kuti vapindure Esiteri, vati, Usati iwe uchapukunyuka mumba mamambo kupfuura vamwe vaJudha vose.
14Nekuti kana iwe ukanyarara chose nenguva ino, vaJudha vachabatsirwa nokurwirwa nomumwe mutowo, asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa; handiti, zvimwe wakasvika paushe nokuda kwenguva inenge seino here?
15Ipapo Esiteri akaraira kuti vapindure Modhekai, vati,
16Endai mukokere vaJudha vose vari paShushani, muzvinyime zvokudya nokuda kwangu; regai kudya kana kumwa mazuva matatu, usiku namasikati; neniwo navasikana vangu tichatsanya saizvozvo; ipapo ndichapinda kuna mambo, kunyange zvisina kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara hangu.
17Naizvozvo Modhekai akaenda hake akandoita zvose zvaakarairwa naEsiteri.