1Zvino mambo naHamani vakasvika kuzova nemafundo navahosi Esiteri.
2Mambo akatizve kuna Esiteri pazuva rechipiri, pamafundo ewaini, Chinyiko chaunonyengetera, vahosi Esiteri? Uchapiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu.
3Ipapo vahosi Esiteri vakapindura vakati, Kana ndichinge ndanzwirwa tsitsi nemwi mambo, kana mambo achifara nazvo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu nokuda kokunyengetera kwangu, nobwevanhu vangu nokuda kokukumbira kwangu;
4nekuti tatengeswa, ini navanhu vangu, kuti tiparadzwe, tiurawe, tipedzwe. Dai takanga tatengeswa tive varanda navashandiri, ndingadai ndanyarara hangu, ,nokuti kutambudzika kwedu hakungaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.
5Ipapo mambo Ahashivheroshi akapindura, akati kuna vahosi Esiteri, Ndianiko, aripi iye akazadza mumoyo make kuita izvozvo?
6Esiteri akati, Mudzivisi nomuvengi, ndiye Hamani uyu akaipa! Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo navahosi.
7Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamwa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimukawo kuzokumbira upenyu hwake kuna vahosi Esiteri, nekuti akaona kuti mambo akafunga kumuitira zvakaipa.
8Ipapo mambo akadzoka achibva pamunda weimba yamambo akapinda panzvimbo yamafundo ewaini; zvino Hamani akanga azviwisira pachigaro pakanga pagere Esiteri. Mambo akati, Zvino wotoda kuchinya vahosi muno mumba pamberi pangu kanhi? Zvino shoko iro rakati rabuda mumuromo wamambo, vakafukidza chiso chaHamani.
9Ipapo Haribhona, mumwe muranda akanga ari pamberi pamambo, akati, Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareba anamakubhiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asungirirepo Modhekai, akataura zvakanaka nokuda kwamambo. Mambo akati, Musungirireipo paari.
10Naizvozvo vakasungirira Hamani pamatanda aakagadzirira Modhekai. Ipapo kutsamwa kwamambo kwakanyarara.