1Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo waPerisia, kuti shoko raJehovha rakarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, akati,
2Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose bwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha.
3Zvino ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusaremu riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsiraeri (ndiye Mwari), anogara Jerusaremu.
4Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsirc nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri paJerusaremu.
5Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakazvigadzira, navapristi, navaRevhi, ivo vose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu.
6Uye vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomoyo wavo.
7Naiye mambo Koreshiwo akabudisa midziyo yeimba yaJehovha, yakanga yatorwa paJerusaremu naNebhukadhinezari ikaiswa naye paimba yavamwari vake;
8Koreshi, mambo wePerisia akaraira Mitiredhati muchengeti wefuma kubudisa iyeyo, akaiverenga achiipa Sheshibhazari, muchinda waJudha.
9Kuwanda kwayo ndikoku: Ndiro dzendarama dzina makumi matatu, nendiro dzesirivha dzine chiuru chimwe, namapanga ana makumi maviri namapfumbamwe;
10nembiya dzendarama dzina makumi matatu, nembiya dzesirivha dzorumwe rudzi dzina mazana mana negumi, nemimwe midziyo ine chiuru chimwe.
11Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga ine zviuru zvishanu namazana mana. Izvo zvose Sheshibhazari akaenda nazvo panguva yokubva kwavatapwa Bhabhironi vachienda Jerusaremu.