Shona

Gujarati: NT

Job

23

1Ipapo Jobho akapindura, akati,
2Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; Kurohwa kwangu kwakanyanya kukunda kugomera kwangu.
3Haiwa! Dai ndaiziva kwandingamuwana, Kuti ndisvike ipo pachigaro chake.
4Ndairondedzera mhaka yangu pamberi pake, Ndaizadza muromo wangu nenharo.
5Ndaiziva mashoko aanopindura nawo, Ndainzwisisa zvaanondiudza.
6Angaita nharo neni nesimba rake guru here? Kwete; asi angandirangarira.
7Apo akarurama angataurirana naye; Kuti ndisunungurwe nokusingaperi pamutongi wangu.
8Tarira, ndinopfuura mberi, asi haapo; Uuye shure, asi handimuoni;
9Nokuruoko rworuboshwe, kana achibata, asi handigoni kumuona; Anozvivanza paruoko rworudyi, kuti ndirege kumuona.
10nekuti iye anoziva nzira yandinofamba nayo; Kana akandiidza, ndichabuda ndakaita sendarama.
11Rutsoka rwangu rwakaramba ruchitsika paakatsika iye; Ndakarambira panzira yake, handina kutsauka.
12Handina kubva pamurairo wemiromo yake; Ndakachengeta sefuma mashoko omuromo wake kupfuura mugove wangu.
13Asi iye anorangarira chinhu chimwe, ndianiko angamudzora? Zvinoda moyo wake, ndizvo zvaanoita.
14Nekuti anoita zvandakatemerwa; Nezvinhu zvizhinji zvakadai zviri kwaari.
15Saka ndinotambudzika pamberi pake; Kana ndichimufunga ndinomutya.
16Nekuti Mwari akatorera moyo wangu simba, waMasimbaose akandivhundusa.
17Nekuti handina kuparadzwa nekuda kwerima, Kana nokuda kwerima guru rakafukidza chiso changu.