Shona

Gujarati: NT

Nehemiah

10

1Zvino vakasimbisa sungano ndivava: Nehemiya, mubati,mwanakomana waHakaria, naZedhekia;
2naSeraya, naAzaria, naJeremiya;
3naPashuri, naAmaria, naMarikiya;
4naHatushi, naShebhania, naMaruki;
5naHarimi, naMeremoti, naObhadhiya;
6naDhanyeri, naGinetoni, naBharuki;
7naMeshurami, naAbhiya, naMijamini;
8naMaazia, naBhirigai, naShemaya; ndivo vaiva vapristi.
9Uye vaRevhi ava: Jeshua, mwanakomana waAzania, naBhinui, wavanakomana vaHenadhadhi, naKadhimieri;
10nehama dzavo: Shebhania, naHodhia, naKerita, naPeraya, naHanani;
11naMika, naRehobhi, naHashabhia;
12naZakuri, naSherebhia, naShebhania;
13naHodhia, naBhani, naBheninu;
14uye vakuru vavanhu ava: Paroshi, naPahatimoabhi, naErami, naZatu, naBhani;
15naBhuni, naAzigadhi, naBhebhai;
16naAdhonia, naBhigivhadhi, naAdhini;
17naAteri, naHezekia, naAzuri;
18naHodhia, naHashumi, naBhezai,
19naHarifi, naAnatoti, naNobhai;
20naMagipiashi, naMeshurami, naHezeri;
21naMeshezabheri, naZadhoki, naJadhua;
22naPeratia, naHanani, naAnaya;
23naHoshea, naHanania, naHashubhi;
24naHaroheshi, naPiriha, naShobheki;
25naRehumi, naHashabhina, naMaaseya;
26naAhiya; naHanani, naAnani,
27naMaruki, naHarimi, naBhaana.
28Asi vamwe vanhu, ivo vapristi, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi navaNetinimi, navose vakanga vazviraura pavanhu venyika iyo kuchengeta murau waMwari, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navakunda vavo, mumwe nomumwe akanga achiziva nokunzwisisa,
29vakanamatira hama dzavo, ivo vakuru, vakazvisunga nokutukwa nokupika kuti vachafamba nomurau waMwari, wavakapiwa naMozisi muranda waMwari, nokurangarira nokuita mirairo yose yaJehovha Ishe wedu, nezvaakatonga nezvaakatema;
30uye kuti hatingapi vanhu venyika vakunda vedu kana kutorera vakomana vedu vakunda vavo;
31uye kuti kana vanhu venyika vakauya nezvinhu zvavo, kana zvokudya zvipi nezvipi, kuzotengesa nezuva resabata, isu hatingavatengeri nesabata, kana panerimwe zuva dzvene; uye kuti ticharegera nyika pagore rechinomwe nokusareva zvikwerete zvose.
32Takazviitirawo mutemo kuti ticharipira basa reimba yaMwari wedu chetatu cheshekeri pagore rimwe nerimwe;
33basa rezvingwa zvokuratidza, nechipiriso choupfu chenguva dzose, nechipiriso chinopiswa nguva dzose, rapamasabata, napakugara kwemwedzi, napane mimwe mitambo yakataurwa, nerezvimwe zvinhu zvitsvene, nerezvipiriso zvezvivi zvokuyananisira vaIsiraeri nazvo, neramabasa ose muimba yaMwari wedu.
34Tikakanda mijenya, isu vapristi navaRevhi navanhu, pamusoro pezvipo zvehuni, kuti tiuye nadzo mumba maMwari wedu, namadzoro edzimba dzamadzibaba edu, panguva dzakatarwa gore rimwe nerimwe, kuti dziveserwe paaritari yaJehovha Mwari wedu, sezvakanyorwa pamurayiro;
35tikazvisunga kuti tichauya nezvitsva zveminda yedu, nezvitsva zvezvibereko zvose zvemiti yamarudzi ose, gore rimwe nerimwe kumba kwaJehovha;
36namatangwe avanakomana vedu navana vemhongora dzezvipfuwo zvedu, sezvakanyorwa pamurau, navana vemhongora dzemombe dzedu namakwai edu, kuti tiuye nazvo kumba kwaMwari wedu, nokuvapristi vanobata mumba maMwari wedu;
37uye kuti tichauya nezvitsva zvoupfu, nezvezvipiriso zvinotsaurwa, nezvibereko zvemiti yamarudzi ose, zvewaini nezvamafuta, kuvapristi, kumakamuri eimba yaMwari wedu, nezvegumi zveminda yedu kuvaRevhi, nekuti vaRevhi ndivo vanopiwa zvegumi zvezvinorimwa nesu pamaguta ose.
38Mupristi mwanakomana waAroni anofanira kuva navaRevhi kana vaRevhi vachitora zvegumi; zvino vaRevhi vanofanira kuuya nechegumi chezvegumi kuimba yaMwari wedu kumakamuri eimba yefuma.
39Nekuti vana vaIsiraeri navana vaRevhi vanofanira kuuya nechipiriso chinotsaurwa chezviyo, newaini, namafuta, kumakamuri mune midziyo yeimba tsvene nokuvapristi vanobatamo, navarindi vemikova, navaimbi; hatingarashi imba yaMwari wedu.