1Zvino vanhu vose vakaungana nomoyo mumwe padare rakanga riri pamberi pesuwo remvura; vakaudza Ezira munyori kuti auye nebhuku yomurayiro waMozisi, wakange warairwa vaIsiraeri naJehovha.
2Ezira mupristi ndokuuya nomurayiro pamberi peungano yavarume navakadzi, navose vakanga vachigona kunzwisisa, nezuva rokutanga romwedzi wechinomwe.
3Akaravamo padare rakanga riri pamberi pesuwo remvura, kubva mangwanani kusvikira masikati, pamberi pavarume navakadzi navose vakanga vachigona kunzwisisa; nzeve dzavanhu vose dzikateerera mashoko ebhuku yomurayiro.
4Ezira munyori akamira pakakwirira pakanga pakavakirwa izvozvo namatanda; uye Matitia, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikia naMaaseya vakamira kurutivi rwake rworudyi, naPedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, naZekariya, naMeshurami vakamira kuruboshwe rwake.
5Ezira akazarura bhuku pamberi pavanhu vose; (nokuti akanga amire kumusoro kwavanhu vose;) zvino akati achizarura vanhu vose ndokusimuka.
6Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, Ameni, Ameni, vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi.
7Jeshua, naBhani, naSherebhia, naJamini, naAkubhi, naShabhetai, naHodhia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabhadhi, naHanani, naPeraya, navaRevhi vakadudzira vanhu mirairo; vanhu vakaramba vamire panzvimbo yavo.
8Vakarava zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira, ,vakanzwisisa zvinorahwa.
9Ipapo mubati Nehemiya, nomupristi Ezira munyori, navaRevhi vakadzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose, Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musaungudza nokuchema; nekuti vanhu vose vakachema vachinzwa mashoko omurayiro.
10Ipapo akati kwavari, Endai henyu, mudye zvakakora, nokumwa zvinozipa, mugotumirawo migove kuna vasina kugadzirirwa chinhu nekuti zuva rino idzvene kuna She wedu; musava neshungu, nekuti mufaro waJehovha isimba renyu.
11Naizvozvo vaRevhi vakanyaradza vanhu vose, vachiti, Nyararai henyu, nekuti izuva dzvene; musava neshungu.
12Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokumwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nekuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.
13Zvino pazuva rechipiri vakuru vedzimba dzamadzibaba avanhu vose, navapristi, navaRevhi, vakaunganira kuna Ezira munyori, kuzoteerera mashoko omurayiro.
14Vakawana pakanyorwa mumurayiro, kuti Jehovha akaraira Mozisi, kuti vana vaIsiraeri vanofanira kugara pamatumba pamutambo womwedzi wechinomwe;
15uye kuti vanofanira kuzivisa nokuparidza shoko iro pamaguta avo ose, napaJerusaremu, vachiti, Budirai kugomo, mundotora matavi emiorivhi, namatavi emiorivhi yomusango, namatavi emimirite, namatavi emichindwe, namatavi emiti mikobvu, kuti muite matumba sezvakanyorwa.
16Naizvozvo vanhu vakabuda, vakauya nawo, vakazviitira matumba, mumwe nomumwe pamusoro pedenga reimba yake, napavazhe dzavo, napavazhe dzeimba yaMwari, napadare resuwo remvura, napadare resuwo raEfuremu.
17Ungano yose yavakanga vakadzoka pakutapwa vakaita matumba, vakagara pamatumba; nekuti kubva pamazuva aJeshua mwanakomana waNuni kusvikira pazuva iro, vana vaIsiraeri vakanga vasina kuita izvozvo. Pakava nomufaro mukuru.
18Uye zuva rimwe nerimwe, kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rokupedzisira, akarava pabhuku yomurayiro waMwari. Vakaita mutambo mazuva manomwe; pazuva rorusere vakaita ungano yokupedzisira, sezvakanga zvatemwa.