1Zvino mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, Mwanakomana wangu Soromoni, wakatsaurwa iye oga naMwari, achiri muduku asine simba, asi basa iguru; nekuti imba huru haizi yomunhu, asi ndeyaJehovha Mwari.
1ויאמר דויד המלך לכל הקהל שלמה בני אחד בחר בו אלהים נער ורך והמלאכה גדולה כי לא לאדם הבירה כי ליהוה אלהים׃
2Zvino ini nesimba rangu rose ndakagadzirira imba yaMwari wangu ndarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nendarira yezvinhu zvendarira, namatare ezvinhu zvamatare, namatanda ezvinhu zvamatanda; nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa mukati, nezvibwe zvoukomba, nezvina mavara-mavara, namamwe marudzi mazhinji ezvibwe zvinokosha, namabwe machena akawanda.
2וככל כחי הכינותי לבית אלהי הזהב לזהב והכסף לכסף והנחשת לנחשת הברזל לברזל והעצים לעצים אבני שהם ומלואים אבני פוך ורקמה וכל אבן יקרה ואבני שיש לרב׃
3Uyezve, zvandakada zvikuru imba yaMwari wangu, ini zvandine fuma pachangu yendarama nesirivha, ndinozvipa imba yaMwari wangu, ndichiwedzera pane zvose zvandakagadzirira imba tsvene;
3ועוד ברצותי בבית אלהי יש לי סגלה זהב וכסף נתתי לבית אלהי למעלה מכל הכינותי לבית הקדש׃
4zvinoti matarenda endarama ane zviuru zvitatu, endarama yeOfiri, namatarenda akanatswa esirivha ane zviuru zvinomwe, kufukidza madziro eimba nazvo;
4שלשת אלפים ככרי זהב מזהב אופיר ושבעת אלפים ככר כסף מזקק לטוח קירות הבתים׃
5nendarama yokuumba nayo zvinhu zvendarama, nesirivha yezvinhu zvesirivha, nezvamabasa ose anofanira kuitwa namaoko avapfuri. Zvino ndianiko anoda kupa nhendo dzake nomoyo wake wose kuna Jehovha?
5לזהב לזהב ולכסף לכסף ולכל מלאכה ביד חרשים ומי מתנדב למלאות ידו היום ליהוה׃
6Ipapo machinda edzimba dzamadzibaba, namachinda amarudzi alsiraeri, navakuru vezviuru navamazana, pamwechete navatariri vamabasa amambo vakapa nomoyo wavo wose;
6ויתנדבו שרי האבות ושרי שבטי ישראל ושרי האלפים והמאות ולשרי מלאכת המלך׃
7vakapa kubata basa reimba yaMwari ndarama, matarenda ane zviuru zvishanu, namadhariki ane zviuru zvine gumi, nesirivha, matarenda ane zviuru zvine gumi, nendarira, matarenda ane zviuru zvine gumi nezvisere, namatare, matarenda ane zviuru zvine zana.
7ויתנו לעבודת בית האלהים זהב ככרים חמשת אלפים ואדרכנים רבו וכסף ככרים עשרת אלפים ונחשת רבו ושמונת אלפים ככרים וברזל מאה אלף ככרים׃
8Vakanga vane zvibwe zvinokosha vakazvipa zviiswe pafuma yeimba yaJehovha, zvichitarirwa naJehieri muGerishoni.
8והנמצא אתו אבנים נתנו לאוצר בית יהוה על יד יחיאל הגרשני׃
9Ipapo vanhu vakafara zvavakapa nomoyo wose, nekuti vakapa Jehovha nomoyo wose wakarurama; mambo Dhavhidhiwo akafara nomufaro mukuru.
9וישמחו העם על התנדבם כי בלב שלם התנדבו ליהוה וגם דויד המלך שמח שמחה גדולה׃
10Zvino Dhavhidhi akakudza Jehovha pamberi peungano yose; Dhavhidhi akati, Imwi mukudzwe, Jehovha, Mwari waIsiraeri baba vedu nokusingaperi.
10ויברך דויד את יהוה לעיני כל הקהל ויאמר דויד ברוך אתה יהוה אלהי ישראל אבינו מעולם ועד עולם׃
11Ukuru ndobwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo, nekuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu; ushe ndobwenyu, Jehovha, makakudzwa muri musoro wezvose.
11לך יהוה הגדלה והגבורה והתפארת והנצח וההוד כי כל בשמים ובארץ לך יהוה הממלכה והמתנשא לכל לראש׃
12fuma nokukudzwa zvinobva kwamuri, imwi munobata ushe pamusoro pezvose; paruoko rwenyu pane simba noushe, ruoko rwenyu ndirwo runokurisa nokupa vose simba.
12והעשר והכבוד מלפניך ואתה מושל בכל ובידך כח וגבורה ובידך לגדל ולחזק לכל׃
13Saka zvino Mwari wedu, tinokuvongai nokurumbidza zita renyu rinobwinya.
13ועתה אלהינו מודים אנחנו לך ומהללים לשם תפארתך׃
14Asi ini ndini ani, navanhu vangu chinyiko, zvatingagona kupa nomoyo wose kudai? Nekuti zvose zvinobva kwamuri, takangokupai zvakabva paruoko rwenyu.
14וכי מי אני ומי עמי כי נעצר כח להתנדב כזאת כי ממך הכל ומידך נתנו לך׃
15Nekuti tiri vaeni pamberi penyu navatorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba edu; mazuva edu panyika akafanana nomumvuri, hakune tariro.
15כי גרים אנחנו לפניך ותושבים ככל אבתינו כצל ימינו על הארץ ואין מקוה׃
16Jehovha Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu; zvose ndezvenyu;
16יהוה אלהינו כל ההמון הזה אשר הכיננו לבנות לך בית לשם קדשך מידך היא ולך הכל׃
17ndinozivawo Mwari wangu, kuti imwi munoidzawo moyo, munofanira kurarama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomoyo wakarurama nomoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomoyo wose.
17וידעתי אלהי כי אתה בחן לבב ומישרים תרצה אני בישר לבבי התנדבתי כל אלה ועתה עמך הנמצאו פה ראיתי בשמחה להתנדב לך׃
18Jehovha Mwari waAbhurahamu, nalsaka, naIsiraeri, madzibaba edu, garisai izvi nokusingaperi pandangariro dzemifungo yemoyo yavanhu venyu; rereudzai moyo yavo kwamuri,
18יהוה אלהי אברהם יצחק וישראל אבתינו שמרה זאת לעולם ליצר מחשבות לבב עמך והכן לבבם אליך׃
19ipai Soromoni mwanakomana wangu moyo wakarurama, kuti achengete mirairo yenyu, nezvipupuriro zvenyu, nezvamakatema, kuti aite zvinhu izvi zvose, avake imba huru yandakagadzirira zvose.
19ולשלמה בני תן לבב שלם לשמור מצותיך עדותיך וחקיך ולעשות הכל ולבנות הבירה אשר הכינותי׃
20Ipapo Dhavhidhi akati kuungano yose, Zvino kudzai Jehovha Mwari wenyu. Ipapo ungano yakakudza Jehovha Mwari wamadzibaba avo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha namambo.
20ויאמר דויד לכל הקהל ברכו נא את יהוה אלהיכם ויברכו כל הקהל ליהוה אלהי אבתיהם ויקדו וישתחוו ליהוה ולמלך׃
21Vakabayira Jehovha zvibayiro, vakauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha mangwanani pazuva rakatevera, zvaiti: nzombe dzine chiuru chimwe, namakondobwe ane chiuru chimwe, namakwaiana ane chiuru chimwe, pamwechete nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, nezvibayiro zvakawanda zvavaIsiraeri vose;
21ויזבחו ליהוה זבחים ויעלו עלות ליהוה למחרת היום ההוא פרים אלף אילים אלף כבשים אלף ונסכיהם וזבחים לרב לכל ישראל׃
22vakadya, vakamwa pamberi paJehovha nomufaro mukuru nezuva iro. Vakaita Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo rwechipiri, vakamuzodzera Jehovha ave mutungamiriri, naZadhoki ave mupristi.
22ויאכלו וישתו לפני יהוה ביום ההוא בשמחה גדולה וימליכו שנית לשלמה בן דויד וימשחו ליהוה לנגיד ולצדוק לכהן׃
23Ipapo Soromoni akagara pachigaro choushe chaJehovha akava mambo panzvimbo yaDhavhidhi baba vake, akafambiswa zvakanaka; vaIsiraeri vose vakamuteerera.
23וישב שלמה על כסא יהוה למלך תחת דויד אביו ויצלח וישמעו אליו כל ישראל׃
24Machinda ose, navanhu vose vane simba, navanakomana vose vamambo Dhavhidhi vakazviisa pasi pamambo Soromoni.
24וכל השרים והגברים וגם כל בני המלך דויד נתנו יד תחת שלמה המלך׃
25Jehovha akakudza Soromoni kwazvo-kwazvo pamberi pavaIsiraeri vose, akamupa umambo hwakakura, husina kumbopiwa mumwe mambo waIsiraeri wakamutangira.
25ויגדל יהוה את שלמה למעלה לעיני כל ישראל ויתן עליו הוד מלכות אשר לא היה על כל מלך לפניו על ישראל׃
26Zvino Dhavhidhi mwanakomana waJese akabata valsiraeri vose paushe hwake.
26ודויד בן ישי מלך על כל ישראל׃
27Nguva yaakabata ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; wakabata ushe paHebhuroni makore manomwe, napaJerusaremu akabata ushe makore makumi matatu namatatu.
27והימים אשר מלך על ישראל ארבעים שנה בחברון מלך שבע שנים ובירושלם מלך שלשים ושלוש׃
28Akazofa akwegura kwazvo, ava namakore mazhinji, nefuma, nokukudzwa; Soromoni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.
28וימת בשיבה טובה שבע ימים עשר וכבוד וימלך שלמה בנו תחתיו׃
29Zvino mabasa amambo Dhavhidhi, okutanga nookupedzisira, tarirai, akanyorwa pamashoko omuoni Samueri, napamashoko omupristi Natani, napamashoko omuoni Gadhi;
29ודברי דויד המלך הראשנים והאחרנים הנם כתובים על דברי שמואל הראה ועל דברי נתן הנביא ועל דברי גד החזה׃
30pamwechete namashoko oushe hwake, nesimba rake, nezvaakaitirwa panguva dzose, iye navaIsiraeri, noushe hwose bwedzimwe nyika.
30עם כל מלכותו וגבורתו והעתים אשר עברו עליו ועל ישראל ועל כל ממלכות הארצות׃