Shona

Hebrew: Modern

1 Corinthians

10

1Pamusoro pazvo hama handidi kuti murege kuziva, kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore sei, uye vose vakayambuka nemugungwa,
1ולא אכחד מכם אחי אשר אבותינו היו כלם תחת הענן וכלם עברו בתוך הים׃
2uye vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa;
2וכלם נטבלו למשה בענן ובים׃
3uye vose vakadya chikafu chimwe chemweya,
3וכלם אכלם מאכל אחד רוחני׃
4uye vose vakamwa zvimwiwa zvimwe zvemweya, nekuti vakamwa padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro rakange riri Kristu.
4וכלם שתו משקה אחד רוחני כי שתו מן הצור הרוחני ההלך עמהם והצור ההוא היה המשיח׃
5Asi neruzhinji rwavo Mwari haana kufadzwa; nekuti vakaparadzwa murenje.
5אבל ברבם לא רצה האלהים ופגריהם נפלו במדבר׃
6Zvino zvinhu izvi zvakava zvifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvinhu zvakaipa, sezvavakashuvawo.
6וכל זאת היתה לנו למופת לבלתי התאות לרעה כאשר התאוו גם המה׃
7Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekumwa, vakasimuka kutamba.
7ולא תהיו עבדי אלילים כאשר היו מקצתם כמו שכתוב וישב העם לאכל ושתו ויקמו לצחק׃
8Uye ngatirege kuita upomhwe, sevamwe vavo vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu.
8ולא נהיה זנים כאשר זנו מקצתם ויפלו ביום אחד שלשה ועשרים אלף איש׃
9Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.
9ולא ננסה את המשיח כאשר נסוהו מקצתם ויאבדום הנחשים׃
10Murege kun'un'una sevamwe vavowo vakan'un'una, vakaparadzwa nemuparadzi.
10גם לא תלינו כאשר הלינו מקצתם וימותו ביד המשחית׃
11Zvino zvinhu izvi zvose zvakavawira kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nekuguma kwenyika.
11כל זאת מצאתם להיות למופת ותכתב למוסר לנו אשר הגיעו אלינו קצי העולמים׃
12Naizvozvo unofunga kuti umire ngaachenjere, zvimwe ungawa.
12לכן החשב שהוא נצב ירא פן יפול׃
13Hakuna muidzo wakakubatai kunze kwewakajairika kuvanhu vose; asi Mwari wakatendeka, usingatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe nemuidzo uchaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura.
13עדין לא בא עליכם נסיון אחר בלתי אם נסיון בני אדם כי נאמן הוא האלהים אשר לא יניח לנסות אתכם למעלה מיכלתכם כי אם יתן עם הנסיון גם תוצאתיו כדי שתוכלו שאת׃
14Naizvozvo, vadikamwa vangu, tizai kunamata zvifananidzo.
14על כן חביבי נוסו מעבודת אלילים׃
15Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi zvisarudzirei zvandinotaura.
15כמו אל נבונים מדבר אנכי ושפטו אתם את אשר אמר׃
16Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here?
16כוס הברכה אשר אנחנו מברכים הלא היא התחברות דם המשיח והלחם אשר אנחנו בצעים הלא הוא התחברות גוף המשיח׃
17Nekuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nekuti isu tose tinogovana chingwa chimwe.
17כי לחם אחד הוא לכן גם נוף אחד אנחנו הרבים באשר לכלנו חלק בלחם האחד׃
18Tarirai Israeri panyama; vanodya zvibayiro havasi ivo vanodyidzana nearitari here?
18ראו את ישראל לפי הבשר הלא אכלי הזבחים חברי המזבח המה׃
19Zvino ndotii? Kuti chifananidzo chinhu here? kana chakabayirwa chifananidzo chinhu here?
19ועתה מה אמר היש ממש באליל אם יש ממש בזבחי אלילים׃
20Asi kuti zvinhu zvinobayirwa nevahedheni, vanozvibayira madhimoni kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni.
20אלא את אשר יזבחו הגוים לשדים הם זבחים ולא לאלהים ואני לא אחפץ היתכם חברים לשדים׃
21Hamungamwi mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamungagovani patafura yaIshe nepatafura yemadhimoni.
21לא תוכלו לשתות יחד כוס אדנינו וגם כוס השדים ולא תוכלו להתחבר אל שלחן אדנינו וגם אל שלחן השדים׃
22Ko tinozvimutsira godo Ishe here? Takasimba kumupfuura here?
22הנעז להקניא את אדנינו הכי חזקים אנחנו ממנו׃
23Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi zvinhu zvose hazvibatsiri. Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi zvinhu zvose hazvivaki.
23הכל ברשותי אבל אין הכל מועיל הכל ברשותי אבל אין הכל בנה׃
24Kusava neunozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe.
24איש איש אל יבקש את תועלת עצמו כי אם את תועלת רעהו׃
25Idyai zvose zvinotengeswa pamisika yenyama musingabvunzi chinhu nekuda kwehana;
25כל הנמכר במקולין אתו תאכלו ואל תחקרו מפני מכשל הלב׃
26Nekuti nyika ndeyaIshe nekuzara kwayo.
26כי ליהוה הארץ ומלואה׃
27Zvino kana mumwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, zvose zvinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana.
27ואם יקרא אתכם איש מאשר אינם מאמינים ותרצו ללכת אליו אכול תאכלו מכל אשר ישימו לפניכם ואל תחקרו מפני מכשול הלב׃
28Asi kana mumwe akati kwamuri: Ichi chakabayirwa kuzvifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye nekuda kwehana; nekuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.
28ואיש כי יאמר אליכם זה הוא זבח אלילים אל תאכלו בעבור המודיע ומפני מכשול הלב כי ליהוה הארץ ולמואה׃
29Asi hana ndinoti, isati iri yako asi yeumwe; nekuti kusununguka kwangu kunoenzanisirwei nehana yeumwe?
29והלב אשר אני אמר לא לבך כי אם לב רעך כי למה זה תשפט חרותי על ידי לב האחר׃
30Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagonyomberwei nekuda kwechinhu chandinovonga?
30ואם אכל אני בתודה למה אהיה מגדף על הדבר אשר אני מודה עליו׃
31Naizvozvo kana muchidya kana kumwa kana chipi nechipi chamunoita, itai zvose kuti Mwari akudzwe.
31לכן אם תאכלו או אם תשתו או כל אשר תעשו את הכל עשו לכבוד אלהים׃
32Regai kugumbusa zvose kuvaJudha kana kuvaGiriki kana kukereke yaMwari.
32ואל תתנו מכשול לא ליהודים ולא ליונים ולא לקהלת אלהים׃
33Seniwo ndinofadza vose pazvose, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwavazhinji, kuti vaponeswe.
33כאשר גם אנכי מבקש להיות רצוי לכל בכל ולא אבקש תועלת עצמי כי אם של הרבים למען יושעו׃