1Teverai rudo; mushuve zvikuru zveMweya, asi zvikuru kuti muporofite.
1רדפו אחרי האהבה והתאוו מתנות הרוח וביותר אשר תתנבאו׃
2Nekuti unotaura nerumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nekuti hakuna unomunzwisisa; asi muMweya unotaura zvakavanzika.
2כי המדבר בלשון איננו מדבר לאדם כי אם לאלהים כי אין איש אשר ישמעהו רק ברוח הוא מדבר סודות׃
3Asi uyo unoporofita unotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.
3והמתנבא הוא מדבר לבני אדם לבנותם וליסרם ולנחמם׃
4Unotaura nerurimi unozvivaka iye; asi unoporofita unovaka kereke.
4המדבר בלשון בונה את נפשו והמתנבא בונה את העדה׃
5Uye ndinoda kuti imwi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nekuti unoporofita mukuru kune unotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kurudziro.
5וחפצתי כי תדברו כלכם בלשנות וביותר כי תתנבאו כי גדול המתנבא מן המדבר בלשנות בלתי אם יפרש למען תבנה העדה׃
6Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei kunze kwekuti ndichitaura nemwi mukuzarurirwa, kana muruzivo, kana mukuporofita, kana mudzidziso?
6ועתה אחי כי אבוא אליכם ואדבר בלשנות מה אועיל לכם אם לא אדבר אליכם בחזון או בדעת או בנבואה או בהוראה׃
7Uye kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikamwa seiko chinoridzwa nyere kana rudimbwa?
7הלא גם הכלים הדוממים הנתנים קול הן חליל הן כנור אם לא ישמיעו קלות אשר תוכל האזן להבחין איכה יודע מה יזמר ומה ינגן׃
8Nekuti kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani ungazvigadzira kundorwa?
8גם השופר אם יתן את קולו בלתי ברור מי יחלץ למלחמה׃
9Saizvozvowo imwi, kana musingatauri nerurimi mashoko akareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikamwa sei? Nekuti muchataura kumhepo.
9כן גם אתם אם לא תוציאו בלשונכם דבור מפרש איכה יודע האמור הלא תהיו כמדברים לרוח׃
10Kune, kana zvingadaro, manzwi ane marudzi mazhinji panyika, hakuna rimwe rawo risingarevi chinhu.
10הן כמה מיני לשנות יש בעולם ואין אחת מהן בלי קול׃
11Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava semunhu werumwe rurimi kune unotaura, neunotaura semunhu werumwe rurimi kwandiri.
11לכן אם אינני ידע פשר הקול אהיה נכרי בעיני המדבר והמדבר יהיה נכרי בעיני׃
12Saizvozvo imwiwo, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai zvikuru kuti mupfuurise pakuvaka kereke.
12כן גם אתם בהיותכם מתאוים לכחות רוחניות בקשו להעדיף במה שיבנה את העדה׃
13Naizvozvo unotaura nerumwe rurimi ngaanyengetere kuti adudzire.
13על כן יתפלל המדבר בלשון וגם יפרשנה׃
14Nekuti kana ndichinyengetera nerumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu dzinoshaiwa chibereko.
14כי אם אתפלל בלשון רוחי מתפלל ושכלי איננו עשה פרי׃
15Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo.
15ועתה מה לעשות אתפללה ברוחי ואתפללה גם בשכלי אזמרה ברוחי ואזמרה גם בשכלי׃
16Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nemweya, ko uyo ugere pachigaro cheusina kudzidza uchati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?
16כי אם תברך ברוח איך יענה העמד נמצב ההדיוט אמן על הודיתך באשר לא ידע מה אתה אמר׃
17Nekuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haasimbiswi.
17הן אתה תיטיב להודות אבל רעך לא יבנה׃
18Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mose;
18אודה לאלהי כי יותר מכלכם אני מדבר בלשנות׃
19asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.
19אכן בקהל אבחר לדבר חמש מלין בשכלי למען הורת גם את האחרים מלדבר רבבות מלין בלשון׃
20Hama, musava vacheche pafungwa, asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.
20אחי אל תהיו ילדים בבינה רק לרע היו עללים ובבינה היו שלמים׃
21Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye nemimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havanganditeereri, ndizvo zvinoreva Ishe.
21הן כתוב בתורה כי בלעגי שפה ובלשון אחרת אדבר אל העם הזה וגם בזאת לא אבו שמע לי אמר יהוה׃
22Saka ndimi ndedzechiratidzo kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chavasingatendi, asi chavanotenda.
22לכן הלשנות לא למאמינים הנה לאות כי אם לאשר אינם מאמינים אבל הנבואה איננה לאשר אינם מאמינים כי אם למאמינים׃
23Naizvozvo kana kereke yose yaungana panzvimbo imwe, vose vakataura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda havati munopenga here?
23והנה אם תקהל כל העדה יחד וכלם ידברו בלשנות ויבואו הדיוטים או אשר אינם מאמינים הלא יאמרו כי משגעים אתם׃
24Asi kana vose vakaporofita, mumwe usingatendi kana usina kudzidza akapinda, uchatendiswa nevose, aongororwe nevose;
24אבל אם יתנבאו כלם ובא איש לא מאמין או הדיוט אז יוכח על ידי כלם וידון על ידי כלם׃
25saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinozarurwa; saizvozvo uchawa nechiso achinamata Mwari, nokupupura kuti Mwari uri pakati penyu zvirokwazvo.
25ובכן יגלו תעלמות לבבו ויפל על פניו וישתחוה לאלהים ויודה בקול כי באמת האלהים בקרבכם׃
26Zvino chii, hama? Poga poga pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane rumwe rurimi ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvose ngazviitirwe kuvaka.
26ועתה מה לעשות אחי בהקהלכם יחד כל אחד ואחד מכם יש לו מזמור יש לו הוראה יש לו לשון יש לו חזון יש לו באור אך יעשה הכל להבנות׃
27Kana mumwe achitaura nerumwe rurimi, ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.
27כי ידבר איש בלשון ידברו נא שנים שנים או על היותר שלשה וזה אחר זה ואחד יפרש׃
28Asi kana pasina unodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye nekuna Mwari.
28ואם אין מפרש אז ידם בקהל וידבר לנפשו ולאלהים׃
29Vaporofita ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavanzvere.
29והנביאים הם ידברו שנים או שלשה והאחרים יבחנו׃
30Asi kana zvakazarurirwa mumwe ugerepo, wekutanga ngaanyarare.
30וכי נגלה חזון לאחר הישב שם אז ידם הראשון׃
31Nekuti mose mungaporofita muchiita umwe-umwe, kuti vose vadzidze, uye vose vakurudzirwe.
31כי תוכלו להתנבא כלכם זה אחר זה למען ילמדו כלם וכלם יזהרו׃
32Nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.
32ורוחות הנביאים תחת ידי הנביאים המה׃
33Nekuti Mwari haazi wenyonganyonga, asi werugare, sapakereke dzose dzevatsvene.
33כי לא אלהי מבוכה האלהים כי אם אלהי השלום כאשר בכל קהלות הקדשים׃
34Vanhukadzi venyu ngavanyarare mudzikereke; nekuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.
34נשיכם בכנסיות תשתקנה כי לא נתנה להן רשות לדבר כי אם להכנע כאשר גם אמרה התורה׃
35Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nekuti chinyadzo kuti vanhukadzi vataure mukereke.
35ואם חפצן ללמד דבר תשאלנה את בעליהן בבית כי חרפה היא לנשים לדבר בקהל׃
36Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri moga here?
36או המכם יצא דבר אלהים אם אליכם לבדכם הגיע׃
37Kana munhu achifunga kuti muporofita, kana wemweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai murairo waIshe;
37כי יתברך איש בלבבו להיות נביא או איש הרוח בין יבין את אשר אני כתב לכם כי מצות האדון הנה׃
38Asi kana munhu asingazivi, ngaave usingazivi.
38ומי אשר לא ידע אל ידע׃
39Saka, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi.
39לכן אחי השתדלו להתנבא ואל תכלאו מלדבר בלשנות׃
40Asi zinhu zvose ngazviitwe nemutowo wakafanira zvichitevedzana.
40הכל יעשה כהגן וכשורה׃