Shona

Hebrew: Modern

1 Corinthians

7

1Zvino maererano nezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanakira munhu kuti arege kubata mukadzi.
1ולענים מה שכתבתם אלי הנה טוב לאדם שלא יגע באשה׃
2Asi nekuda kweupombwe, murume umwe neumwe ngaave nemukadzi wake, nemukadzi umwe neumwe ngaave nemurume wake.
2אך מפני הזנות תהי לכל איש אשתו ויהי לכל אשה בעלה׃
3Murume ngaaripire mukadzi zvakamufanira; nemukadzi saizvozvowo kumurume.
3האיש יקים חובת העונה לאשתו וכמו כן האשה לבעלה׃
4Mukadzi haana simba pamusoro pemuviri wake, asi murume; uye saizvozvowo murume haana simba pamusoro pemuviri wake, asi mukadzi.
4האשה איננה שלטת על גופה כי אם בעלה וכמו כן גם האיש איננו שלט על גופו כי אם אשתו׃
5Musanyimana, kunze kwekutenderana kwechinguva, kuti muzvipe kukutsanya nekunyengetera, mugosanganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.
5אל תמנעו את עצמכם זה מזה זולתי בהסכמת שניכם על זמן קבוע להיות פנוים לתענית ולתפלה ותשובו ותתאחדו פן ינסה אתכם השטן בעבור פריצות יצרכם׃
6Asi ndinotaura izvi nemvumo, kwete nemurairo.
6ואני אמר זאת בדרך עצה ולא בדרך מצוה׃
7Nekuti ndinoda kuti dai vanhu vose vava seni. Asi munhu umwe neumwe une chipo chake chinobva kuna Mwari, mumwe cherudzi urwu, mumwe cheurwo.
7כי מי יתן והיה כל אדם כמני אך יש לכל איש מתנתו מאת האלהים זה בכה וזה בכה׃
8Asi ndinoti kune vasina kuwana nechirikadzi: Zviri nani kwavari kana vachigara seni.
8ואל הפנוים ואל האלמנות אמר אני כי טוב להם אם ישבו ככה כמו גם אני׃
9Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nekuti zviri nani kuti vawane pakutsva.
9אך אם לא יוכלו להנזר יתחברו בנשואין כי טוב להתחבר בנשואין מהיות בער בתאוה׃
10Zvino kune vakawana ndinoraira, kwete ini asi Ishe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake,
10והנה את הנשואים אנכי מצוה ולא אנכי כי אם האדון אשר לא תפרש אשה מבעלה׃
11Asi kana iye achibva, ngaarambe asina kuwanikwa, kana ayananiswe nemurume wake, nemurume ngaarege kurasa mukadzi wake.
11ואם פרש תפרש ממנו תשב בלא איש או תתרצה לבעלה ואיש אל ישלח את אשתו׃
12Zvino kune vamwe ndini ndinotaura, kwete Ishe, Kana hama ine mukadzi usingatendi, kana iye achida kugara naye, ngaarege kumurasa.
12והנה אל האחרים אמר אנכי ולא האדון כי תהיה לאח אשה אשר איננה מאמנת ורצונה לשבת עמו לא יעזבנה׃
13Nemukadzi une murume usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumusiya.
13ואשה כי יהיה לה בעל אשר איננו מאמין ורצונו לשבת עמה לא תעזבנו׃
14Nekuti murume usingatendi unoitwa mutsvene nemukadzi, nemukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nemurume. Kana zvisina kudaro vana venyu vaiva netsvina, asi zvino vatsvene.
14כי האיש אשר איננו מאמין מקדש הוא באשה והאשה אשר איננה מאמנת מקדשת היא באיש שאם לא כן יהיו בניכם טמאים אמנם עתה קדושים המה׃
15Zvino kana usingatendi achizviparadzanisa, ngaaende. Hamarume kana hamakadzi haisungwi nezvakadaro; asi Mwari wakatidanira kurugare.
15אבל אם יפרש מי שאיננו מאמין יפרש והאח או האחות אינם משעבדים באלה כי לשלום קראנו האלהים׃
16Nekuti unozivei iwe mukadzi, zvimwe uchaponesa murume wako? Kana iwe murume unozivei, zvimwe uchaponesa mukadzi wako?
16כי מה תדעי את האשה אם תושיעי את האיש ומה תדע אתה האיש אם תושיע את האשה׃
17Asi Mwari sezvaakagovera kune umwe neumwe, Ishe sezvaakadana umwe neumwe, ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinoraira pakereke dzose.
17רק יתהלך איש איש כפי מה שחלק לו האלהים וכפי מה שקרא אתו האדון וכן מתקן אנכי בכל הקהלות׃
18Kune mumwe here wakadamwa adzingiswa? Ngaarege kuzova usakadzingiswa. Kune umwe here wakadamwa asakadzingiswa, ngaaarege kudzingiswa.
18אם נמול האיש המקרא אל ימשך את ערלתו ואם ערל הוא אל ימול׃
19Dzingiso hachizi chinhu, nekusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirairo yaMwari.
19אין המילה נחשבה ואין הערלה נחשבה כי אם שמירת מצות האלהים׃
20Umwe neumwe ngaagare pakudamwa kwaakadamwa nako.
20איש איש במשמרתו אשר נקרא בה שם יעמד׃
21Wakadamwa uri muranda here? Usazvidya moyo nazvo; asi kana ungasunungurwa, zviri nani uzvishandise.
21אם נקראת בהיותך עבד אל ירע בעיניך אלא אם תשיג ידך לצאת לחפשי בחר בזה׃
22Nekuti uyo wakadamwa muna Ishe, ari muranda, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo uyo wakadamwa akasununguka, muranda waKristu.
22כי הקרוא באדון בהיותו עבד משחרר הוא לאדון וככה גם הקרוא בהיותו חפשי עבד הוא למשיח׃
23Makatengwa nemutengo; musava varanda vevanhu.
23במחיר נקניתם אל תהיו עבדי בני אדם׃
24Umwe neumwe zvaakadanirwa, hama, ngaagare pane izvozvo naMwari.
24איש איש במשמרת אשר נקרא בה אחי בזאת יעמד לפני האלהים׃
25Zvino maererano nemhandara, handina murairo waIshe; asi ndinotema sewakawana tsitsi dzaIshe kuva wakatendeka.
25ועל דבר הבתולות אין לי מצוה מאת האדון רק אודיע את עצתי אחרי אשר חנני האדון להיות נאמן׃
26Naizvozvo ndinofunga kuti izvi zvakanaka nekuda kwematambudziko aripo, kuti zvakanakira munhu kuti zvidai.
26הנני חשב כי טוב לאדם מפני הצרה הקרובה כי טוב לו להיות כמו שהוא׃
27Wakabatanidzwa kumukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa kubva kumukadzi here? Usatsvaka mukadzi.
27אם נקשרת באשה אל תבקש להפטר ואם נפטרת אל תבקש אשה׃
28Asi zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana ichiwanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.
28וגם כי תקח אשה אינך חטא והבתולה כי תהיה לאיש איננה חטאת אך יבאום צרות בבשרם והנני חס עליכם׃
29Asi zvino izvi ndinozvitaura hama, kuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vane vakadzi vave sevasina;
29וזאת אני אמר אחי כי השעה דחוקה למען מעתה יהיו הנשואים כאלו אין להם נשים׃
30nevanochema, sevasingachemi; nevanofara sevasingafari; nevanotenga sevasina chinhu;
30והבכים כאינם בכים והשמחים כאינם שמחים והקונים כאלו אין קנין בידם׃
31nevanoshandisa nyika ino, sevasingaishandisi; nekuti chimiro chenyika ino chinopfuura.
31והנהנים מן העולם הזה כאלו אין להם הנאה ממנו כי עבור יעבר תאר העולם הזה׃
32Zvino ndinoda kuti murege kuva nekufunganya. Usina kuwana unofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ungafadza Ishe sei;
32ואני חפצתי שתהיו בלי דאגה מי שאין לו אשה דאג לאשר לאדון איך ייטב בעיני האדון׃
33asi wakawana, unofunganya zvinhu zvenyika, kuti ungafadza mukadzi sei.
33ומי שיש לו אשה דאג הוא לעניני העולם איך ייטב בעיני האשה׃
34Pane musiyano pakati pemukadzi nemhandara. Usina kuwanikwa unofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ave mutsvene zvose pamuviri nepamweya; asi uyo wakawanikwa unofunganya zvinhu zvenyika, kuti ungafadza murume sei.
34יש הבדל בין אשת איש לבתולה כי האשה אשר לא היתה לאיש דאגת לאשר לאדון ולהיות קדושה גם בגופה גם ברוחה ובעולת בעל דאגת היא לעניני העולם איך תיטב בעיני בעלה׃
35Izvi ndinotaurira rubatsiro rwenyu; kwete kuti ndikande musungo pamusoro penyu asi kuti mufambe zvakafanira nekunamatira Ishe musingakanganiswi.
35וזאת אני אמר לתועלתכם ולא להשליך עליכם פח כי אם להנהגה טובה ולהיותכם נכונים תמיד לפני האדון באין מנע׃
36Asi kana mumwe achifunga kuti haazvibati zvakafanira kumhandara yake, iyo yakura, uye zvakafanira kuti zviitike saizvozvo, ngaaite zvaanoda, haatadzi; ngavawaniswe.
36וכי יחשב איש למעשה שלא כהגן לבתולתו אם תעבר פרקה ודבר חובה הוא אז יעשה כאשר עם לבבו איננו חוטא ישיאנה׃
37Asi unomira akasimba pamoyo pake, asingamanikidzwi chinhu, asi ane simba pamusoro pechido chake, akatema mumoyo make kuti uchachengeta mhandara yake unoita zvakanaka.
37ומי שהוא נכון בלבו ואיננו מכרח ויוכל לעשות כרצונו ויגמר זאת בלבו לשמר את בתולתו טוב עשה׃
38Naizvozvo uyo unowananisa unoita zvakanaka; asi usingawananisi unoita zvinopfuura.
38לכן המשיא אתה טוב הוא עשה ואשר איננו משיא עשה טוב ממנו׃
39Mukadzi wakasungwa nemurairo kana murume wake achingova mupenyu chete; asi kana murume wake afa, wasununguka kuwanikwa newaanoda; asi muna Ishe chete.
39האשה קשורה לבעלה על פי התורה כל עת שהוא חי וכי מת בעלה אזי מתרת היא להנשא למי שתרצה ובלבד שתהיה באדון׃
40Asi unganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu uye ndinofungawo kuti neni ndine Mweya waMwari.
40אבל אשריה יותר אם תעמד פנויה זאת דעתי ואחשב גם אני כי רוח אלהים בי׃