Shona

Hebrew: Modern

1 John

1

1Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, izvo zvatakanzwa, izvo zvatakaona nemeso edu, izvo zvatakatarira, uye namaoko edu akazvibata, zveShoko roupenyu,
1את אשר היה מראש אשר שמענו ובעינינו ראינו אשר הבטנו ואשר מששו ידינו על דבר החיים׃
2uye upenyu hwakaratidzwa, tikahwuona, tinopupura nokukuparidzirai upenyu hwusingaperi uhwo hwakanga hwuna Baba, hwukaratidzwa kwatiri;
2והחיים נגלו ונרא ומעידים אנחנו ומודיעים לכם את חיי העולם אשר היו עם האב ונגלו לנו׃
3Izvo zvatakaona nekunzwa, tinokuparidziraiwo izvozvo, kuti nemwiwo mudyidzane nesu; uye zvirokwazvo kudyidzana kwedu tinako naBaba, uye noMwanakomana wake Jesu Kristu.
3את אשר ראינו ושמענו נודיעה לכם למען תתחברו לנו גם אתם והתחברותנו היא עם האב ועם בנו ישוע המשיח׃
4Uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
4ואת זאת כתבים אנחנו לכם למען תהיה שמחתכם שלמה׃
5Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari, ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose.
5וזאת היא השמועה אשר שמענו ממנו ונגד לכם כי האלהים אור הוא וכל חשך אין בו׃
6Kana tichiti tine kudyidzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi;
6אם נאמר כי יש לנו התחברות עמו ונתהלך בחשך הננו כזבים ופעלתנו איננה אמת׃
7asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe; neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chose.
7אך אם באור נלך כאשר הוא באור הנה נתחברנו יחד ודם ישוע המשיח בנו יטהרנו מכל חטא׃
8Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri.
8אם נאמר כי אין בנו חטא הננו מתעים את נפשתינו והאמת אין בנו׃
9Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikangamwire zvivi, nokutinatsa pakusarurama kose.
9ואם נתודה את חטאתינו נאמן הוא וצדיק לסלח לנו את חטאתינו ולטהרנו מכל עון׃
10Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri.
10ואם נאמר כי לא חטאנו לכזב נשימנו ודברו אין בנו׃