Shona

Hebrew: Modern

1 John

3

1Tarirai kuti rudo rwakadini Baba rwavakatipa, kuti tinzi vanakomana vaMwari; nekuda kwaizvozvi nyika haitizivi, nekuti haina kumuziva iye.
1ראו מה גדלה אהבת האב הנתונה לנו אשר נקרא בני האלהים על כן העולם איננו ידע אתנו יען כי אותו לא ידע׃
2Vadiwa, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuonekwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoonekwa isu tichafanana naye; nekuti tichamuona sezvaakaita.
2אהובי עתה בנים לאלהים אנחנו ועוד לא נגלה מה נהיה אך ידענו כי בהגלותו נדמה לו כי נראהו כאשר הוא׃
3Uye umwe neumwe une tariro iyi maari, unozvichenesa sezvaakachena iye.
3וכל אשר לו תקוה כזאת יטהר את עצמו כאשר טהור גם הוא׃
4Umwe neumwe unoita chivi unodarika nomurairowo; nekuti chivi ndiko kudarika murairo.
4כל העשה חטא גם פשע בתורה הוא והחטא הוא פשע בתורה׃
5Munoziva kuti iye wakaratidzwa kuti abvise zvivi zvedu; uye maari hamuna zvivi.
5וידעתם כי הוא נגלה לשאת את חטאינו ובו אין חטא׃
6Ani nani unogara maari haatadzi; ani nani unotadza haana kumuona kana kumuziva.
6כל העמד בו לא יחטא כל החוטא לא ראהו גם לא ידעו׃
7Vana vaduku, ngakurege kuva neunokunyengerai; uyo unoita kururama wakarurama, saiye akarurama.
7בני אל יתעה אתכם איש העשה צדקה צדיק הוא כאשר הוא צדיק׃
8Uyo unoita chivi unobva kuna dhiabhorosi, nekuti dhiabhorosi unotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari wakaratidzwa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa adhiabhorosi.
8והעשה חטא מן השטן הוא כי השטן חטא מראש לזאת נגלה בן האלהים להפר את פעלות השטן׃
9Umwe neumwe wakaberekwa naMwari haaiti chivi, nekuti mbeu yake inogara maari, saka haangatadzi, nekuti wakaberekwa naMwari.
9כל הנולד מאלהים לא יחטא כי זרעו בו יקום ולא יוכל לחטא כי מאלהים נולד׃
10Muna izvozvi vana vaMwari navana vadhiabhorosi vanoratidzwa; umwe neumwe usingaiti zvakarurama haabvi kuna Mwari, naiyewo usingadi hama yake.
10ונודעו בזאת בני האלהים ובני השטן כל איש אשר לא יעשה צדקה איננו מאלהים וכן כל אשר לא יאהב את אחיו׃
11Nekuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidanane;
11כי זאת היא השמועה אשר שמעתם מראש לאהבה איש את רעהו׃
12kwete saKaini, wakabva kuna iye wakaipa, akaponda munin'ina wake. Ko wakamuponderei? Nekuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunin'ina wake akarurama.
12לא כקין אשר היה מן הרע והרג את אחיו ומדוע הרגו יען כי מעשיו היו רעים ומעשי אחיו מעשי צדק׃
13Musashamisika hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
13אל תתמהו אחי אם ישנא אתכם העולם׃
14Tinoziva kuti takabva murufu tikapinda muupenyu, nekuti tinoda hama. Uyo, usingadi hama yake unogara murufu.
14אנחנו ידענו כי עברנו מן המות אל החיים על כי נאהב את אחינו איש אשר לא יאהב את אחיו ישאר במות׃
15Umwe neumwe unovenga hama yake imhondi; uye munoziva kuti hakuna mhondi ine upenyu hwusingaperi hwunogara mairi.
15כל השנא את אחיו רצח נפש הוא וידעתם כי כל רצח נפש לא יתקימו בו חיי עולמים׃
16Ndizvo zvatinoziva nazvo rudo, nekuti wakatiradzikira upenyu hwake; nesu tinofanira kuradzikira hama upenyu.
16בזאת הכרנו את האהבה כי הוא נתן את נפשו בעדנו גם אנחנו חיבים לתת את נפשתינו בעד אחינו׃
17Asi ani nani ane fuma yenyika ino asi achiona hama yake ichishaiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?
17ואיש אשר לו נכסי העולם והוא ראה את אחיו חסר לחם וקפץ את רחמיו ממנו איך תעמד בו אהבת אלהים׃
18Vana vangu vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi muzviito nemuchokwadi.
18בני אל נא נאהב במלין ובלשון כי אם בפעל ובאמת׃
19Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa moyo yedu pamberi pake.
19ובזאת נדעה כי מן האמת אנחנו ולפניו נשקיט את לבותינו׃
20Nekuti kana moyo yedu ichitipa mhosva, Mwari mukuru kumoyo wedu, uye unoziva zvinhu zvose.
20כי אם לבבנו ירשיע אתנו האלהים נשגב הוא מלבבנו וידע את כל׃
21Vadiwa, kana moyo wedu usingatipi mhosva, tine ushingi pamberi paMwari;
21אהובי אם לבבנו לא ירשיענו בטחון לנו באלהים׃
22uye zvose zvatinokumbira tinogamuchira kubva kwaari, nekuti tinochengeta mirairo yake, tichiita zvinhu zvinofadza pamberi pake.
22וכל אשר נשאל מאתו נקבל כי נשמר את מצותיו ונעשה את הרצוי לפניו׃
23Uye uyu ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake Jesu Kristu, uye tidanane, sezvaakatipa murairo.
23וזאת היא מצותו להאמין בשם בנו ישוע המשיח ולאהבה איש את רעהו כאשר צונו׃
24Uye uyo unochengeta mirairo yake unogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti unogara matiri nomweya waakatipa.
24והשמר את מצותיו יקום בו והוא בו ובזאת נדע כי הוא שכן בנו ברוח אשר נתן לנו׃