1Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakange arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakange amire paaritari achipisa zvinonhuhwira.
1והנה איש אלהים בא מיהודה בדבר יהוה אל בית אל וירבעם עמד על המזבח להקטיר׃
2Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josiya; iye uchabaya pamusoro pako vapristi vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuhwira pamusoro pako, uye vachapisa mafupa avanhu pamusoro pako.
2ויקרא על המזבח בדבר יהוה ויאמר מזבח מזבח כה אמר יהוה הנה בן נולד לבית דוד יאשיהו שמו וזבח עליך את כהני הבמות המקטרים עליך ועצמות אדם ישרפו עליך׃
3Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi.
3ונתן ביום ההוא מופת לאמר זה המופת אשר דבר יהוה הנה המזבח נקרע ונשפך הדשן אשר עליו׃
4Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, Mubatei! Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.
4ויהי כשמע המלך את דבר איש האלהים אשר קרא על המזבח בבית אל וישלח ירבעם את ידו מעל המזבח לאמר תפשהו ותיבש ידו אשר שלח עליו ולא יכל להשיבה אליו׃
5Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.
5והמזבח נקרע וישפך הדשן מן המזבח כמופת אשר נתן איש האלהים בדבר יהוה׃
6Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu. Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare.
6ויען המלך ויאמר אל איש האלהים חל נא את פני יהוה אלהיך והתפלל בעדי ותשב ידי אלי ויחל איש האלהים את פני יהוה ותשב יד המלך אליו ותהי כבראשנה׃
7Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro.
7וידבר המלך אל איש האלהים באה אתי הביתה וסעדה ואתנה לך מתת׃
8Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kumwa pano,
8ויאמר איש האלהים אל המלך אם תתן לי את חצי ביתך לא אבא עמך ולא אכל לחם ולא אשתה מים במקום הזה׃
9nekuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, Usadya zvokudya, kana kumwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.
9כי כן צוה אתי בדבר יהוה לאמר לא תאכל לחם ולא תשתה מים ולא תשוב בדרך אשר הלכת׃
10Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri.
10וילך בדרך אחר ולא שב בדרך אשר בא בה אל בית אל׃
11Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa no munhu waMwari paBheteri pazuva iro, namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo.
11ונביא אחד זקן ישב בבית אל ויבוא בנו ויספר לו את כל המעשה אשר עשה איש האלהים היום בבית אל את הדברים אשר דבר אל המלך ויספרום לאביהם׃
12Ipapo baba vavo vakati kwavari, Waenda nenzira ipiko? Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha.
12וידבר אלהם אביהם אי זה הדרך הלך ויראו בניו את הדרך אשר הלך איש האלהים אשר בא מיהודה׃
13Akati kuvanakomana vake, Ndisungirei chigaro pambongoro; ivo vakamusungira chigaro pambongoro, akaitasva.
13ויאמר אל בניו חבשו לי החמור ויחבשו לו החמור וירכב עליו׃
14Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here? Akati, Ndini.
14וילך אחרי איש האלהים וימצאהו ישב תחת האלה ויאמר אליו האתה איש האלהים אשר באת מיהודה ויאמר אני׃
15Ipapo akati kwaari, Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya.
15ויאמר אליו לך אתי הביתה ואכל לחם׃
16Iye akati, Handingagoni kudzoka nemwi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kumwa mvura nemwi pano,
16ויאמר לא אוכל לשוב אתך ולבוא אתך ולא אכל לחם ולא אשתה אתך מים במקום הזה׃
17nekuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, Usadya zvokudya, kana kumwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.
17כי דבר אלי בדבר יהוה לא תאכל לחם ולא תשתה שם מים לא תשוב ללכת בדרך אשר הלכת בה׃
18Ipapo akati kwaari, Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokumwa mvura. Akareva nhema kwaari.
18ויאמר לו גם אני נביא כמוך ומלאך דבר אלי בדבר יהוה לאמר השבהו אתך אל ביתך ויאכל לחם וישת מים כחש לו׃
19Naizvozvo akadzoka naye, akandodya zvokudya mumba make nokumwa mvura.
19וישב אתו ויאכל לחם בביתו וישת מים׃
20Zvino vakati vagere patafura, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa,
20ויהי הם ישבים אל השלחן ויהי דבר יהוה אל הנביא אשר השיבו׃
21akadanidzira kumunhu waMwari, wakange abva kwaJudha, akati, Zvanzi naJehovha, Zvausina kuteerera muromo waJehovha, ukasachengeta murayiro wawakarairwa naJehovha Mwari wako,
21ויקרא אל איש האלהים אשר בא מיהודה לאמר כה אמר יהוה יען כי מרית פי יהוה ולא שמרת את המצוה אשר צוך יהוה אלהיך׃
22ukadzoka, ukadya zvokudya, ukamwa mvura ipapo paakati kwauri, Usadya zvokudya nokumwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.
22ותשב ותאכל לחם ותשת מים במקום אשר דבר אליך אל תאכל לחם ואל תשת מים לא תבוא נבלתך אל קבר אבתיך׃
23Zvino wakati adya zvokudya, nokumwa, akasungirira chigaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.
23ויהי אחרי אכלו לחם ואחרי שתותו ויחבש לו החמור לנביא אשר השיבו׃
24Zvino wakati aenda, shumba ikasangana naye munzira, ikamuuraya, chitunha chake chikakandirwa munzira, mbongoro ikamira nacho, uye shumbawo ikamira pachitunha.
24וילך וימצאהו אריה בדרך וימיתהו ותהי נבלתו משלכת בדרך והחמור עמד אצלה והאריה עמד אצל הנבלה׃
25Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.
25והנה אנשים עברים ויראו את הנבלה משלכת בדרך ואת האריה עמד אצל הנבלה ויבאו וידברו בעיר אשר הנביא הזקן ישב בה׃
26Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukwevera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari.
26וישמע הנביא אשר השיבו מן הדרך ויאמר איש האלהים הוא אשר מרה את פי יהוה ויתנהו יהוה לאריה וישברהו וימתהו כדבר יהוה אשר דבר לו׃
27Akati kuvanakomana vake, Ndisungirirei chigaro pambongoro, vakaisungira chigaro.
27וידבר אל בניו לאמר חבשו לי את החמור ויחבשו׃
28Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.
28וילך וימצא את נבלתו משלכת בדרך וחמור והאריה עמדים אצל הנבלה לא אכל האריה את הנבלה ולא שבר את החמור׃
29Ipapo muporofita akasimudza chitunha chomunhu waMwari, akachiisa pamusoro pembongoro, akadzoka nacho; akasvika kuguta romuporofita mutana, akamuchema nokumuviga.
29וישא הנביא את נבלת איש האלהים וינחהו אל החמור וישיבהו ויבא אל עיר הנביא הזקן לספד ולקברו׃
30Akaisa chitunha chake muhwiro hwake, vakamuchema, achiti, Haiwa, munin'ina wangu!
30וינח את נבלתו בקברו ויספדו עליו הוי אחי׃
31Zvino wakati amuviga, akataura navanakomana vake, akati, Kana ndafa, mundivige muhwiro makavigwa munhu waMwari; muise mafupa angu kurutivi rwamafupa ake;
31ויהי אחרי קברו אתו ויאמר אל בניו לאמר במותי וקברתם אתי בקבר אשר איש האלהים קבור בו אצל עצמתיו הניחו את עצמתי׃
32nekuti izvo zvaakataura, paakadanidzira achirairwa naJehovha, kuaritari paBheteri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, zvichaitika zvirokwazvo.
32כי היה יהיה הדבר אשר קרא בדבר יהוה על המזבח אשר בבית אל ועל כל בתי הבמות אשר בערי שמרון׃
33Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira.
33אחר הדבר הזה לא שב ירבעם מדרכו הרעה וישב ויעש מקצות העם כהני במות החפץ ימלא את ידו ויהי כהני במות׃
34Uye nechinhu ichi kwakava nechivi paimba yaJerobhoamu, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika.
34ויהי בדבר הזה לחטאת בית ירבעם ולהכחיד ולהשמיד מעל פני האדמה׃