1Zvino Bhenihadhadhi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiva namadzimambo ana makumi matatu ana maviri, namabhiza, nengoro pamwechete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.
1ובן הדד מלך ארם קבץ את כל חילו ושלשים ושנים מלך אתו וסוס ורכב ויעל ויצר על שמרון וילחם בה׃
2Akatuma nhume kuna Ahabhi, mambo waIsiraeri, mukati meguta, akati kwaari, Zvanzi naBhenihadhadhi
2וישלח מלאכים אל אחאב מלך ישראל העירה׃
3Sirivha yako nendarama yako ndezvangu, navakadzi vako navana vako vakanaka ndavangu.
3ויאמר לו כה אמר בן הדד כספך וזהבך לי הוא ונשיך ובניך הטובים לי הם׃
4Mambo waIsiraeri akapindura, akati, Ndizvo hazvo zvamareva, ishe wangu mambo; ndiri wenyu, nezvose zvandinazvo.
4ויען מלך ישראל ויאמר כדברך אדני המלך לך אני וכל אשר לי׃
5Nhume dzikadzoka, dzikati, Zvanzi naBhenihadhadhi, Ndakatuma shoko kwauri, ndikati, Unofanira kundipa sirivha yako nendarama yako, navakadzi vako navana vako;
5וישבו המלאכים ויאמרו כה אמר בן הדד לאמר כי שלחתי אליך לאמר כספך וזהבך ונשיך ובניך לי תתן׃
6asi ndichatuma varanda vangu kwauri mangwana nenguva ino; ivo vachanzvera imba yako, nedzimba dzavaranda vako; zvino, zvose zvinofadza meso ako vachazvitora namaoko avo, ndokuenda nazvo.
6כי אם כעת מחר אשלח את עבדי אליך וחפשו את ביתך ואת בתי עבדיך והיה כל מחמד עיניך ישימו בידם ולקחו׃
7Ipapo mambo waIsiraeri wakadana vakuru vose venyika, akati, Cherekedzai, muvone, kuti munhu uyu unotsvaka kutiitira zvakaipa; nekuti wakatuma shoko kwandiri, achiti uchatora vakadzi vangu navana vangu, nesirivha yangu nendarama yangu, ndikasamurambira chinhu.
7ויקרא מלך ישראל לכל זקני הארץ ויאמר דעו נא וראו כי רעה זה מבקש כי שלח אלי לנשי ולבני ולכספי ולזהבי ולא מנעתי ממנו׃
8Ipapo vakuru vose navanhu vose vakati kwaari, Regai kumuteerera, kana kumutenda.
8ויאמרו אליו כל הזקנים וכל העם אל תשמע ולוא תאבה׃
9Naizvozvo akati kunhume dzaBhenihadhadhi, Udzai ishe wangu mambo, muti, Zvose zvakazivisa muranda wenyu pakutanga, ndichazviita; asi chinhu ichi handingagoni kuchiita. Nhume dzikaenda, dzikadzokera kwaari nemhinduro.
9ויאמר למלאכי בן הדד אמרו לאדני המלך כל אשר שלחת אל עבדך בראשנה אעשה והדבר הזה לא אוכל לעשות וילכו המלאכים וישבהו דבר׃
10Ipapo Bhenihadhadhi akatuma shoko kwaari akati, Vamwari ngavandirove, varambe vachidaro, kana guruva reSamaria rikagona kuringana kuti vanhu vose vanonditevera vatsamure tsama namaoko avo.
10וישלח אליו בן הדד ויאמר כה יעשון לי אלהים וכה יוספו אם ישפק עפר שמרון לשעלים לכל העם אשר ברגלי׃
11Mambo waIsiraeri akapindura, akati, Muudzei muti, Unoshonga nhumbi dzake dzokurwa ngaarege kuzvirumbidza saiye wodzibvisa.
11ויען מלך ישראל ויאמר דברו אל יתהלל חגר כמפתח׃
12Zvino iye wakati achinzwa shoko iro ari pakumwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuvaranda vake, Rongedzai! Ivo vakarongedza kundorwa neguta.
12ויהי כשמע את הדבר הזה והוא שתה הוא והמלכים בסכות ויאמר אל עבדיו שימו וישימו על העיר׃
13Zvino mumwe muporofita akaswedera kuna Ahabhi mambo waIsiraeri, akati, Zvanzi naJehovha, Waona vanhu ava vazhinji here? Tarira, ndichavapa mumaoko ako nhasi, ugoziva kuti ndini Jehovha.
13והנה נביא אחד נגש אל אחאב מלך ישראל ויאמר כה אמר יהוה הראית את כל ההמון הגדול הזה הנני נתנו בידך היום וידעת כי אני יהוה׃
14Ahabhi akati, Naniko? Iye akati, Zvanzi naJehovha, Namajaya amachinda amativi enyika. Iye akati, Ndianiko unofanira kuvamba kurwa? Akapindura akati, Iwe!
14ויאמר אחאב במי ויאמר כה אמר יהוה בנערי שרי המדינות ויאמר מי יאסר המלחמה ויאמר אתה׃
15Ipapo akaverenga majaya amachinda amativi enyika, vakasvika mazana maviri namakumi matatu namaviri; zvino akaverenga vanhu vose, ivo vana vaIsiraeri vose, vakasvika zviuru zvinomwe.
15ויפקד את נערי שרי המדינות ויהיו מאתים שנים ושלשים ואחריהם פקד את כל העם כל בני ישראל שבעת אלפים׃
16Vakasimuka masikati makuru. Zvino Bhenihadhadhi wakange ari pakumwa pamisasa, akabatwa, iye namadzimambo, iwo madzimambo makumi matatu namaviri akanga achimubatsira.
16ויצאו בצהרים ובן הדד שתה שכור בסכות הוא והמלכים שלשים ושנים מלך עזר אתו׃
17Zvino majaya amachinda amativi enyika akatanga kutungamira Bhenihadhadhi akatuma nhume, vakamuudza, vachiti, Kuna varume vanobuda Samaria.
17ויצאו נערי שרי המדינות בראשנה וישלח בן הדד ויגידו לו לאמר אנשים יצאו משמרון׃
18Iye akati, Kunyange vabuda vachitsvaka rugare, muvabate vari vapenyu, kunyange vabuda vachitsvaka kurwa, muvabate vari vapenyu.
18ויאמר אם לשלום יצאו תפשום חיים ואם למלחמה יצאו חיים תפשום׃
19Naizvozvo vakabuda muguta, iwo majaya amachinda amativi enyika nehondo yakavatevera.
19ואלה יצאו מן העיר נערי שרי המדינות והחיל אשר אחריהם׃
20Mumwe nomumwe akauraya munhu wake, vaSiria vakatiza, vaIsiraeri vakavateverera; naBhenihadhadhi mambo weSiria akatiza, akatasva bhiza ana vamwe vakanga vakatasva mabhiza.
20ויכו איש אישו וינסו ארם וירדפם ישראל וימלט בן הדד מלך ארם על סוס ופרשים׃
21Ipapo mambo waIsiraeri akabuda, akaparadza mabhiza nengoro, akauraya vaSiria vazhinji-zhinji.
21ויצא מלך ישראל ויך את הסוס ואת הרכב והכה בארם מכה גדולה׃
22Zvino muporofita akaswedera kuna mambo waIsiraeri, akati kwaari, Enda undozvisimbisa, uchenjere, ufunge zvakanaka zvaunofanira kuita; nekuti kana gore rapera mambo weSiria uchauya kuzorwa newe.
22ויגש הנביא אל מלך ישראל ויאמר לו לך התחזק ודע וראה את אשר תעשה כי לתשובת השנה מלך ארם עלה עליך׃
23Zvino varanda vamambo weSiria vakati kwaari, Mwari wavo ndimwari wamakomo, nemhaka iyo vakatikunda; asi ngatirwe navo pabani, ipapo zvirokwazvo tichavakunda.
23ועבדי מלך ארם אמרו אליו אלהי הרים אלהיהם על כן חזקו ממנו ואולם נלחם אתם במישור אם לא נחזק מהם׃
24Naizvozvo itai chinhu ichi, Mubvise madzimambo, mumwe nomumwe panzvimbo yake, mugoisa vatariri vehondo panzvimbo yavo;
24ואת הדבר הזה עשה הסר המלכים איש ממקמו ושים פחות תחתיהם׃
25mugozviunganidzira hondo yakafanana nehondo yamakarashikirwa nayo, bhiza panzvimbo yebhiza, nengoro panzvimbo yengoro, tirwe navo pabani; zvirokwazvo tichavakunda. Iye akateerera inzwi ravo, akaita saizvozvo.
25ואתה תמנה לך חיל כחיל הנפל מאותך וסוס כסוס ורכב כרכב ונלחמה אותם במישור אם לא נחזק מהם וישמע לקלם ויעש כן׃
26Pakupera kwegore Bhenihadhadhi akaunganidza vaSiria, akaenda Afeki kundorwa navaIsiraeri.
26ויהי לתשובת השנה ויפקד בן הדד את ארם ויעל אפקה למלחמה עם ישראל׃
27Vana vaIsiraeri vakaunganidzwawo, vakapiwa mbuva, vakandorwa navo; vana vaIsiraeri vakadzika matende avo pakatarisana navo, vakafanana namapoka maduku maviri embudzi, asi vaSiria vakanga vakazadza nyika.
27ובני ישראל התפקדו וכלכלו וילכו לקראתם ויחנו בני ישראל נגדם כשני חשפי עזים וארם מלאו את הארץ׃
28Zvino munhu waMwari akaswedera, akataura kuna mambo waIsiraeri, akati, Zvanzi naJehovha, VaSiria zvavakati, Jehovha ndimwari wamakomo, asi haazi mwari wamapani, naizvozvo ndichapa vanhu avo vose mumaoko ako, vazive kuti ini ndiri Jehovha.
28ויגש איש האלהים ויאמר אל מלך ישראל ויאמר כה אמר יהוה יען אשר אמרו ארם אלהי הרים יהוה ולא אלהי עמקים הוא ונתתי את כל ההמון הגדול הזה בידך וידעתם כי אני יהוה׃
29Zvino vakagara pamisasa vakatarisana mazuva manomwe. Nomusi wechinomwe vakasangana vakarwa, vana vaIsiraeri vakauraya vaSiria vaifamba namakumbo vane zviuru zvine zana nomusi mumwe.
29ויחנו אלה נכח אלה שבעת ימים ויהי ביום השביעי ותקרב המלחמה ויכו בני ישראל את ארם מאה אלף רגלי ביום אחד׃
30Asi vamwe vakatizira muguta reAfeki, rusvingo ndokuwira pamusoro pavarume vane zviuru zvina makumi maviri nezvinomwe vakanga vasara. NaBhenihadhadhi akatizawo, akasvika muguta, akapinda mukamuri yomukati.
30וינסו הנותרים אפקה אל העיר ותפל החומה על עשרים ושבעה אלף איש הנותרים ובן הדד נס ויבא אל העיר חדר בחדר׃
31Ipapo varanda vake vakati kwaari, Tarirai zvino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsiraeri madzimambo ane nyasha; zvino ngatisunge magumbu pazviuno zvedu namakavi pamisoro yedu, tibudire kuna mambo waIsiraeri; zvimwe uchakuregai muri vapenyu.
31ויאמרו אליו עבדיו הנה נא שמענו כי מלכי בית ישראל כי מלכי חסד הם נשימה נא שקים במתנינו וחבלים בראשנו ונצא אל מלך ישראל אולי יחיה את נפשך׃
32Naizvozvo vakasunga magumbu pazviuno zvavo, namakavi pamisoro yavo, vakaenda kuna mambo waIsiraeri, vakati, Zvanzi nomuranda wenyu Bhenihadhadhi, Ndinokumbira kuti murege kundiuraya henyu. Akati, Uchiri mupenyu here? Iye ihama yangu.
32ויחגרו שקים במתניהם וחבלים בראשיהם ויבאו אל מלך ישראל ויאמרו עבדך בן הדד אמר תחי נא נפשי ויאמר העודנו חי אחי הוא׃
33Zvino varume avo vakacherekedza kwazvo, vakakurumidza kugamuchira shoko iro kwaari, vakati, Hoyo, Bhenihadhadhi hama yenyu. Ipapo iye akati, Endai, mumutore. Bhenihadhadhi akabudira kwaari, akamukwidza pangoro.
33והאנשים ינחשו וימהרו ויחלטו הממנו ויאמרו אחיך בן הדד ויאמר באו קחהו ויצא אליו בן הדד ויעלהו על המרכבה׃
34Zvino Bhenihadhadhi akati kwaari, Ndichadzosa maguta akatorerwa baba vako nababa vangu; ungazviitira migwagwa muDhamasiko, sezvakaita baba vangu paSamaria. Ahabhi akati, Ini ndichakutendera kuenda nokuda kwesungano iyi. Naizvozvo akaita sungano naye, akamutendera kuenda.
34ויאמר אליו הערים אשר לקח אבי מאת אביך אשיב וחוצות תשים לך בדמשק כאשר שם אבי בשמרון ואני בברית אשלחך ויכרת לו ברית וישלחהו׃
35Zvino mumwe murume wavana vavapomfita akati kushamwari yake arairwa naJehovha, Ndirove hako. Murume akaramba kumurova.
35ואיש אחד מבני הנביאים אמר אל רעהו בדבר יהוה הכיני נא וימאן האיש להכתו׃
36Ipapo akati kwaari, Zvausina kuteerera inzwi raJehovha, tarira, uchaurawa neshumba kana uchangobva kwandiri. Zvino wakati achangobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuuraya.
36ויאמר לו יען אשר לא שמעת בקול יהוה הנך הולך מאתי והכך האריה וילך מאצלו וימצאהו האריה ויכהו׃
37Zvino akawanazve mumwe murume, akati, Ndirove hako. Murume uyo akamurova, akamukuvadza kwazvo.
37וימצא איש אחר ויאמר הכיני נא ויכהו האיש הכה ופצע׃
38Naizvozvo muporofita akabva, akandomirira mambo panzira, akazvishandura nomucheka waakanga asunga kumeso kwake.
38וילך הנביא ויעמד למלך על הדרך ויתחפש באפר על עיניו׃
39Zvino mambo wakati achipfuura, akadanidzira kuna mambo, akati, Muranda wenyu wakange apinda pakati pokurwa, ndikaona munhu achitsauka, akauya kwandiri nomumwe murume, akati, Rinda munhu uyu; kana akatongoshaikwa, upenyu hwake huchatsihwa noupenyu hwako; kana izvo zvikakona, uchafanira kuripa netarenda resirivha.
39ויהי המלך עבר והוא צעק אל המלך ויאמר עבדך יצא בקרב המלחמה והנה איש סר ויבא אלי איש ויאמר שמר את האיש הזה אם הפקד יפקד והיתה נפשך תחת נפשו או ככר כסף תשקול׃
40Zvino muranda wenyu wakati achibatabata hake pano napapo, iye akanyangarika. Mambo waIsiraeri akati kwaari, Ndizvo zvauchatongerwa, wazvitonga umene.
40ויהי עבדך עשה הנה והנה והוא איננו ויאמר אליו מלך ישראל כן משפטך אתה חרצת׃
41Akakurumidza kubvisa mucheka kumeso kwake, mambo walsiraeri akamuziva kuti ndomumwe wavaporofita.
41וימהר ויסר את האפר מעל עיניו ויכר אתו מלך ישראל כי מהנבאים הוא׃
42Iye akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Zvawatendera munhu kupukunyuka pamaoko ako, iye wakange atukwa neni kuti aparadzwe, naizvozvo upenyu hwake hwuchatsihwa noupenyu hwako, uye vanhu vake vachatsihwa navanhu vako.
42ויאמר אליו כה אמר יהוה יען שלחת את איש חרמי מיד והיתה נפשך תחת נפשו ועמך תחת עמו׃
43Mambo waIsiraeri akaenda kumba kwake awora moyo ane shungu, ndokusvika paSamaria.
43וילך מלך ישראל על ביתו סר וזעף ויבא שמרונה׃