Shona

Hebrew: Modern

1 Kings

22

1Zvino vakagara makore matatu kusino kurwa pakati pavaSiria navaIsiraeri.
1וישבו שלש שנים אין מלחמה בין ארם ובין ישראל׃
2Zvino negore rechitatu Jehoshafati mambo waJudha wakaburukira kuna mambo waIsiraeri.
2ויהי בשנה השלישית וירד יהושפט מלך יהודה אל מלך ישראל׃
3Ipapo mambo waIsiraeri akati kuvaranda vake, Munoziva here kuti RamotiGiriyadhi nderedu? Asi isu tigere hedu tinyerere, tisingaritori kuna mambo weSiria.
3ויאמר מלך ישראל אל עבדיו הידעתם כי לנו רמת גלעד ואנחנו מחשים מקחת אתה מיד מלך ארם׃
4Akati kuna Jehoshafati, Uchaenda neni kundorwa neRamotiGiriyadhi here? Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako.
4ויאמר אל יהושפט התלך אתי למלחמה רמת גלעד ויאמר יהושפט אל מלך ישראל כמוני כמוך כעמי כעמך כסוסי כסוסיך׃
5Jehoshafati akati kuna mambo waIsiraeri, Dombobvunza hako shoko raJehovha nhasi.
5ויאמר יהושפט אל מלך ישראל דרש נא כיום את דבר יהוה׃
6Zvino mambo waIsiraeri akaunganidza vaporofita, vanenge varume vaiva namazana mana, akati kwavari, Ndiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana ndirege? Ivo vakati, Endai, nekuti Ishe uchariisa mumaoko amambo.
6ויקבץ מלך ישראל את הנביאים כארבע מאות איש ויאמר אלהם האלך על רמת גלעד למלחמה אם אחדל ויאמרו עלה ויתן אדני ביד המלך׃
7Asi Jehoshafati akati, Hakuchina mumwe muporofita waJehovha pano here, timubvunze?
7ויאמר יהושפט האין פה נביא ליהוה עוד ונדרשה מאותו׃
8Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Mumwe murume uchiriko, Mikaya mwanakomana waImira, watingabvunza kuda kwaJehovha naye, asi ini ndinomuvenga, nekuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa. Jehoshafati akati, Mambo ngaarege kudaro.
8ויאמר מלך ישראל אל יהושפט עוד איש אחד לדרש את יהוה מאתו ואני שנאתיו כי לא יתנבא עלי טוב כי אם רע מיכיהו בן ימלה ויאמר יהושפט אל יאמר המלך כן׃
9Zvino mambo waIsiraeri akadana muranda, akati, Kurumidza undotora Mikaya mwanakomana waImira.
9ויקרא מלך ישראל אל סריס אחד ויאמר מהרה מיכיהו בן ימלה׃
10Zvino mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakanga vagere mumwe nomumwe pachigaro chake choushe, vakafuka nguvo dzavo dzoushe padare pasuwo reSamaria; vaporofita vose vakaporofita pamberi pavo.
10ומלך ישראל ויהושפט מלך יהודה ישבים איש על כסאו מלבשים בגדים בגרן פתח שער שמרון וכל הנביאים מתנבאים לפניהם׃
11Zedhekia mwanakomana waKenaani akazviitira nyanga dzamatare, akati, Zvanzi naJehovha, Nedzidzi muchatunga vaSiria, kusvikira vapera.
11ויעש לו צדקיה בן כנענה קרני ברזל ויאמר כה אמר יהוה באלה תנגח את ארם עד כלתם׃
12Navamwe vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vakati, Endai Ramotigiteadhi, muchakunda, nekuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.
12וכל הנבאים נבאים כן לאמר עלה רמת גלעד והצלח ונתן יהוה ביד המלך׃
13Zvino nhume yakanga yandodana Mikaya yakataura kwaari, ikati, Tarirai, mashoko avaporofita anobvumirana achitaura zvakanaka kuna mambo; zvino ndinokumbira kuti shoko renyu rive seshoko romumwe wavo, mutaurewo zvakanaka.
13והמלאך אשר הלך לקרא מיכיהו דבר אליו לאמר הנה נא דברי הנביאים פה אחד טוב אל המלך יהי נא דבריך כדבר אחד מהם ודברת טוב׃
14Ipapo Mikaya akati, NaJehovha mupenyu, izvo zvinorehwa naJehovha kwandiri, ndizvo zvandichataura.
14ויאמר מיכיהו חי יהוה כי את אשר יאמר יהוה אלי אתו אדבר׃
15Zvino wakati achisvika kuna mambo, mambo akati kwaari, Mikaya, tiende kundorwa neRamotiGiriyadhi here, kana tirege? Akapindura, akati, Endai henyu, muchakunda, nekuti Jehovha uchariisa muruoko rwamambo.
15ויבוא אל המלך ויאמר המלך אליו מיכיהו הנלך אל רמת גלעד למלחמה אם נחדל ויאמר אליו עלה והצלח ונתן יהוה ביד המלך׃
16Mambo akati kwaari, Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze chokwadi yoga nezita raJehovha?
16ויאמר אליו המלך עד כמה פעמים אני משבעך אשר לא תדבר אלי רק אמת בשם יהוה׃
17Iye akati, Ndaona vaIsiraeri vose vakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi, Jehovha akati, Ava havana tenzi, mumwe nomumwe ngaadzokere kumusha kwake norugare.
17ויאמר ראיתי את כל ישראל נפצים אל ההרים כצאן אשר אין להם רעה ויאמר יהוה לא אדנים לאלה ישובו איש לביתו בשלום׃
18Mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Handina kukuudza here? Kuti haangaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa?
18ויאמר מלך ישראל אל יהושפט הלוא אמרתי אליך לוא יתנבא עלי טוב כי אם רע׃
19Mikaya akati, Zvino chinzwai shoko raJehovha, Ndakaona Jehovha agere pachigaro chake choushe, nehondo dzose dzokudenga dzimire naye kurudyi rwake nokuruboshwe rwake.
19ויאמר לכן שמע דבר יהוה ראיתי את יהוה ישב על כסאו וכל צבא השמים עמד עליו מימינו ומשמאלו׃
20Ipapo Jehovha akati, Ndianiko uchandonyengera Ahabhi, aende, andourawa paRamotiGiriyadhi? Zvino mumwe akati zvokuti, nomumwezve akati zvokuti.
20ויאמר יהוה מי יפתה את אחאב ויעל ויפל ברמת גלעד ויאמר זה בכה וזה אמר בכה׃
21Zvino mweya ukabuda, ukamira pamberi paJehovha, ukati, Ini ndichandomunyengera.
21ויצא הרוח ויעמד לפני יהוה ויאמר אני אפתנו ויאמר יהוה אליו במה׃
22Jehovha akati kwauri, Neiko? Iwo ukati, Ndichaenda, ndichava mweya wenhema mumiromo yavaporofita vake vose. Iye akati, Iwe ndiwe uchamunyengera, uchakundawo; enda hako, undoita saizvozvo.
22ויאמר אצא והייתי רוח שקר בפי כל נביאיו ויאמר תפתה וגם תוכל צא ועשה כן׃
23Naizvozvo zvino, tarirai Jehovha wakaisa mweya wenhema mumiromo yavaporofita venyu ava vose, asi Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu.
23ועתה הנה נתן יהוה רוח שקר בפי כל נביאיך אלה ויהוה דבר עליך רעה׃
24Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaani akaswedera, akarova Mikaya padama rake, akati, Mweya waJehovha wakaenda nepiko uchibva kwandiri kundotaura newe?
24ויגש צדקיהו בן כנענה ויכה את מיכיהו על הלחי ויאמר אי זה עבר רוח יהוה מאתי לדבר אותך׃
25Mikaya akati, Uchazviona musi uyo wauchandovanda mukamuri yomukati.
25ויאמר מיכיהו הנך ראה ביום ההוא אשר תבא חדר בחדר להחבה׃
26Ipapo mambo waIsiraeri akati, Batai Mikaya, mumuise kuna Amoni mubati weguta, nokuna Joashi mwanakomana wamambo,
26ויאמר מלך ישראל קח את מיכיהו והשיבהו אל אמן שר העיר ואל יואש בן המלך׃
27muti, Zvanzi namambo, pinzai munhu uyu mutirongo, mumupe zvokudya zvokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kusvikira ndichidzoka norugare.
27ואמרת כה אמר המלך שימו את זה בית הכלא והאכילהו לחם לחץ ומים לחץ עד באי בשלום׃
28Ipapo Mikaya akati, Kana mukadzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni. Akati, Inzwai, imwi vanhu, imwi mose.
28ויאמר מיכיהו אם שוב תשוב בשלום לא דבר יהוה בי ויאמר שמעו עמים כלם׃
29Naizvozvo mambo waIsiraeri naJehoshafati mambo waJudha vakaenda RamotiGiriyadhi.
29ויעל מלך ישראל ויהושפט מלך יהודה רמת גלעד׃
30Zvino mambo waIsiraeri akati kuna Jehoshafati, Ini ndichazvishandura, ndigondorwa; asi iwe chifuka nguvo dzangu dzoushe. Mambo waIsiraeri akazvishandura, akandorwa.
30ויאמר מלך ישראל אל יהושפט התחפש ובא במלחמה ואתה לבש בגדיך ויתחפש מלך ישראל ויבוא במלחמה׃
31Zvino mambo weSiria wakange araira vatariri vengoro dzake, vana makumi matatu navaviri, akati, Regai kurwa navaduku kana navakuru, asi namambo waIsiraeri oga.
31ומלך ארם צוה את שרי הרכב אשר לו שלשים ושנים לאמר לא תלחמו את קטן ואת גדול כי אם את מלך ישראל לבדו׃
32Zvino vatariri vengoro vakati vachiona Jehoshafati, vakati, Zvirokwazvo ndiye mambo waIsiraeri. Vakatsaukira kundorwa naye; zvino Jehoshafati akaridza mhere.
32ויהי כראות שרי הרכב את יהושפט והמה אמרו אך מלך ישראל הוא ויסרו עליו להלחם ויזעק יהושפט׃
33Ipapo vatariri vengoro vakati vachiona kuti haazi mambo waIsiraeri, vakadzoka pakumutevera.
33ויהי כראות שרי הרכב כי לא מלך ישראל הוא וישובו מאחריו׃
34Zvino mumwe murume akabwembura uta hwake asingashumbi, hake, akafura mambo waIsiraeri pakati pezvisungo zvenguvo dzake dzokurwa nadzo, ipapo mambo akati kumufambisi wengoro yake, Dzoka, undiise kunze kwehondo, nekuti ndakuvadzwa kwazvo.
34ואיש משך בקשת לתמו ויכה את מלך ישראל בין הדבקים ובין השרין ויאמר לרכבו הפך ידך והוציאני מן המחנה כי החליתי׃
35Kurwa kukanyanya kwazvo nomusi uyo; mambo akatsigirwa mungoro yake pakurwa navaSiria, akafa madekwana; ropa rikabuda pavanga rikaerera mukati mengoro.
35ותעלה המלחמה ביום ההוא והמלך היה מעמד במרכבה נכח ארם וימת בערב ויצק דם המכה אל חיק הרכב׃
36Zvino zuva rakati rovira mhere ikanzwika pahondo yose, ichiti, Mumwe nomumwe ngaadzokere kuguta rake, mumwe nomumwe kunyika yake.
36ויעבר הרנה במחנה כבא השמש לאמר איש אל עירו ואיש אל ארצו׃
37Naizvozvo mambo akafa, akaiswa Samaria, vakaviga mambo paSamaria.
37וימת המלך ויבוא שמרון ויקברו את המלך בשמרון׃
38Vakasuka ngoro padziva reSamaria, imbwa dzikananzva ropa rake, ndipo paishamba zvifeve; sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha.
38וישטף את הרכב על ברכת שמרון וילקו הכלבים את דמו והזנות רחצו כדבר יהוה אשר דבר׃
39Zvino mamwe mabasa aAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, namaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
39ויתר דברי אחאב וכל אשר עשה ובית השן אשר בנה וכל הערים אשר בנה הלוא הם כתובים על ספר דברי הימים למלכי ישראל׃
40Naizvozvo Ahabhi akavata namadzibaba ake, Ahazia mwanakomana wake akamutevera paushe.
40וישכב אחאב עם אבתיו וימלך אחזיהו בנו תחתיו׃
41Zvino Jehoshafati mwanakomana waAsa, wakatanga kubata ushe hwaJudha negore rechina raAhabhi mambo waIsiraeri.
41ויהושפט בן אסא מלך על יהודה בשנת ארבע לאחאב מלך ישראל׃
42Jehoshafati wakange ava namakore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata makore makumi maviri namashanu paJerusaremu. Zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi.
42יהושפט בן שלשים וחמש שנה במלכו ועשרים וחמש שנה מלך בירושלם ושם אמו עזובה בת שלחי׃
43Akafamba panzira dzose dzababa vake Asa; haana kutsauka padziri, asi wakaita zvakarurama pamberi paJehovha; kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachingobayira nokupisira zvinonhuhwira pamatunhu akakwirira.
43וילך בכל דרך אסא אביו לא סר ממנו לעשות הישר בעיני יהוה אך הבמות לא סרו עוד העם מזבחים ומקטרים בבמות׃
44Jehoshafati akayanana namambo waIsiraeri.
44וישלם יהושפט עם מלך ישראל׃
45Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, nesimba rakaonekwa kwaari, nokurwa kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
45ויתר דברי יהושפט וגבורתו אשר עשה ואשר נלחם הלא הם כתובים על ספר דברי הימים למלכי יהודה׃
46VaSodhomiwo vakanga vasiiwa pamazuva aAsa baba vake, akavabvisawo panyika.
46ויתר הקדש אשר נשאר בימי אסא אביו בער מן הארץ׃
47Asi paEdhomu pakanga pasina mambo mumwe wakange achibata panzvimbo yamambo.
47ומלך אין באדום נצב מלך׃
48Jehoshafati akavaka zvikepe zveTarishishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi hazvina kuenda, nekuti zvikepe zvakaputsika paEZiyonigebheri.
48יהושפט עשר אניות תרשיש ללכת אופירה לזהב ולא הלך כי נשברה אניות בעציון גבר׃
49Zvino Ahazia mwanakomana waAhabhi akati kuna Jehoshafati, Varanda vangu ngavaende navaranda vako nezvikepe. Asi Jehoshafati wakaramba.
49אז אמר אחזיהו בן אחאב אל יהושפט ילכו עבדי עם עבדיך באניות ולא אבה יהושפט׃
50Jehoshafati akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake, Jehorami mwanakomana wake akamutevera paushe.
50וישכב יהושפט עם אבתיו ויקבר עם אבתיו בעיר דוד אביו וימלך יהורם בנו תחתיו׃
51Ahazia mwanakomana waAhabhi, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria pagore regumi namanomwe raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri.
51אחזיהו בן אחאב מלך על ישראל בשמרון בשנת שבע עשרה ליהושפט מלך יהודה וימלך על ישראל שנתים׃
52Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Isiraeri.
52ויעש הרע בעיני יהוה וילך בדרך אביו ובדרך אמו ובדרך ירבעם בן נבט אשר החטיא את ישראל׃
53Nekuti wakashumira Bhaari, akanamata kwaari, akatsamwisa Jehovha Mwari waIsiraeri, sezvakaita baba vake pazvose.
53ויעבד את הבעל וישתחוה לו ויכעס את יהוה אלהי ישראל ככל אשר עשה אביו׃