Shona

Hebrew: Modern

1 Samuel

20

1Zvino Dhavhidhi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kuna Jonatani, Ndadiniko? Kutadza kwangu ndokwei? Chivi changu pamberi pababa vako ndechipi, zvavanotsvaka kundiuraya?
1ויברח דוד מנוית ברמה ויבא ויאמר לפני יהונתן מה עשיתי מה עוני ומה חטאתי לפני אביך כי מבקש את נפשי׃
2Iye akati kwaari, Ngazvisadaro, usadaro, haungafi; tarira baba vangu havangaiti chinhu chikuru kana chiduku, vasingandizivisi icho; zvino baba vangu vangandivanzirireiko chinhu ichi? Hazvizi izvo.
2ויאמר לו חלילה לא תמות הנה לו עשה אבי דבר גדול או דבר קטן ולא יגלה את אזני ומדוע יסתיר אבי ממני את הדבר הזה אין זאת׃
3Ipapo Dhavhidhi akapikazve akati, Baba vako vanoziva kwazvo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naizvozvo vakati, Jonatani ngaarege kuzviziva, zvimwe ungazvidya moyo; asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, nomweya wako mupenyu, kune nhambwe imwechete pakati pangu norufu.
3וישבע עוד דוד ויאמר ידע ידע אביך כי מצאתי חן בעיניך ויאמר אל ידע זאת יהונתן פן יעצב ואולם חי יהוה וחי נפשך כי כפשע ביני ובין המות׃
4Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Zvose zvinodikamwa nomoyo wako, ndichakuitira izvozvo.
4ויאמר יהונתן אל דוד מה תאמר נפשך ואעשה לך׃
5Dhavhidhi akati kuna Jonatani, Tarira, mangwana mwedzi wogara, ndichafanira kundogara pakudya namambo; asi nditendere, ndiende kundovanda mumunda kusvikira madekwana ezuva rechitatu.
5ויאמר דוד אל יהונתן הנה חדש מחר ואנכי ישב אשב עם המלך לאכול ושלחתני ונסתרתי בשדה עד הערב השלשית׃
6Kana baba vako vakandishaiwa, uti kwavari, Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri, kuti amhanyire Bheterehemu, kuguta rake; nekuti ikoko kunoitwa chibayiro chegore rimwe nerimwe chavose veimba yake.
6אם פקד יפקדני אביך ואמרת נשאל נשאל ממני דוד לרוץ בית לחם עירו כי זבח הימים שם לכל המשפחה׃
7Kana vakati, Zvakanaka hazvo! Muranda wako uchava norugare; asi kana vakatsamwa, uzive kuti vagara vandifungira zvakaipa.
7אם כה יאמר טוב שלום לעבדך ואם חרה יחרה לו דע כי כלתה הרעה מעמו׃
8Naizvozvo chiitira hako muranda wako zvakanaka; nekuti wakaita sungano nomuranda wako pamberi paJehovha, asi kana zvakaipa zviriko kwandiri, undiuraye iwe, nekuti uchandiisireiko kuna baba vako?
8ועשית חסד על עבדך כי בברית יהוה הבאת את עבדך עמך ואם יש בי עון המיתני אתה ועד אביך למה זה תביאני׃
9Jonatani akati, Usadaro, nekuti dai ndaiziva kuti baba vangu vagara vafunga kukuitira zvakaipa, handizaikuudza here?
9ויאמר יהונתן חלילה לך כי אם ידע אדע כי כלתה הרעה מעם אבי לבוא עליך ולא אתה אגיד לך׃
10Dhavhidhi akati kuna Jonatani, Ndianiko uchandiudza kana baba vako vachinge vakupindura nehasha?
10ויאמר דוד אל יהונתן מי יגיד לי או מה יענך אביך קשה׃
11Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Hendei kusango. Ivo vakaenda vari vaviri kusango.
11ויאמר יהונתן אל דוד לכה ונצא השדה ויצאו שניהם השדה׃
12Zvino Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaave chapupu; kana ndabvunzisisa baba vangu nenguva ino mangwana, kana kuswera mangwana, kana ndikaona kuti vanomoyo wakanaka kuna Dhavhidhi, handingakutumiri shoko, ndikakuzivisa here?
12ויאמר יהונתן אל דוד יהוה אלהי ישראל כי אחקר את אבי כעת מחר השלשית והנה טוב אל דוד ולא אז אשלח אליך וגליתי את אזנך׃
13Jehovha ngaarove Jonatani, arambe achidaro, kana baba vangu vachinge vachida kukuitira zvakaipa, ini ndikasakuzivisa izvozvo, ndikakuendisa norugare, Jehovha ngaave newe, sezvaaiva nababa vangu.
13כה יעשה יהוה ליהונתן וכה יסיף כי ייטב אל אבי את הרעה עליך וגליתי את אזנך ושלחתיך והלכת לשלום ויהי יהוה עמך כאשר היה עם אבי׃
14Newewo undiitire tsitsi dzaJehovha ndichiri mupenyu, ndirege kufa,
14ולא אם עודני חי ולא תעשה עמדי חסד יהוה ולא אמות׃
15uye usabvisa tsitsi dzako kuna veimba yangu nokusingaperi, kunyange kana Jehovha abvisa vavengi vaDhavhidhi, mumwe nomumwe panyika yose.
15ולא תכרת את חסדך מעם ביתי עד עולם ולא בהכרת יהוה את איבי דוד איש מעל פני האדמה׃
16Naizvozvo Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, akati, Jehovha ngaazvitsvake kumaoko avavengi vaDhavhidhi
16ויכרת יהונתן עם בית דוד ובקש יהוה מיד איבי דוד׃
17Naizvozvo akapikisa Dhavhidhizve norudo rwake kwaari, nekuti wakange achimuda sezvaakada moyo wake.
17ויוסף יהונתן להשביע את דוד באהבתו אתו כי אהבת נפשו אהבו׃
18Zvino Jonatani akati kwaari, Mangwana mwedzi wogara; iwe uchashaikwa, nekuti chigaro chako chichashaiwa munhu.
18ויאמר לו יהונתן מחר חדש ונפקדת כי יפקד מושבך׃
19Kana wagara mazuva matatu, unofanira kukurumidza kuburukira kunzvimbo iya pawakavanda musi watakataurirana pamusoro peshoko riya, ugogara pabwe rinonzi Ezeri.
19ושלשת תרד מאד ובאת אל המקום אשר נסתרת שם ביום המעשה וישבת אצל האבן האזל׃
20Zvino ini ndichaposha miseve mitatu kurutivi rwaro, ndichiita sendinoposhera chinhu chakatimikwa.
20ואני שלשת החצים צדה אורה לשלח לי למטרה׃
21Ipapo, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti, Enda undotsvaka miseve. Kana ndikati kumukomana, Tarira miseve iri nechokuno kwako, uya nayo, ipapo ungauya hako, nekuti kunorugare kwauri, hakuna mhosva, naJehovha mupenyu.
21והנה אשלח את הנער לך מצא את החצים אם אמר אמר לנער הנה החצים ממך והנה קחנו ובאה כי שלום לך ואין דבר חי יהוה׃
22Asi kana ndikati kumukomana, Tarira, miseve iri mberi kwako, ipapo uende hako, nekuti Jehovha wakuendisa.
22ואם כה אמר לעלם הנה החצים ממך והלאה לך כי שלחך יהוה׃
23Kana riri shoko ratakataurirana pamusoro paro iwe neni, tarira Jehovha uri pakati pako neni nokusingaperi.
23והדבר אשר דברנו אני ואתה הנה יהוה ביני ובינך עד עולם׃
24Naizvozvo Dhavhidhi akandovanda musango; zvino mwedzi wakati wagara, mambo akagara pakudya kuti adye.
24ויסתר דוד בשדה ויהי החדש וישב המלך על הלחם לאכול׃
25Mambo akagara pachigaro chake, sapanguva dzose, pachigaro chaiva pamadziro, Jonatani akasimuka, Abhineri akagara parutivi rwaSauro; asi chigaro chaDhavhidhi chakashaiwa munhu.
25וישב המלך על מושבו כפעם בפעם אל מושב הקיר ויקם יהונתן וישב אבנר מצד שאול ויפקד מקום דוד׃
26Asi Sauro haana kutaura chinhu musi iwoyo; nekuti wakati, zvimwe wawirwa nechinhu, zvimwe haana kunaka, zvirokwazvo haana kunaka.
26ולא דבר שאול מאומה ביום ההוא כי אמר מקרה הוא בלתי טהור הוא כי לא טהור׃
27Zvino pazuva rakatevera kugara komwedzi, pazuva rechipiri, chigaro chaDhavhidhi chakashaiwazve munhu; ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, Mwanakomana waJese wakaregereiko kuuya kuzodya zuro kana nhasi?
27ויהי ממחרת החדש השני ויפקד מקום דוד ויאמר שאול אל יהונתן בנו מדוע לא בא בן ישי גם תמול גם היום אל הלחם׃
28Jonatani akapindura Sauro akati, Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri kuti aende Bheterehemu,
28ויען יהונתן את שאול נשאל נשאל דוד מעמדי עד בית לחם׃
29akati, Nditenderewo ndiende, nekuti veimba yedu vanobayira muguta; mukuru wangu wakandiraira kuti ndivepo; zvino kana uchifara nazvo, nditendere hako ndiende kundoshanyira hama dzangu. Naizvozvo haana kuuya patafura yamambo.
29ויאמר שלחני נא כי זבח משפחה לנו בעיר והוא צוה לי אחי ועתה אם מצאתי חן בעיניך אמלטה נא ואראה את אחי על כן לא בא אל שלחן המלך׃
30Ipapo Sauro akatsamwira Jonatani, akati kwaari, Iwe mwanakomana womukadzi usinganzwi, wakapanduka, handizivi kanhi kuti wakatsaura mwanakomana waJese unyadzwe iwe, namai vako vanyadzwewo?
30ויחר אף שאול ביהונתן ויאמר לו בן נעות המרדות הלוא ידעתי כי בחר אתה לבן ישי לבשתך ולבשת ערות אמך׃
31Nekuti iwe haungasimbiswi noushe hwako, kana mwanakomana waJese achiri mupenyu panyika. Naizvozvo zvino chituma munhu auye naye kwandiri, nekuti zvirokwazvo unofanira kufa.
31כי כל הימים אשר בן ישי חי על האדמה לא תכון אתה ומלכותך ועתה שלח וקח אתו אלי כי בן מות הוא׃
32Jonatani akapindura Sauro baba vake, akati kwavari, Ko unofanira kuurayirwei? Waiteiko?
32ויען יהונתן את שאול אביו ויאמר אליו למה יומת מה עשה׃
33Ipapo Sauro akaposha pfumo .rake kwaari, achida kumubaya. Naizvozvo Jonatani wakaziva kuti baba vake vakagara vafunga kuuraya Dhavhidhi.
33ויטל שאול את החנית עליו להכתו וידע יהונתן כי כלה היא מעם אביו להמית את דוד׃
34Naizvozvo Jonatani akasimuka patafura, atsamwa kwazvo, akasadya zvokudya nomusi wechipiri womwedzi; nekuti wakange ane shungu pamoyo pamusoro paDhavhidhi, nekuti wakange anyadzwa nababa vake.
34ויקם יהונתן מעם השלחן בחרי אף ולא אכל ביום החדש השני לחם כי נעצב אל דוד כי הכלמו אביו׃
35Zvino fume mangwana Jonatani akaenda kusango nenguva yakanga yatarwa naDhavhidhi, anomukomana muduku.
35ויהי בבקר ויצא יהונתן השדה למועד דוד ונער קטן עמו׃
36Akati kumukomana wake, Mhanya utsvake miseve yandinoposha. Ipapo mukomana wakati achimhanya, iye akaposha museve mberi kwake.
36ויאמר לנערו רץ מצא נא את החצים אשר אנכי מורה הנער רץ והוא ירה החצי להעברו׃
37Zvino mukomana wakati achisvika pakanga paposhwa museve naJonatani. Jonatani akadanidzira kumukomana, akati, Ko museve hausi mberi kwako here?
37ויבא הנער עד מקום החצי אשר ירה יהונתן ויקרא יהונתן אחרי הנער ויאמר הלוא החצי ממך והלאה׃
38Jonatani akadanidzirazve kumukomana akati, Kasira, kurumidza, usamira. Mukomana waJonatani akanonga miseve, akauya nayo kuna tenzi wake.
38ויקרא יהונתן אחרי הנער מהרה חושה אל תעמד וילקט נער יהונתן את החצי ויבא אל אדניו׃
39Asi mukomana haana kuziva chinhu; asi Jonatani naDhavhidhi voga ndivo vakaziva shoko iro.
39והנער לא ידע מאומה אך יהונתן ודוד ידעו את הדבר׃
40Zvino Jonatani akapa mukomana nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwaari, Enda nadzo undodziisa kuguta.
40ויתן יהונתן את כליו אל הנער אשר לו ויאמר לו לך הביא העיר׃
41Mukomana wakati aenda, Dhavhidhi akasimuka kurutivi rwezasi, akawira pasi nechiso chake, akakotama katatu, vakatsvodana, vakachema vose, kusvikira Dhavhidhi anyanya kwazvo.
41הנער בא ודוד קם מאצל הנגב ויפל לאפיו ארצה וישתחו שלש פעמים וישקו איש את רעהו ויבכו איש את רעהו עד דוד הגדיל׃
42Jonatani akati kuna Dhavhidhi, Enda hako norugare, nekuti takapika tose nezita raJehovha tichiti, Jehovha uchava pakati pangu newe, napakati pavana vangu navako nokusingaperi. Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.
42ויאמר יהונתן לדוד לך לשלום אשר נשבענו שנינו אנחנו בשם יהוה לאמר יהוה יהיה ביני ובינך ובין זרעי ובין זרעך עד עולם ויקם וילך ויהונתן בא העיר׃