Shona

Hebrew: Modern

1 Thessalonians

1

1Pauro naSivhano naTimotio, kukereke yevaTesaronika muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu:
1פולוס וסלונוס וטימותיוס אל קהלת התסלוניקים באלהים האב ובאדון ישוע המשיח חסד לכם ושלום מאת אלהים אבינו ואדנינו ישוע המשיח׃
2Tinovonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu mose, tichikudomai muminyengetero yedu,
2נודה לאלהים על כלכם בכל עת בהזכיר אתכם בתפלותינו׃
3tichirangarira pasina kumira basa renyu rerutendo nebasa rinorema rerudo nekutsungirira kwetariro muna Ishe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari naBaba vedu;
3בזכרנו תמיד לפני האלהים אבינו את פעל אמונתכם ויגיעת אהבתכם וסבלנות תקותכם לאדנינו ישוע המשיח׃
4tichiziva, hama dzinodikamwa naMwari, kusanangurwa kwenyu;
4כי ידענו אחי חביבי האלהים את אשר נבחרתם׃
5Nekuti evhangeri yedu haina kuvuya kwamuri mushoko chete, asiwo musimba, nemuMweya Mutsvene, nemukuvimbisa kukuru; sezvamunoziva kuti takanga tiri vanhu vakadini pakati penyu nekuda kwenyu.
5באשר בשורתנו לא היתה לכם בדבור לבד כי גם בגבורה וברוח הקדש ובדעת נאמנה מאד כאשר ידעתם גם אתם את אשר היינו בתוככם למענכם׃
6nemwi makava vateveri vedu nevaIshe, magamuchira shoko mukutambudzika kukuru, nemufaro weMweya Mutsvene,
6ואתם הייתם הלכים בעקבותינו ובעקבות אדנינו בקבלכם את הדבר בתוך עני רב עם חדות רוח הקדש׃
7zvokuti makava muenzaniso kune vose vanotenda muMakedhonia neAkaya.
7עד היותכם מופת לכל המאמינים אשר במקדוניא ובאכיא׃
8Nekuti kubva kwamuri kwakanzwikwa shoko raIshe, kwete kuMakedhonia neAkaya chete, asiwo kunzvimbo dzose rutendo rwenyu kuna Mwari rwakabudira kunzvimbo dzose; zvekuti hatifaniri kutaura chero chinhu.
8כי מאתכם נשמע קול דבר יהוה לא לבד במקדוניא ואכיא כי אם בכל מקום יצאה אמונתכם באלהים עד שאין לנו צרך לדבר דבר׃
9Nekuti ivo vamene vanoparidza pamusoro pedu, kuti takapinda nemutowo upi kwamuri; uye kuti makatendevukira kuna Mwari sei, muchibva pazvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi,
9כי פיהם המספר מה היה מבואנו אליכם ואיך פניתם מעבודת אלילים ושבתם לאלהים לעבד את אל חי ואמתי׃
10nekumirira Mwanakomana wake achibva kumatenga, waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu unotinunura pahasha dzinouya.
10ולחכות לבנו מן השמים אשר העירו מן המתים לישוע מצילנו מן החרון הבא׃