1Saka zvatakanga tisisagoni kutsunga, takati zvakanaka kuti tisiiwe tiri toga paAtene;
1ועל כן לא יכלנו עוד להתאפק ונועץ להותר לבדנו באתינס׃
2tikatuma Timotio hama yedu nemushumiri waMwari nemushandi pamwe nesu muevhangeri yaKristu, kuti akusimbisei, nekukunyaradzai parutendo rwenyu;
2ונשלח את טימותיוס אחינו ומשרת האלהים ועזרנו בבשורת המשיח לחזק ולהזהיר אתכם על דבר אמונתכם׃
3kuti kurege kuva neumwe unozununguswa nematambudziko awa, nekuti munoziva mumene kuti takagadzirwa izvozvi.
3שלא ימוט איש במצוקות האלה כי ידעתם אף אתם כי לזאת יעדנו׃
4Nekuti kunyange tichinemwi takagara takuudzai kuti tava kuzotambudzwa; kunyange sezvazvakaitika, nemwi munoziva.
4הלא כבד אמרנו אליכם בהיותנו אצלכם כי עתידים אנחנו להלחץ כאשר גם היה ואתם ידעתם׃
5Nekuda kwaizvozvi zvandakanga ndisingachagoni kutsunga, ndakamutuma kuti ndizive rutendo rwenyu, zvimwe neumwe mutowo muidzi wakakuidzai, basa redu rikava pasina.
5ובעבור כן לא יכלתי עוד להתאפק ואשלח לדעת אמונתכם כי אמרתי פן נסה אתכם המנסה והיתה לריק יגיעתנו׃
6Asi zvino Timotio wakati asvika kwatiri achibva kwamuri, akatipira mashoko akanaka erutendo rwenyu nerudo, uye kuti mune murangariro wakanaka pamusoro pedu nguva dzose muchishuva zvikuru kutiona isu, sesuwo imwi;
6ועתה כשוב אלינו טימותיוס מאתכם ויבשר אתנו את בשורת אמונתכם ואהבתכם ואת אשר אתם זכרים אתנו לטובה בכל עת ונכספים לראות אתנו כאשר גם אנחנו נכספים לכם׃
7nekuda kwezvizvi, takanyaradzwa, hama, pamusoro penyu pakutambudzika kwedu kose nenhamo nerutendo rwenyu;
7אז נחמנו עליכם אחי בכל צרתנו ולחצנו על ידי אמונתכם׃
8Nekuti ikozvino tinorarama, kana imwi mumire makasimba muna Ishe.
8כי עתה נחיה אם תעמדו אתם באדנינו׃
9Nekuti kuvonga kwakadini kwatingaripira kuna Mwari pamusoro penyu, nemufaro wose watinofara nawo nekuda kwenyu pamberi paMwari wedu?
9כי מה נשיב לאלהים להודות לו בעבורכם על כל השמחה אשר שמחנו עליכם לפני אלהינו׃
10Siku nesikati tichikumbira zvikuru kuti tione chiso chenyu, tizadzise zvakataira parutendo rwenyu?
10לילה ויומם מפילים אנחנו תחנתנו לראות את פניכם ולהשלים את מחסרי אמונתכם׃
11Zvino iye Mwari pachake naBaba vedu naIshe wedu Jesu Kristu, ngaaruramisire nzira yedu kwamuri;
11והוא האלהים אבינו ואדנינו ישוע המשיח יישר את דרכנו אליכם׃
12uye ishe akukurisei nekukuwanzirai rudo umwe kune umwe nekune vose, sesu kwamuri,
12ואתכם ירבה ויותיר האדון לאהבה איש את רעהו ולאהבה כל אדם כאשר גם אנחנו אהבים אתכם׃
13kuti asimbise moyo yenyu isamhurika pautsvene pamberi paMwari, uye Baba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu pamwe nevatsvene vake vose.
13ויכונן את לבבכם להיות תמים בקדשה לפני אלהינו אבינו בבוא ישוע המשיח אדנינו עם כל קדשיו׃