1Usajinyura mukuru, asi umugamuchire sababa, vaduku sevanin'ina,
1אל תגער בזקן כי אם תזהירנו כאב לך ואת הצעירים כאחים׃
2vakadzi vakuru sanamai, vaduku sehanzvadzi neutsvene hwose.
2את הזקנות כאמות ואת הצעירות כאחיות ובכל טהרה׃
3Kudza chirikadzi dziri chirikadzi zvirokwazvo.
3כבד את האלמנות אשר באמת אלמנות הנה׃
4Asi kana chero chirikadzi ipi ine vana kana vazukuru, ngavatange ivo kudzidza rukudzo kumba, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo nekuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari.
4וכי יהיו לאלמנה בנים או בני בנים הם ילמדו לראשונה לעשות חסד עם ביתם ולשלם גמול לאבותם כי זה הוא טוב ורצוי לפני האלהים׃
5Zvino uyo uri chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwa yoga, inovimba naMwari, inogara pamikumbiro neminyengetero siku nesikati.
5אבל האלמנה באמת אשר נשארה יחידה שמה אלהים מבטחה ומתמדת בתפלות ובתחנות לילה ויומם׃
6Asi iyo inoraramira kuzvifadza yakafa ichiri mhenyu.
6אך המענגה מתה היא בחייה׃
7Uye raira zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.
7וזאת תצוה למען תהיינה בלא דפי׃
8Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuru veimba yake, waramba kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.
8אבל מי שלא יפרנס את קרוביו וביותר את בני ביתו כפר באמונה והוא גרוע מאשר איננו מאמין׃
9Chirikadzi ngairege kuverengwa iri pasi pemakore makumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe,
9אלמנה אל תבחר זולתי בת ששים שנה ואשר היתה אשת איש אחד׃
10inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yaigamuchira vaeni, kana yaishambidza tsoka dzevatsvene, kana yaibatsira vari mumatambudziko, kana yaichenjerera mabasa ose akanaka.
10ויש לה עדות על מעשיה הטובים שגדלה בנים והכניסה ארחים ירחצה את רגלי הקדשים ותמכה את העשוקים ורדפה כל מעשה טוב׃
11Asi chirikadzi duku urambe, nekuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa;
11אבל האלמנות הצעירות אל תקבל כי בהטות יצרן את לבן מן המשיח חשקות הן להיות לאיש׃
12dzava nemhosva, nekuti dzarasa rutendo rwadzo rwekutanga;
12ודינן עליהן כי בגדו באמונתן הראשונה׃
13uye ipapo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzizi simbe chete, asi vaitiwo vemakuhwa, vashereketi, vachitaura zvavasingafaniri.
13ועוד בהיותן עצלות למדו לשוטט מבית לבית ולא לבד עצלות כי אף מפטפטות ורדפות אחר חדשות ומדברות את אשר לא יתכן׃
14Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekupomera nawo.
14על כן רצוני כי הצעירות תהיינה לאיש ללדת בנים ולהנהיג את בתיהן ולא לתת לאיב תאנה לחרף׃
15Nekuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.
15כי יש מהן אשר כבר סרו אחרי השטן׃
16Kana murume upi neupi kana mukadzi unotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, kereke irege kuremedzwa, kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.
16בן אמונה או בת אמונה שיש להם אלמנות יעזרו אתן ולא תהיינה למשא על הקהל כדי שיוכל להספיק לאלה אשר הנה אלמנות באמת׃
17Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengerwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko nepadzidziso.
17הזקנים המיטיבים לנהל ראוים הם למשנה כבוד וביותר העמלים בדבר ובהוראה׃
18Nekuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake.
18כי הכתוב אמר לא תחסם שור בדישו ועוד נאמר הפעל שוה בשכרו׃
19Usangogamuchira mhaka inopomerwa mukuru, kunze kwemberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu.
19אל תקבל שטנה על הזקן בלתי אם על פי שנים או שלשה עדים׃
20Vanotadza uvatsiure pamberi pevose, kuti vamwewo vave nekutya.
20את החטאים תוכיח בפני כל למען ייראו גם האחרים׃
21Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, kana kuita chinhu uchitsaura vanhu.
21הנני מעיד בך נגד האלהים ואדנינו ישוע המשיח ונגד בחירי המלאכים אשר שמור תשמר את זאת בלי משפט נמהר ולא תעשה דבר במשא פנים׃
22Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete uri mutsvene.
22אל תהי נמהר בסמיכת ידיך על אדם ולא תשתתף לחטאת אחרים שמר את נפשך בטהרה׃
23Usachiramba uchingomwa mvura, asi ushandise waini shoma nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji.
23אל תרבה לשתות עוד מים כי אם קח מעט יין בעבור בטנך ואשר פעמים רבות חלה אתה׃
24Zvivi zvevamwe vanhu zvinogara zvaonekwa pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvavamwe zvichitevera,
24יש בני אדם אשר חטאתיהם גלויות ומקדימות לדין ויש מהם אשר הנה הלכות אחריהם׃
25Saizvozvowo mabasa akanaka anogara aonekwa pachena, neasina kudaro haangavanzwi.
25וככה גם המעשים הטובים גלוים המה ואשר אינם כן לא יוכלו להסתר׃