1Zvino Jehoshafati mambo waJudha akadzokera norugare kumusha kwake paJerusaremu.
1וישב יהושפט מלך יהודה אל ביתו בשלום לירושלם׃
2Ipapo Jehu mwanakomana womuoni Hanani akaenda kundosangana naye, akati kuna mambo Jehoshafati, Zvakanaka kubatsira vakaipa, nokuda vanovenga Jehovha here? Nokuda kwechinhu ichi Jehovha akutsamwirai.
2ויצא אל פניו יהוא בן חנני החזה ויאמר אל המלך יהושפט הלרשע לעזר ולשנאי יהוה תאהב ובזאת עליך קצף מלפני יהוה׃
3Kunyange zvakadaro, zvimwe zvinhu zvakanaka zvakawanikwa kwamuri, nekuti makabvisa Asheroti panyika, mukatsvaka Mwari nomoyo wose.
3אבל דברים טובים נמצאו עמך כי בערת האשרות מן הארץ והכינות לבבך לדרש האלהים׃
4Jehoshafati akagara paJerusaremu, akabudazve pakati pavanhu kubva paBheerishebha kusvikira kunyika yamakomo yaEfuremu, akavadzoserazve kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo.
4וישב יהושפט בירושלם וישב ויצא בעם מבאר שבע עד הר אפרים וישיבם אל יהוה אלהי אבותיהם׃
5Akagadza vatongi panyika pamaguta ose akakombwa aJudha, guta rimwe nerimwe;
5ויעמד שפטים בארץ בכל ערי יהודה הבצרות לעיר ועיר׃
6akati kuvatongi, Chenjerai zvamunoita; nekuti hamutongeri vanhu imwi asi Jehovha; iye anemi pakutonga kwenyu.
6ויאמר אל השפטים ראו מה אתם עשים כי לא לאדם תשפטו כי ליהוה ועמכם בדבר משפט׃
7Naizvozvo zvino kutya Jehovha ngakuve nemi; chenjerai, muzviite, nekuti kuna Jehovha Mwari wedu hakune zvakaipa, kana kutsaura vanhu, kana kugamuchira fufuro.
7ועתה יהי פחד יהוה עליכם שמרו ועשו כי אין עם יהוה אלהינו עולה ומשא פנים ומקח שחד׃
8Jehoshafati akaisawo paJerusaremu vamwe vaRevhi navapristi, navakuru vedzimba dzamadzibaba aIsiraeri, kuzotonga zvinhu zvaJehovha nemhaka dzenharo. Ipapo vakadzokera Jerusaremu.
8וגם בירושלם העמיד יהושפט מן הלוים והכהנים ומראשי האבות לישראל למשפט יהוה ולריב וישבו ירושלם׃
9Akavaraira, achiti, Ndizvo zvamunofanira kuita muchitya Jehovha, makatendeka, mune moyo yakarurama.
9ויצו עליהם לאמר כה תעשון ביראת יהוה באמונה ובלבב שלם׃
10Zvino kana mhaka yenharo ikasvika kwamuri ichibva kuhama dzenyu dzigere pamaguta avo, kana riri shoko rokuurayana, kana romurau kana murayiro, kana zvakatemwa kana zvakatongwa, munofanira kuvanyevera kuti varege kupara mhaka pana Jehovha, kuti murege kutsamwirwa imwi nehama dzenyu; itai izvozvo, mugorega kuva nemhosva.
10וכל ריב אשר יבוא עליכם מאחיכם הישבים בעריהם בין דם לדם בין תורה למצוה לחקים ולמשפטים והזהרתם אתם ולא יאשמו ליהוה והיה קצף עליכם ועל אחיכם כה תעשון ולא תאשמו׃
11Zvino tarirai, Amaria mupristi mukuru achakurairai pashoko roga roga raJehovha; naZebhadhia mwanakomana waIshimaeri, mutariri weimba yaJudha, pamashoko ose amambo; navaRevhi vachava vatariri venyu. Itai nesimba, Jehovha ave navakanaka.
11והנה אמריהו כהן הראש עליכם לכל דבר יהוה וזבדיהו בן ישמעאל הנגיד לבית יהודה לכל דבר המלך ושטרים הלוים לפניכם חזקו ועשו ויהי יהוה עם הטוב׃