Shona

Hebrew: Modern

2 Chronicles

6

1Ipapo Soromoni akati, Jehovha akati, ndinoda kugara mukati merima guru.
1אז אמר שלמה יהוה אמר לשכון בערפל׃
2Asi ndakakuvakirai imba pamungagara, nenzvimbo yamungagara nokusingaperi.
2ואני בניתי בית זבל לך ומכון לשבתך עולמים׃
3Zvino mambo akatendeudza chiso chake, akaropafadza ungano yose yaIsiraeri; ungano yose yaIsiraeri ikasimuka.
3ויסב המלך את פניו ויברך את כל קהל ישראל וכל קהל ישראל עומד׃
4Akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye akataura nomuromo wake naDhavhidhi baba vangu, akazvizadzisa noruoko rwake, achiti,
4ויאמר ברוך יהוה אלהי ישראל אשר דבר בפיו את דויד אבי ובידיו מלא לאמר׃
5Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsiraeri paEgipita, handina kutsaura guta rimwe pamarudzi ose aIsiraeri, pavangandivakira imba, kuti zita rangu rigarepo; uye handina kutsaura munhu mumwe ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri;
5מן היום אשר הוצאתי את עמי מארץ מצרים לא בחרתי בעיר מכל שבטי ישראל לבנות בית להיות שמי שם ולא בחרתי באיש להיות נגיד על עמי ישראל׃
6asi ndakatsaura Jerusaremu, kuti zita rangu rigarepo; uye ndakatsaura Dhavhidhi kuti abate vanhu vangu vaIsiraeri.
6ואבחר בירושלם להיות שמי שם ואבחר בדויד להיות על עמי ישראל׃
7Zvino Dhavhidhi baba vangu vakanga vachida kuvakira zita raJehovha Mwari waIsiraeri imba.
7ויהי עם לבב דויד אבי לבנות בית לשם יהוה אלהי ישראל׃
8Asi Jehovha akati kuna Dhavhidhi baba vangu, Wakaita zvakanaka, zvawakanga uchida kuvakira zita rangu imba;
8ויאמר יהוה אל דויד אבי יען אשר היה עם לבבך לבנות בית לשמי הטיבות כי היה עם לבבך׃
9kunyange zvakadaro iwe haungavaki imba iyo; asi mwanakomana wako wauchabereka, ndiye achavakira zita rangu imba.
9רק אתה לא תבנה הבית כי בנך היוצא מחלציך הוא יבנה הבית לשמי׃
10Zvino Jehovha akaita shoko rake raakataura, nekuti ini ndamuka panzvimbo yaDhavhidhi baba vangu, ndikagara pachigaro choushe chalsiraeri, sezvakapika Jehovha, ndikavakira zita raJehovha Mwari walsiraeri imba.
10ויקם יהוה את דברו אשר דבר ואקום תחת דויד אבי ואשב על כסא ישראל כאשר דבר יהוה ואבנה הבית לשם יהוה אלהי ישראל׃
11Imomo ndakaisa areka, mune sungano yaJehovha, yaakaita navana vaIsiraeri.
11ואשים שם את הארון אשר שם ברית יהוה אשר כרת עם בני ישראל׃
12Akamira pamberi pearitari yaJehovha, pamberi peungano yose yalsiraeri, akatambanudza maoko ake;
12ויעמד לפני מזבח יהוה נגד כל קהל ישראל ויפרש כפיו׃
13(nokuti Soromoni akanga aita nendarira pokumira pakakwirira, kureba kwapo kwakasvika makubhiti mashanu, noupamhi makubhiti mashanu, nokukwirira makubhiti matatu, akazviisa pakati poruvazhe; akamira pamusoro pazvo, akapfugama pamberi peungano yose yaIsiraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga;)
13כי עשה שלמה כיור נחשת ויתנהו בתוך העזרה חמש אמות ארכו וחמש אמות רחבו ואמות שלוש קומתו ויעמד עליו ויברך על ברכיו נגד כל קהל ישראל ויפרש כפיו השמימה׃
14akati, Jehovha Mwari waIsiraeri, hakuna mumwe Mwari akafanana nemwi kudenga kumusoro kana panyika pasi; munorangarira sungano nenyasha kuvaranda venyu, vanofamba pamberi penyu nomoyo wavo wose.
14ויאמר יהוה אלהי ישראל אין כמוך אלהים בשמים ובארץ שמר הברית והחסד לעבדיך ההלכים לפניך בכל לבם׃
15imwi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira; mukataura nomuromo wenyu, mukazviita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.
15אשר שמרת לעבדך דויד אבי את אשר דברת לו ותדבר בפיך ובידך מלאת כיום הזה׃
16Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, itirai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu, sezvamakamupikira, muchiti, Hakungashaiwi munhu achagara pachigaro choushe chaIsiraeri pamberi pangu, kana vana vako vakangwarira kufamba kwavo, vakafamba pamberi pangu sezvawakafamba iwe pamberi pangu.
16ועתה יהוה אלהי ישראל שמר לעבדך דויד אבי את אשר דברת לו לאמר לא יכרת לך איש מלפני יושב על כסא ישראל רק אם ישמרו בניך את דרכם ללכת בתורתי כאשר הלכת לפני׃
17Naizvozvo zvino, Jehovha Mwari waIsiraeri, shoko renyu ngariitike, iro ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.
17ועתה יהוה אלהי ישראל יאמן דברך אשר דברת לעבדך לדויד׃
18Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!
18כי האמנם ישב אלהים את האדם על הארץ הנה שמים ושמי השמים לא יכלכלוך אף כי הבית הזה אשר בניתי׃
19Kunyange zvakadaro, ivai nehanya nomunyengetero womuranda wenyu, nokukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, munzwe kudanidzira nokunyengetera komuranda wenyu, kwaanonyengetera pamberi penyu nhasi.
19ופנית אל תפלת עבדך ואל תחנתו יהוה אלהי לשמע אל הרנה ואל התפלה אשר עבדך מתפלל לפניך׃
20Meso enyu ngaarambe achirindira imba ino masikati nousiku, nzvimbo iyi yamakataura pamusoro payo, muchiti, muchagarisa zita renyupo; inzwai munyengetero womuranda wenyu waanozonyengetera akatarira kunzvimbo ino.
20להיות עיניך פתחות אל הבית הזה יומם ולילה אל המקום אשר אמרת לשום שמך שם לשמוע אל התפלה אשר יתפלל עבדך אל המקום הזה׃
21Munzwe kukumbira komuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsiraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo iyi; donzwai iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakangamwire henyu.
21ושמעת אל תחנוני עבדך ועמך ישראל אשר יתפללו אל המקום הזה ואתה תשמע ממקום שבתך מן השמים ושמעת וסלחת׃
22Kana munhu achinge atadzira waanogara naye, akapikiswa mhiko, akauya akapika pamberi pearitari yenyu muimba ino;
22אם יחטא איש לרעהו ונשא בו אלה להאלתו ובא אלה לפני מזבחך בבית הזה׃
23inzwai iko kudenga, muite mururamisire varanda venyu, mupe akaipa mhosva, arobwe pamusoro pomufambiro wake; asi mururamisire akarurama, apiwe zvakafanira kururama kwake.
23ואתה תשמע מן השמים ועשית ושפטת את עבדיך להשיב לרשע לתת דרכו בראשו ולהצדיק צדיק לתת לו כצדקתו׃
24Kana vanhu venyu vaIsiraeri vachinge vakundwa navavengi vavo, nemhaka yokuti vakakutadzirai; kana vakadzokerazve kwamuri, vakatenda zita renyu, vakanyengetera kwamuri nokukumbira muimba ino;
24ואם ינגף עמך ישראל לפני אויב כי יחטאו לך ושבו והודו את שמך והתפללו והתחננו לפניך בבית הזה׃
25inzwai iko kudenga, mukangamwire zvivi zvavanhu venyu vaIsiraeri, muvadzoserezve kunyika yamakavapa ivo madzibaba avo.
25ואתה תשמע מן השמים וסלחת לחטאת עמך ישראל והשיבותם אל האדמה אשר נתתה להם ולאבתיהם׃
26Kana kudenga kuchinge kwazarirwa, mvura ikasanaya nemhaka yokuti vakakutadzirai; kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vatendeuka pazvivi zvavo, nekuti munenge mavarova;
26בהעצר השמים ולא יהיה מטר כי יחטאו לך והתפללו אל המקום הזה והודו את שמך מחטאתם ישובון כי תענם׃
27inzwai iko kudenga, mukangamwire zvivi zvavaranda venyu, nezvavanhu venyu vaIsiraeri, nekuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo; munise mvura panyika iyo yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
27ואתה תשמע השמים וסלחת לחטאת עבדיך ועמך ישראל כי תורם אל הדרך הטובה אשר ילכו בה ונתתה מטר על ארצך אשר נתתה לעמך לנחלה׃
28Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunje nokuvhuvha zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika inamaguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo.
28רעב כי יהיה בארץ דבר כי יהיה שדפון וירקון ארבה וחסיל כי יהיה כי יצר לו אויביו בארץ שעריו כל נגע וכל מחלה׃
29Kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose valsiraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamoyo wake kana kuchema kwake, akatambanudzira maoko ake kuimba ino;
29כל תפלה כל תחנה אשר יהיה לכל האדם ולכל עמך ישראל אשר ידעו איש נגעו ומכאבו ופרש כפיו אל הבית הזה׃
30inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, mukangamwire muripire mumwe nomumwe zvakafanira mafambiro ake ose, iye wamunoziva moyo wake; (nokuti imi, imwi moga, ndimi munoziva moyo yavana vavanhu vose;)
30ואתה תשמע מן השמים מכון שבתך וסלחת ונתתה לאיש ככל דרכיו אשר תדע את לבבו כי אתה לבדך ידעת את לבב בני האדם׃
31kuti vakutyei, vafambe munzira dzenyu, nguva yose yavanogara panyika yamakapa madzibaba edu.
31למען ייראוך ללכת בדרכיך כל הימים אשר הם חיים על פני האדמה אשר נתתה לאבתינו׃
32Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsiraeri, kana akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru, noruoko rwenyu rune simba, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa; kana akauya akanyengetera akatarira kuimba ino.
32וגם אל הנכרי אשר לא מעמך ישראל הוא ובא מארץ רחוקה למען שמך הגדול וידך החזקה וזרועך הנטויה ובאו והתפללו אל הבית הזה׃
33Inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose zvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsiraeri, vazive kuti imba ino yandakavaka yakatumidzwa zita renyu.
33ואתה תשמע מן השמים ממכון שבתך ועשית ככל אשר יקרא אליך הנכרי למען ידעו כל עמי הארץ את שמך וליראה אתך כעמך ישראל ולדעת כי שמך נקרא על הבית הזה אשר בניתי׃
34Kana vanhu venyu vakandorwa navavengi vavo, vakaenda nenzira ipi neipi yamuchavatuma nayo, vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakatsaura, nokuimba yandakavakira zita renyu;
34כי יצא עמך למלחמה על אויביו בדרך אשר תשלחם והתפללו אליך דרך העיר הזאת אשר בחרת בה והבית אשר בניתי לשמך׃
35inzwai henyu iko kudenga kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire.
35ושמעת מן השמים את תפלתם ואת תחנתם ועשית משפטם׃
36Kana vakakutadzirai (nokuti hakuna munhu asingatadzi), mukavatsamwira, mukavaisa kuvavengi vavo, vakatapwa kunyika yavavengi vavo, kana kure kana pedo.
36כי יחטאו לך כי אין אדם אשר לא יחטא ואנפת בם ונתתם לפני אויב ושבום שוביהם אל ארץ רחוקה או קרובה׃
37Kana vakazozvifunga panyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri panyika yokutapwa kwavo, vakati, Tatadza, taita zvakaipa, taita zvisakarurama;
37והשיבו אל לבבם בארץ אשר נשבו שם ושבו והתחננו אליך בארץ שבים לאמר חטאנו העוינו ורשענו׃
38kana vakadzokerazve kwamuri nomoyo wavo wose, nomweya wose, panyika yokutapwa kwavo, kwavakatapirwa, vakanyengetera vakatarira kunyika yavo, yamakapa madzibaba avo, nokuguta ramakatsaura imwi, nokuimba yandakavakira zita renyu;
38ושבו אליך בכל לבם ובכל נפשם בארץ שבים אשר שבו אתם והתפללו דרך ארצם אשר נתתה לאבותם והעיר אשר בחרת ולבית אשר בניתי לשמך׃
39inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, kunyengetera kwavo nokukumbira kwavo, muvaruramisire; mukangamwire vanhu venyu vakakutadzirai.
39ושמעת מן השמים ממכון שבתך את תפלתם ואת תחנתיהם ועשית משפטם וסלחת לעמך אשר חטאו לך׃
40Zvino Mwari wangu, meso enyu ngaasvinure, nenzeve dzenyu ngadziteerere zvakanaka munyengetero unonyengeterwa munzvimbo ino.
40עתה אלהי יהיו נא עיניך פתחות ואזניך קשבות לתפלת המקום הזה׃
41Naizvozvo zvino simukai, Jehovha Mwari, mupinde munzvimbo yenyu yokuzorora, neareka yesimba renyu; vapristi venyu, Jehovha Mwari, ngavafukidzwe noruponeso, navatsvene venyu ngavafarire zvakanaka.
41ועתה קומה יהוה אלהים לנוחך אתה וארון עזך כהניך יהוה אלהים ילבשו תשועה וחסידיך ישמחו בטוב׃
42Jehovha Mwari, musafuratira chiso chomuzodzwa wenyu; rangarirai mabasa akanaka aDhavhidhi muranda wenyu.
42יהוה אלהים אל תשב פני משיחיך זכרה לחסדי דויד עבדך׃