Shona

Hebrew: Modern

2 Corinthians

11

1Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi hwangu; asi nemwi zvirokwazvo munondiitira moyo murefu.
1אחלי תשאו מעט אולתי ואף אמנם תשאוני׃
2Nekuti ndine godo pamusoro penyu negodo reuMwari; nekuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzei semhandara yakachena kuna Mwari.
2כי מקנא אני לכם קנאת אלהים כי ארשתי אתכם לאיש אחד להעמיד אתכם בתולה טהורה לפני המשיח׃
3Asi ndinotya kuti zvimwe neimwe nzira nyoka sezvayakanyengera Eva nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa dzitsauke pakururama kuri muna Kristu.
3אך ירא אנכי פן כאשר השיא הנחש בערמתו את חוה כן תשטינה גם מחשבותיכם מן התמימות אשר עם המשיח׃
4Nekuti kana uyo unosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana kugamuchira mumwe mweya wamusina kugamuchira kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.
4כי אם יבא הבא והגיד לכם ישוע אחר אשר לא הגדנהו או אם תקחו רוח אחר אשר לא לקחתם אתו או בשורה אחרת אשר לא קבלתם אתה כי עתה היטב תשאהו׃
5Nekuti ndinoona ndisingatairi nepaduku kuvaapositori vakurusa.
5אולם אחשב אשר אינני נפל במאומה מהשליחים הגדולים כל כך׃
6Zvino kunyange ndisina kudzidza pakutaura, asi kwete paruzivo; asi takaratidzwa zvirokwazvo kwamuri muzvinhu zvose.
6ואף אם בער אנכי בדבור אינני בער בדעת כי אם בכל נגלינו אליכם בפני כל אדם׃
7Ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti mukudzwe, nekuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo?
7או החטא חטאתי בהשפילי את עצמי למען הגביהכם כי בשרתי אתכם בלא מחיר את בשורת האלהים׃
8Ndakapamba dzimwe kereke, ndichireva mibairo kuti ndikuyamurei.
8קהלות אחרות שלותי בקחתי מהן שכר למען אשרתכם ובהיותי עמכם ואחסר לא הלאיתי אדם׃
9Uye pandakanga ndiripo nemwi ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nekuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvose ndakachenjera kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndicharamba ndichichenjera.
9כי את מחסורי מלאו האחים בבאם ממקדוניא ובכל דבר נשמרתי מהיות לכם למשא וגם אשמר׃
10sezvo chokwadi chaKristu chiri mandiri, hakuna munhu ungandikonesa kuzvikudza kumatunhu eAkaya.
10באמתו של המשיח אשר בי מעיד אני בכם כי תהלתי זאת לא תכלא ממני בגלילות אכיא׃
11Nemhaka yei? Nekuti handikudiyi here? Mwari unoziva.
11על מה זה העל אשר אינני אהב אתכם האלהים יודע׃
12Asi chandinoita, icho ndichaita, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti mune izvo zvavanozvirumbidza nazvo vawanikwe vakaita sesu.
12אבל את אשר אני עשה אוסיף לעשות לבלתי תת מקום למבקשים עלילה למען במה שיתהללו בו ימצאו דומים לנו׃
13Nekuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu.
13כי אנשים כאלה שליחי שקר הם פעלי רמיה מתחפשים לשליחי המשיח׃
14Naizvozvo hazvishamisi; nekuti kunyange Satani amene unozvishandura kuva mutumwa wechiedza.
14ואיננו פלא הלא השטן גם הוא מתחפש למלאך האור׃
15Naizvozvo hachizi chinhu chikuru kana vashumiri vakevo vachizvishandura, sevashumiri vekururama; kuguma kwawo kuchaenderana nemabasa avo.
15לכן אין זה דבר גדול אם גם משרתיו יתחפשו למשרתי הצדק אשר אחריתם תהיה לפי מעלליהם׃
16Ndinotizve: Munhu ngaarege kufunga kuti ndiri benzi; kana zvakadaro, sebenzi ndigamuchirei, kuti ndizvirumbidze zvishoma.
16ואשוב ואמר אל נא יחשבני איש לסכל ואם אין אף כסכל קבלוני למען אתהלל מעט גם אני׃
17Izvo zvandinotaura, handizvitauri maererano naIshe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza.
17את אשר אדבר לא לפי דרך האדון אנכי מדבר כי אם כמו בסכלות אעז ואתהלל׃
18Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza.
18רבים מתהללים לפי הבשר לכן אתהלל אף אני׃
19Nekuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro, imwi muri vakachenjera;
19כי נשאים אתם ברצון את הסכלים בהיותכם חכמים׃
20Nekuti munoita moyo murefu kana munhu achikuisai muuranda, kana ani nani achikuparadzai, kana ani nani achikutapai, kana ani nani achizvikudza, kana ani nani achikurovai kumeso.
20הלא תשאו אם יעביד אתכם איש אם יבלע אם ילכד אתכם אם יתנשא אם יכה אתכם על פניכם׃
21Ndinoreva semaererano nekushoora, sezvinenge takanga tine utera. Zvino kana kune munhu une ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo.
21לחרפתנו אנכי אמר זאת כאלו היינו רפים אבל בכל אשר ירהב איש להתהלל בסכלות אמר זאת ארהב גם אנכי׃
22VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Vana vaAbhurahamu here? Neniwo.
22עברים הם כן גם אנכי ישראלים הם כן גם אנכי זרע אברהם הם כן גם אנכי׃
23Vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura semupengo), ndiri iye, zvikuru pamabasa ndinopamhidzira, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere kakadzokororwa, parufu kazhinji.
23משרתי המשיח הם כמתהולל אמר אנכי יותר מהם יותר ביגיעות יותר למאד במכות יותר במוסרות ורב פעמים במצוקות מות׃
24KuvaJudha ndakagamuchira kashanu, shamhu dzine makumi mana kusiya imwe.
24חמש פעמים ספגתי בידי היהודים ארבעים חסר אחת׃
25Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe usiku hwumwe nemasikati ndakange ndiri makadzika megungwa;
25שלש פעמים יסרתי בשוטים פעם אחת סקלתי ושלש פעמים נשברה לי הספינה ואהי במצולות ים לילה ויום׃
26panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi dzevekwangu, panjodzi dzevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
26במסעות רבות בסכנות נהרות בסכנות שדדים בסכנות מצד בני עמי בסכנות מצד הגוים סכנות בעיר סכנות במדבר סכנות בים סכנות בתוך אחי שקר׃
27pakuchama nepakurwadziwa, pakusavata kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama.
27בעמל ובתלאה בשקידות הרבה ברעב ובצמא בצומות הרבה בקר ובעירום׃
28kunze kwezvinhu izvi zviri panze, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nekurangarira kereke dzose.
28מלבד שאר הדברים הבאים עלי יום יום והדאגה לכל הקהלות׃
29Ndiani une utera, neni ndikasava neutera? Ndiani unogumburwa, neni ndikasatsva?
29מי יחלש ואני לא אחלש מי יכשל ולא יבער לבי׃
30Kana zvakafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zveutera hwangu.
30אם יש להתהלל אתהלל בחלשתי׃
31Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, unorumbidzwa kusvikira rinhi narinhi, unoziva kuti handirevi nhema.
31האלהים אבי ישוע המשיח אדנינו המברך לעולמי עולמים הוא ידע כי לא אשקר׃
32PaDhamasiko mutungamiriri waishe Areta wakarinda guta raveDhamasiko achitsvaka kundibata;
32בדמשק שמר הנצב של המלך ארטס את עיר הדמשקיין ויבקש לתפשני׃
33uye ndakaburuswa nepawindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikatiza pamaoko ake.
33ובעד החלון הורידו אתי בסל מעל החומה ואמלט מידיו׃