Shona

Hebrew: Modern

2 Corinthians

3

1Tinotangazve kuzvipupurira here? Tinotsvaka here, sevamwe tsamba dzekutipupurira kwamuri, kana dzokupupura kunobva kwamuri?
1הנחל עוד לשבח עצמנו האם נצטרך כמקצת אנשים לאגרות אליכם או מכם המזכירות אתנו לשבח׃
2Imwi muri tsamba yedu, yakanyorwa mumoyo yedu, inozikamwa nekuverengwa nevanhu vose;
2אתם אגרתנו הכתובה בלבבנו ונודעה ונקראה לכל אדם׃
3muchiratidza kuti muri tsamba yaKristu inoshumirwa nesu; yakanyorwa kwete neingi, asi neMweya waMwari mupenyu; kwete pamahwandefa emabwe, asi pamahwandefa enyama yemoyo.
3כי בידוע שאתם אגרת המשיח ערוכה על ידי שרותנו כתובה לא בדיו כי אם ברוח אלהים חיים ולא על לוחות אבן כי אם על לוחות בשר הלב׃
4Chivimbo chakadai tinacho kubudikidza naKristu kuna Mwari;
4וכזה בטחוננו באלהים על ידי המשיח׃
5kwete kuti tinozvikwanisa isu pachedu, kufunga pamusoro pechimwe chinhu pachedu, asi kukwaniswa kwedu kunobva kuna Mwari;
5יען אשר לא נוכל אנחנו לדין דין מעצמנו כי יכלתנו מאת האלהים היא׃
6iye wakatigonesa kuva vashumiri vesungano itsva, kwete yezvakanyorwa asi yeMweya; nekuti chakanyorwa chinouraya, asi Mweya unopa upenyu.
6אשר הכשיר אתנו למשרתי ברית חדשה לא של האותיות אלא של הרוח כי האות ימית והרוח יחיה׃
7Asi kana ushumiri hwekufa, pamashoko akavezwa pamabwe hwakasvikira mukubwinya, zvekuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMozisi nekuda kwekubwinya kwechiso chake kwakange kuchizopedzwa,
7ואם שרות המות החרות באותיות על האבן נראה בכבוד עד שלא יכלו בני ישראל להביט אל פני משה מפני כבוד פניו העמד להבטל׃
8ko kushumira kweMweya kungakona nei kubwinya zvikuru?
8כמה יגדל כבוד שרות הרוח׃
9Nekuti kana kushumira kwekupiwa mhosva kuri kubwinya, kushumira kwekururama kuchakunda zvikuru sei mukubwinya.
9כי אם השרות אשר לחיב כבוד הוא כמה יעדף בכבוד השרות אשר לזכות׃
10Nekuti kunyange naicho chakabwinyiswa hachina kubwinyiswa nenzira iyi nekuda kwekubwinya uku kwakanyanyisa.
10כי אף הנכבד איננו נחשב לכבוד לעמת הכבוד הנעלה הזה׃
11Nekuti kana icho chinopfuudzwa chaiva nekubwinya, zvikuru sei icho chinogara pakubwinya.
11כי אם הדבר העמד להבטל יש לו כבוד הדבר הקים על אחת כמה וכמה׃
12Zvatine tariro yakadai, tinoshandisa ushingi ukuru hwekutaura,
12על כן בהיות לנו תקוה כזאת פתחון פינו רב הוא׃
13uye kwete saMozisi waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopedzwa.
13ולא כמשה אשר נתן מסוה על פניו פן יביטו בני ישראל אל סוף העמד להבטל׃
14Asi fungwa dzavo dzakapofumadzwa, nekuti kusvikira zuva rino chifukidziro ichochi chichiripo chisina kubviswa pakuverengwa kwetesitamende yekare, chakapedzwa muna Kristu.
14אבל נטמטמו דעותיהם כי עד היום הזה בקראם הברית הישנה נשאר ולא גלה המסוה ההוא אשר לא יוסר כי אם במשיח׃
15Asi kunyange kusvikira zuva rino, kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chiri pamoyo wavo.
15אבל עד היום הזה בקראם את משה מונח מסוה על לבם׃
16Chero rinhi kana achidzokera kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa.
16וכשיפנו אל האדון יוסר המסוה׃
17Zvino Ishe ndiye Mweya uyo; uye pane Mweya waIshe pane rusununguko.
17והאדון הוא הרוח ובאשר רוח האדון שם החרות׃
18Asi isu tose nechiso chakashama tichitarisa sapachionioni kubwinya kwaIshe, tinoshandurirwa kumufananidzo iwoyo kubva pakubwinya kuenda pakubwinya, sezvinobva kuMweya waIshe
18ואנחנו כלנו בפנים מגלים ראים את כבוד האדון במראה ונחלף אל עצם דמות ההיא מכבוד אל כבוד כהחלף מאת אדון הרוח׃