Shona

Hebrew: Modern

2 Kings

10

1Zvino Ahabhi wakange ana vanakomana vana makumi manomwe paSamaria. Jehu akanyora tsamba, akadzitumira Samaria kuvabati veJezereeri, ivo vakuru, nokuvareri vavana vaAhabhi, akati,
1ולאחאב שבעים בנים בשמרון ויכתב יהוא ספרים וישלח שמרון אל שרי יזרעאל הזקנים ואל האמנים אחאב לאמר׃
2Zvino kana tsamba iyi ichisvika kwamuri, vanakomana vatenzi wangu zvavariko kwamuri, nengoro namabhiza zviriko kwamuri, neguta rakakombwa norusvingo, nenhumbi dzokurwa nadzo;
2ועתה כבא הספר הזה אליכם ואתכם בני אדניכם ואתכם הרכב והסוסים ועיר מבצר והנשק׃
3chizvitsaurirai mwanakomana watenzi wenyu wakaisvonaka wakakwana kukunda vamwe, mumugadze pachigaro choushe chababa vake, murwire imba yatenzi wenyu.
3וראיתם הטוב והישר מבני אדניכם ושמתם על כסא אביו והלחמו על בית אדניכם׃
4Asi ivo vakanga vachitya kwazvo, vakati, Madzimambo maviri akanga asingagoni kumukunda, zvino isu tichamukunda seiko?
4ויראו מאד מאד ויאמרו הנה שני המלכים לא עמדו לפניו ואיך נעמד אנחנו׃
5Zvino mutariri weimba nomutariri weguta, navakuru, navareri vavana vakatuma shoko kuna Jehu, vachiti, Tiri varanda venyu, tichaita zvose zvamunotiraira; hatingagadzi mumwe mambo; itai henyu sezvamunoda.
5וישלח אשר על הבית ואשר על העיר והזקנים והאמנים אל יהוא לאמר עבדיך אנחנו וכל אשר תאמר אלינו נעשה לא נמליך איש הטוב בעיניך עשה׃
6Ipapo wakanyora tsamba rwechipiri kwavari, akati, Kana mukanzwana neni, kana mukateerera inzwi rangu, uyai kwandiri Jezereeri mangwana nenguva ino nemisoro yavarume, ivo vanakomana vatenzi wenyu. Zvino vanakomana vamambo, ivo vanhu vana makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta, vaivarera.
6ויכתב אליהם ספר שנית לאמר אם לי אתם ולקלי אתם שמעים קחו את ראשי אנשי בני אדניכם ובאו אלי כעת מחר יזרעאלה ובני המלך שבעים איש את גדלי העיר מגדלים אותם׃
7Zvino tsamba iyo yakati ichisvika kwavari, vakabata vanakomana vamambo, vakavauraya, ivo vanhu vana makumi manomwe, vakaisa misoro yavo mumatengu, ndokuitumira kwaari Jezereeri.
7ויהי כבא הספר אליהם ויקחו את בני המלך וישחטו שבעים איש וישימו את ראשיהם בדודים וישלחו אליו יזרעאלה׃
8Nhume ikasvika, ikamuudza, ikati, Vauya nemisoro yavanakomana vamambo. Iye akati, Itai mirwi miviri nayo, muiise pavanopinda napo pasuwo, kusvikira mangwana.
8ויבא המלאך ויגד לו לאמר הביאו ראשי בני המלך ויאמר שימו אתם שני צברים פתח השער עד הבקר׃
9Fume mangwana akabuda, akandomirapo, akati kuvanhu vose, Imi hamune mhosva henyu; tarirai, ndini ndamukira tenzi wangu, ndikamuuraya; asi ndianiko auraya ava vose?
9ויהי בבקר ויצא ויעמד ויאמר אל כל העם צדקים אתם הנה אני קשרתי על אדני ואהרגהו ומי הכה את כל אלה׃
10Zvino muzive kuti hakuna shoko rimwe raJehovha richawira pasi, rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhi; nekuti Jehovha wakaita zvaakataura nomuranda wake Eria.
10דעו אפוא כי לא יפל מדבר יהוה ארצה אשר דבר יהוה על בית אחאב ויהוה עשה את אשר דבר ביד עבדו אליהו׃
11Naizvozvo Jehu akauraya vose vakanga vasara veimba yaAhabhi paJezereeri, navanhu vake vakuru vose, neshamwari dzake, navapristi vake, kusvikira asina kumusiira nomumwe.
11ויך יהוא את כל הנשארים לבית אחאב ביזרעאל וכל גדליו ומידעיו וכהניו עד בלתי השאיר לו שריד׃
12Zvino akasimuka, akabva, akaenda Samaria. Wakati asvika paimba yokuvevura makwai yavafudzi,
12ויקם ויבא וילך שמרון הוא בית עקד הרעים בדרך׃
13Jehu akasangana navanin'ina vaAhazi mambo waJudha, akati, Ndimi aniko? Ivo vakapindura, vakati, Tiri vanin'ina vaAhazia, toburuka kundokwazisa vana vamambo navana vavahosi.
13ויהוא מצא את אחי אחזיהו מלך יהודה ויאמר מי אתם ויאמרו אחי אחזיהו אנחנו ונרד לשלום בני המלך ובני הגבירה׃
14Iye akati, Vabatei vari vapenyu. Vakavabata vari vapenyu, vakavauraya padziva reimba pavaiveura makwai, varume vaiva vana makumi mana navaviri; haana kusiya mumwe wavo.
14ויאמר תפשום חיים ויתפשום חיים וישחטום אל בור בית עקד ארבעים ושנים איש ולא השאיר איש מהם׃
15Zvino wakati abvapo, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, wanga achiuya kuzosangana naye; akamukwazisa, akati kwaari, moyo wako wakarurama here, sokururama komoyo wangu kwauri? Jehonadhabhi akapindura, akati, Wakarurama hawo. Kana zvakadaro, ndibate ruoko rwangu. Iye akabata ruoko rwake, ndokumukwidza mungoro maakanga ari.
15וילך משם וימצא את יהונדב בן רכב לקראתו ויברכהו ויאמר אליו היש את לבבך ישר כאשר לבבי עם לבבך ויאמר יהונדב יש ויש תנה את ידך ויתן ידו ויעלהו אליו אל המרכבה׃
16Akati, Hendei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako. Naizvozvo vakamufambisa mungoro yake.
16ויאמר לכה אתי וראה בקנאתי ליהוה וירכבו אתו ברכבו׃
17Wakati asvika Samaria, akauraya vose vakanga vasara vaAhabhi muSamaria, kusvikira amuparadza, neshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria.
17ויבא שמרון ויך את כל הנשארים לאחאב בשמרון עד השמידו כדבר יהוה אשר דבר אל אליהו׃
18Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose, akati kwavari, Ahabhi wakashumira Bhaari zvishoma, asi Jehu uchamushumira kwazvo.
18ויקבץ יהוא את כל העם ויאמר אלהם אחאב עבד את הבעל מעט יהוא יעבדנו הרבה׃
19Naizvozvo zvino chidanai vaporofita vose vaBhaari, navose vanonamata kwaari, navapristi vake vose, vauye kwandiri; ngakurege kushaikwa kunyange nomumwe; nekuti ndinoda kubayira Bhaari chibayiro chikuru; Ani naani unoshaikwa haangararami. Asi Jehu wakaita izvozvo namano, achida kuuraya vanamati vaBhaari.
19ועתה כל נביאי הבעל כל עבדיו וכל כהניו קראו אלי איש אל יפקד כי זבח גדול לי לבעל כל אשר יפקד לא יחיה ויהוא עשה בעקבה למען האביד את עבדי הבעל׃
20Zvino Jehu akati, Tsaurirai Bhaari zuva romutambo mukuru. Vakaparidza izvozvo.
20ויאמר יהוא קדשו עצרה לבעל ויקראו׃
21Zvino Jehu akatuma nhume pakati paIsiraeri pose, vose vanamati vaBhaari vakauya; hakuna munhu wakasara, akasauya. Vakapinda mumba maBhaari, imba yaBhaari ikazara, kusvika kumadziro nokumadziro.
21וישלח יהוא בכל ישראל ויבאו כל עבדי הבעל ולא נשאר איש אשר לא בא ויבאו בית הבעל וימלא בית הבעל פה לפה׃
22Akati kumutariri wenguvo, Vigira vanamati vaBhaari vose nguvo. Iye akavavigira nguvo.
22ויאמר לאשר על המלתחה הוצא לבוש לכל עבדי הבעל ויצא להם המלבוש׃
23Ipapo Jehu akapinda mumba maBhaari, anaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akati kuvanamati vaBhaari, Tsvakai, mutarire kwazvo kuti pano pakati penyu parege kuva nomuranda mumwe waJehovha, asi vanamati vaBhaari chete.
23ויבא יהוא ויהונדב בן רכב בית הבעל ויאמר לעבדי הבעל חפשו וראו פן יש פה עמכם מעבדי יהוה כי אם עבדי הבעל לבדם׃
24vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu wakange araira varume vana makumi masere panze, achiti, Kana mumwe wavarume vandinoisa pamaoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, uchamufira.
24ויבאו לעשות זבחים ועלות ויהוא שם לו בחוץ שמנים איש ויאמר האיש אשר ימלט מן האנשים אשר אני מביא על ידיכם נפשו תחת נפשו׃
25Zvino wakati apedza kubayira chipiriso chinopiswa Jehu akati kuvarindi nokuvakuru, Pindai, muvauraye; musatendera mumwe kubuda. Ivo vakavauraya neminondo inopinza; varindi navakuru vakavarashira kunze, vakaenda kuguta reimba yaBhaari.
25ויהי ככלתו לעשות העלה ויאמר יהוא לרצים ולשלשים באו הכום איש אל יצא ויכום לפי חרב וישלכו הרצים והשלשים וילכו עד עיר בית הבעל׃
26Ipapo vakabudisa mbiru dzaiva mumba maBhaari, vakadzipisa.
26ויצאו את מצבות בית הבעל וישרפוה׃
27Vakaputsawo mbiru yaBhaari, vakaputsawo imba yaBhaari, vakaiita imba yembudzi kusvikira nhasi.
27ויתצו את מצבת הבעל ויתצו את בית הבעל וישמהו למחראות עד היום׃
28Naizvozvo Jehu wakaparadza Bhaari pakati paIsiraeri.
28וישמד יהוא את הבעל מישראל׃
29Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDhani.
29רק חטאי ירבעם בן נבט אשר החטיא את ישראל לא סר יהוא מאחריהם עגלי הזהב אשר בית אל ואשר בדן׃
30Zvino Jehovha akati kuna Jehu, Zvawakaita zvakanaka ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukaitira imba yaAhabhi zvose zvakanga zviri mumoyo mangu, zvino vana vako vorudzi rwechina vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri.
30ויאמר יהוה אל יהוא יען אשר הטיבת לעשות הישר בעיני ככל אשר בלבבי עשית לבית אחאב בני רבעים ישבו לך על כסא ישראל׃
31Asi Jehu haana kurangarira kufamba nomoyo wose nomurayiro waJehovha Mwari waIsiraeri; haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
31ויהוא לא שמר ללכת בתורת יהוה אלהי ישראל בכל לבבו לא סר מעל חטאות ירבעם אשר החטיא את ישראל׃
32Pamazuva iwayo Jehovha wakatanga kutapudza Isiraeri; Hazaeri akavakunda panyika yose yaIsiraeri,
32בימים ההם החל יהוה לקצות בישראל ויכם חזאל בכל גבול ישראל׃
33kubva kuna Joridhani zvichienda mabvazuva, nenyika yose yaGiriyadhi, neyavaGadhi, neyavaRubheni, neyavaManase, kubva paAroeri pamupata weArinoni, ndiro Giriyadhi neBhashani.
33מן הירדן מזרח השמש את כל ארץ הגלעד הגדי והראובני והמנשי מערער אשר על נחל ארנן והגלעד והבשן׃
34Zvino mamwe mabasa aJehu, nezvose zvaakaita, nesimba rake rose, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
34ויתר דברי יהוא וכל אשר עשה וכל גבורתו הלוא הם כתובים על ספר דברי הימים למלכי ישראל׃
35Jehu akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria, Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.
35וישכב יהוא עם אבתיו ויקברו אתו בשמרון וימלך יהואחז בנו תחתיו׃
36Nguva yakabata Jehu ushe hwaIsiraeri paSamaria aiva makore ana makumi maviri namasere.
36והימים אשר מלך יהוא על ישראל עשרים ושמנה שנה בשמרון׃