1Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chiraira nhaka yako, nekuti uchafa, haungararami.
1בימים ההם חלה חזקיהו למות ויבא אליו ישעיהו בן אמוץ הנביא ויאמר אליו כה אמר יהוה צו לביתך כי מת אתה ולא תחיה׃
2Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati,
2ויסב את פניו אל הקיר ויתפלל אל יהוה לאמר׃
3Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.
3אנה יהוה זכר נא את אשר התהלכתי לפניך באמת ובלבב שלם והטוב בעיניך עשיתי ויבך חזקיהו בכי גדול׃
4Zvino Isaya wakange achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti,
4ויהי ישעיהו לא יצא העיר התיכנה ודבר יהוה היה אליו לאמר׃
5Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.
5שוב ואמרת אל חזקיהו נגיד עמי כה אמר יהוה אלהי דוד אביך שמעתי את תפלתך ראיתי את דמעתך הנני רפא לך ביום השלישי תעלה בית יהוה׃
6Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.
6והספתי על ימיך חמש עשרה שנה ומכף מלך אשור אצילך ואת העיר הזאת וגנותי על העיר הזאת למעני ולמען דוד עבדי׃
7Ipapo Isaya akati, Uyai nebundu ramawonde. Ivo vakauya naro, vakariisa pamamota, akapora.
7ויאמר ישעיהו קחו דבלת תאנים ויקחו וישימו על השחין ויחי׃
8Zvino Hezekia akati kuna Isaya, Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?
8ויאמר חזקיהו אל ישעיהו מה אות כי ירפא יהוה לי ועליתי ביום השלישי בית יהוה׃
9Isaya akati, Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?
9ויאמר ישעיהו זה לך האות מאת יהוה כי יעשה יהוה את הדבר אשר דבר הלך הצל עשר מעלות אם ישוב עשר מעלות׃
10Hezekia akapindura, akati, Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro inegumi.
10ויאמר יחזקיהו נקל לצל לנטות עשר מעלות לא כי ישוב הצל אחרנית עשר מעלות׃
11Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro inegumi pachiratidzo chenguva chaAhazi.
11ויקרא ישעיהו הנביא אל יהוה וישב את הצל במעלות אשר ירדה במעלות אחז אחרנית עשר מעלות׃
12Zvino nenguva iyo Bherodhaki- bharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma tsamba nechipo kuna Hezekia; nekuti wakange anzwa kuti Hezekia wairwara.
12בעת ההיא שלח בראדך בלאדן בן בלאדן מלך בבל ספרים ומנחה אל חזקיהו כי שמע כי חלה חזקיהו׃
13Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
13וישמע עליהם חזקיהו ויראם את כל בית נכתה את הכסף ואת הזהב ואת הבשמים ואת שמן הטוב ואת בית כליו ואת כל אשר נמצא באוצרתיו לא היה דבר אשר לא הראם חזקיהו בביתו ובכל ממשלתו׃
14Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko? Hezekia akati, Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.
14ויבא ישעיהו הנביא אל המלך חזקיהו ויאמר אליו מה אמרו האנשים האלה ומאין יבאו אליך ויאמר חזקיהו מארץ רחוקה באו מבבל׃
15Akati, Vakawonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati, Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza.
15ויאמר מה ראו בביתך ויאמר חזקיהו את כל אשר בביתי ראו לא היה דבר אשר לא הראיתם באצרתי׃
16Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, Inzwa shoko raJehovha.
16ויאמר ישעיהו אל חזקיהו שמע דבר יהוה׃
17Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
17הנה ימים באים ונשא כל אשר בביתך ואשר אצרו אבתיך עד היום הזה בבלה לא יותר דבר אמר יהוה׃
18Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa. vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.
18ומבניך אשר יצאו ממך אשר תוליד יקח והיו סריסים בהיכל מלך בבל׃
19Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro. Akatiwo, Ko handizvo here, kana rugare nechokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?
19ויאמר חזקיהו אל ישעיהו טוב דבר יהוה אשר דברת ויאמר הלוא אם שלום ואמת יהיה בימי׃
20Zvino mamwe mabasa aHezekia, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
20ויתר דברי חזקיהו וכל גבורתו ואשר עשה את הברכה ואת התעלה ויבא את המים העירה הלא הם כתובים על ספר דברי הימים למלכי יהודה׃
21Hezekia akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.
21וישכב חזקיהו עם אבתיו וימלך מנשה בנו תחתיו׃