1Josiya wakatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Jedhidha mukunda waAdhaya weBhozikati.
1בן שמנה שנה יאשיהו במלכו ושלשים ואחת שנה מלך בירושלם ושם אמו ידידה בת עדיה מבצקת׃
2Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yose yaDhavhidhi baba vake, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
2ויעש הישר בעיני יהוה וילך בכל דרך דוד אביו ולא סר ימין ושמאול׃
3Zvino negore regumi namasere ramambo Josiya, mambo akatuma munyori Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kumba kwaJehovha, akati,
3ויהי בשמנה עשרה שנה למלך יאשיהו שלח המלך את שפן בן אצליהו בן משלם הספר בית יהוה לאמר׃
4Enda kuna Hirikia mupristi mukuru, umuudze averenge mari inoiswa mumba maJehovha, yakaunganidzwa navatariri vomukova kuvanhu;
4עלה אל חלקיהו הכהן הגדול ויתם את הכסף המובא בית יהוה אשר אספו שמרי הסף מאת העם׃
5vaipe mumaoko avabati vebasa, vanotarira temberi yaJehovha; ivo vaipe vabati vebasa vari mumba maJehovha, kuti vagadzirise zvakaputsika paimba;
5ויתנה על יד עשי המלאכה המפקדים בבית יהוה ויתנו אתו לעשי המלאכה אשר בבית יהוה לחזק בדק הבית׃
6ivo vavezi, navavaki, navanoronga mabwe, uye vatenge nayo matanda, namabwe akavezwa, kuti vagadzire temberi.
6לחרשים ולבנים ולגדרים ולקנות עצים ואבני מחצב לחזק את הבית׃
7Asi havana kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nekuti vaibata vakatendeka.
7אך לא יחשב אתם הכסף הנתן על ידם כי באמונה הם עשים׃
8Ipapo Hirikia mupristi mukuru akati kuna Shafani munyori, Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha. Hirikia akapa Shafani bhuku yomurayiro, iye akairava.
8ויאמר חלקיהו הכהן הגדול על שפן הספר ספר התורה מצאתי בבית יהוה ויתן חלקיה את הספר אל שפן ויקראהו׃
9Zvino Shafani munyori akasvika kuna mambo, akadzoka neshoko kuna mambo, akati, Varanda venyu vadurura mari yakawanikwa mumba, vakaipa mumaoko avabati vebasa, vanotarira imba yaJehovha.
9ויבא שפן הספר אל המלך וישב את המלך דבר ויאמר התיכו עבדיך את הכסף הנמצא בבית ויתנהו על יד עשי המלאכה המפקדים בית יהוה׃
10Shafani munyori akati kuna mambo, mupristi Hirikia wandipa bhuku. Shafani akariravira mambo.
10ויגד שפן הספר למלך לאמר ספר נתן לי חלקיה הכהן ויקראהו שפן לפני המלך׃
11Zvino mambo wakati achinzwa mashoko ebhuku yomurayiro, akabvarura nguvo dzake.
11ויהי כשמע המלך את דברי ספר התורה ויקרע את בגדיו׃
12Mambo akaraira mupristi Hirikia, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati,
12ויצו המלך את חלקיה הכהן ואת אחיקם בן שפן ואת עכבור בן מיכיה ואת שפן הספר ואת עשיה עבד המלך לאמר׃
13Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navanhu vavaJudha vose, pamusoro pamashoko ebhuku iyi yakawanikwa; nekuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru kwazvo, nekuti madzibaba edu havana kuteerera mashoko ebhuku iyi, havana kuita zvose zvatakarairwa.
13לכו דרשו את יהוה בעדי ובעד העם ובעד כל יהודה על דברי הספר הנמצא הזה כי גדולה חמת יהוה אשר היא נצתה בנו על אשר לא שמעו אבתינו על דברי הספר הזה לעשות ככל הכתוב עלינו׃
14Naizvozvo mupristi Hirikia, naAhikami, naAkibhori, naShafani, naAsaya vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTikiva, mwanakomana waHarahasi, muchengeti wenguvo; (zvino iye mukadzi wakange agere paJerusaremu kurutivi rwechipiri rweguta;) vakataurirana naye.
14וילך חלקיהו הכהן ואחיקם ועכבור ושפן ועשיה אל חלדה הנביאה אשת שלם בן תקוה בן חרחס שמר הבגדים והיא ישבת בירושלם במשנה וידברו אליה׃
15Iye akati kwavari, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Udzai munhu wakakutumai kwandiri muti,
15ותאמר אליהם כה אמר יהוה אלהי ישראל אמרו לאיש אשר שלח אתכם אלי׃
16zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iwo mashoko ose ebhuku yakarahwa namambo weJudha;
16כה אמר יהוה הנני מביא רעה אל המקום הזה ועל ישביו את כל דברי הספר אשר קרא מלך יהודה׃
17nekuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuhwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo, naizvozvo kutsamwa kwangu kuchapfutidza nzvimbo iyi, uye hakungadzimwi.
17תחת אשר עזבוני ויקטרו לאלהים אחרים למען הכעיסני בכל מעשה ידיהם ונצתה חמתי במקום הזה ולא תכבה׃
18Asi muti kuna mambo waJudha wakakutumai kuzobvunza Jehovha, Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa,
18ואל מלך יהודה השלח אתכם לדרש את יהוה כה תאמרו אליו כה אמר יהוה אלהי ישראל הדברים אשר שמעת׃
19moyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paJehovha, nguva yawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, kuti vachaitwa dongo nechinhu chakatukwa, wakabvarura nguvo dzako, wakachema pamberi pangu; zvino zvanzi naJehovha, Ini ndakunzwawo.
19יען רך לבבך ותכנע מפני יהוה בשמעך אשר דברתי על המקום הזה ועל ישביו להיות לשמה ולקללה ותקרע את בגדיך ותבכה לפני וגם אנכי שמעתי נאם יהוה׃
20Naizvozvo, tarira, ndichakuisa kuna madzibaba ako, uchavigwa muhwiro hwako norugare, meso ako haangawoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi. Vakadzoka neshoko kuna mambo.
20לכן הנני אספך על אבתיך ונאספת אל קברתיך בשלום ולא תראינה עיניך בכל הרעה אשר אני מביא על המקום הזה וישיבו את המלך דבר׃