Shona

Hebrew: Modern

2 Kings

5

1Zvino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiva munhu mukuru kuna tenzi wake, nomunhu waikudzwa; nekuti Jehovha wakange akundisa vaSiria naye; uye waiva munhu wesimba noumhare, asi wakange ana maperembudzi.
1ונעמן שר צבא מלך ארם היה איש גדול לפני אדניו ונשא פנים כי בו נתן יהוה תשועה לארם והאיש היה גבור חיל מצרע׃
2Zvino vaSiria vakanga vandorwa vakaita mapoka-poka, vakadzoka nomusikana muduku wavakanga vatapa panyika yaIsiraeri; iye wakange achibatira mukadzi waNaamani basa.
2וארם יצאו גדודים וישבו מארץ ישראל נערה קטנה ותהי לפני אשת נעמן׃
3Akati kuna tenzikadzi wake, Dai ishe wangu aiva kumuporofita ari paSamaria,ungadai akavaporesa maperembudzi ake.
3ותאמר אל גברתה אחלי אדני לפני הנביא אשר בשמרון אז יאסף אתו מצרעתו׃
4Zvino mumwe akapinda, akandoudza ishe wake, akati, Musikana wenyika yaIsiraeri wakataura chokuti nechokuti.
4ויבא ויגד לאדניו לאמר כזאת וכזאת דברה הנערה אשר מארץ ישראל׃
5Mambo weSiria akati, Enda, ndinoda kutuma tsamba kuna mambo waIsiraeri. Akabva akaenda nematarenda gumi esirivha, nengoda zvuru zvitanhatu dzendarama, nenguvo dzakanaka dzine gumi.
5ויאמר מלך ארם לך בא ואשלחה ספר אל מלך ישראל וילך ויקח בידו עשר ככרי כסף וששת אלפים זהב ועשר חליפות בגדים׃
6Akaenda netsamba kuna mambo waIsiraeri, yakanga ichiti, Zvino kana tsamba iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake.
6ויבא הספר אל מלך ישראל לאמר ועתה כבוא הספר הזה אליך הנה שלחתי אליך את נעמן עבדי ואספתו מצרעתו׃
7Zvino mambo waIsiraeri wakati arava tsamba iyo, akabvarura nguvo dzake, akati, Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni.
7ויהי כקרא מלך ישראל את הספר ויקרע בגדיו ויאמר האלהים אני להמית ולהחיות כי זה שלח אלי לאסף איש מצרעתו כי אך דעו נא וראו כי מתאנה הוא לי׃
8Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo waIsiraeri wabvarura nguvo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, Mabvarurireiko nguvo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.
8ויהי כשמע אלישע איש האלהים כי קרע מלך ישראל את בגדיו וישלח אל המלך לאמר למה קרעת בגדיך יבא נא אלי וידע כי יש נביא בישראל׃
9Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzake, akandomira pamukova weimba yaErisha.
9ויבא נעמן בסוסו וברכבו ויעמד פתח הבית לאלישע׃
10Erisha akatuma nhume kwaari, akati, Enda, undoshamba kanomwe muna Joridhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.
10וישלח אליו אלישע מלאך לאמר הלוך ורחצת שבע פעמים בירדן וישב בשרך לך וטהר׃
11Asi Naamani wakatsamwa, akabva, akati, Tarirai, ndanga ndichiti, zvirokwazvo uchabuda kwandiri, akamira, akadana zita raJehovha Mwari wake, nokupuruzirapo noruoko rwake, agoporesa wemaperembudzi.
11ויקצף נעמן וילך ויאמר הנה אמרתי אלי יצא יצוא ועמד וקרא בשם יהוה אלהיו והניף ידו אל המקום ואסף המצרע׃
12Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here? Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.
12הלא טוב אבנה ופרפר נהרות דמשק מכל מימי ישראל הלא ארחץ בהם וטהרתי ויפן וילך בחמה׃
13Zvino varanda vake vakaswedera, vakataura naye, vakati, Nhai, baba vedu, dai muporofita akakurairai kuita chinhu chikuru, hamuchizviita here? Ndoda zvaakati kwamuri, Shamba, uve wakanaka?
13ויגשו עבדיו וידברו אליו ויאמרו אבי דבר גדול הנביא דבר אליך הלוא תעשה ואף כי אמר אליך רחץ וטהר׃
14Ipapo akaburuka, akandonyura muna Joridhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.
14וירד ויטבל בירדן שבע פעמים כדבר איש האלהים וישב בשרו כבשר נער קטן ויטהר׃
15Zvino akadzokera pakati paIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu.
15וישב אל איש האלהים הוא וכל מחנהו ויבא ויעמד לפניו ויאמר הנה נא ידעתי כי אין אלהים בכל הארץ כי אם בישראל ועתה קח נא ברכה מאת עבדך׃
16Asi iye akati, NaJehovha mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu. Akamugombedzera, kuti agamuchire, asi wakaramba.
16ויאמר חי יהוה אשר עמדתי לפניו אם אקח ויפצר בו לקחת וימאן׃
17Zvino Naamani akati, Kana musingadi henyu, muranda wenyu ngaapiwe hake mitoro yevhu ingatakurwa namahesera maviri; nekuti kubva zvino muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.
17ויאמר נעמן ולא יתן נא לעבדך משא צמד פרדים אדמה כי לוא יעשה עוד עבדך עלה וזבח לאלהים אחרים כי אם ליהוה׃
18Asi Jehovha ngaakangamwire hake muranda wake pachinhu ichi, kana tenzi wangu achipinda mumba maRimoni kuzonamatapo, akasendamira paruoko rwangu, ini ndikapfugama mumba maRimoni; kana ndikapfugama mumba maRimoni Jehovha ngaakagamwire muranda wake pachinhu ichi.
18לדבר הזה יסלח יהוה לעבדך בבוא אדני בית רמון להשתחות שמה והוא נשען על ידי והשתחויתי בית רמן בהשתחויתי בית רמן יסלח נא יהוה לעבדך בדבר הזה׃
19Akati kwaari, Enda hako nomufaro. Naizvozvo akabva kwaari, akafamba chinhambo chiduku.
19ויאמר לו לך לשלום וילך מאתו כברת ארץ׃
20Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMwari, akati, Tarirai, tenzi wangu wakarega Naamani uyu muSiria, zvaasina kugamuchira kwaari chaakanga auya nacho; asi naJehovha mupenyu, ndichamhanya, ndikamutevera, nditore chinhu kwaari.
20ויאמר גיחזי נער אלישע איש האלהים הנה חשך אדני את נעמן הארמי הזה מקחת מידו את אשר הביא חי יהוה כי אם רצתי אחריו ולקחתי מאתו מאומה׃
21Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani wakati achiona munhu achimhanya achimutevera, akaburuka pangoro kuti asangane naye, akati, Makafara henyu mose here?
21וירדף גיחזי אחרי נעמן ויראה נעמן רץ אחריו ויפל מעל המרכבה לקראתו ויאמר השלום׃
22Iye akati, Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, Tarirai, zvino-zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguvo mbiri dzakanaka.
22ויאמר שלום אדני שלחני לאמר הנה עתה זה באו אלי שני נערים מהר אפרים מבני הנביאים תנה נא להם ככר כסף ושתי חלפות בגדים׃
23Naamani akati, Ndinokumbira kuti utore hako matarenda maviri. Akamugombedzera, akasungira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, pamwechete nenguvo mbiri dzakanaka, akazvitakudza varanda vake vaviri, vakazvitakurira pamberi pake
23ויאמר נעמן הואל קח ככרים ויפרץ בו ויצר ככרים כסף בשני חרטים ושתי חלפות בגדים ויתן אל שני נעריו וישאו לפניו׃
24Zvino wakati asvika pachikomo, akazvitora pamaoko avo, akazviviga mumba, akadzosa vanhu, vakaenda havo.
24ויבא אל העפל ויקח מידם ויפקד בבית וישלח את האנשים וילכו׃
25Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari, Wabvepiko, Gehazi? Iye akati, Muranda wenyu wakange achingova pano hake.
25והוא בא ויעמד אל אדניו ויאמר אליו אלישע מאן גחזי ויאמר לא הלך עבדך אנה ואנה׃
26Iye akati kwaari, moyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguvo, neminda yemiorivhi, neminda yemizambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here.
26ויאמר אליו לא לבי הלך כאשר הפך איש מעל מרכבתו לקראתך העת לקחת את הכסף ולקחת בגדים וזיתים וכרמים וצאן ובקר ועבדים ושפחות׃
27Naizvozvo maperembudzi aNaamani achakunamatira. iwe navana vako nokusingaperi. Ipapo akabuda pamberi pake ava namaperembudzi, akati mbembe sechando.
27וצרעת נעמן תדבק בך ובזרעך לעולם ויצא מלפניו מצרע כשלג׃