1Zvino mambo wakati agere mumba make, Jehovha amuzorodza pavavengi vake vose vakanga vakamupoteredza,
1ויהי כי ישב המלך בביתו ויהוה הניח לו מסביב מכל איביו׃
2mambo akati kumuporofita Natani, Zvino tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yaMwari igere pakati pemicheka.
2ויאמר המלך אל נתן הנביא ראה נא אנכי יושב בבית ארזים וארון האלהים ישב בתוך היריעה׃
3Natani akati kuna mambo, Endai, muite henyu zvose zviri mumoyo menyu, nekuti Jehovha anemi.
3ויאמר נתן אל המלך כל אשר בלבבך לך עשה כי יהוה עמך׃
4Zvino nousiku uhwo shoko raJehovha rakasvika kuna Natani, richiti,
4ויהי בלילה ההוא ויהי דבר יהוה אל נתן לאמר׃
5Enda undoudza muranda wangu Dhavhidhi, uti, Zvanzi naJehovha: Iwe uchandivakira imba mandingagara here?
5לך ואמרת אל עבדי אל דוד כה אמר יהוה האתה תבנה לי בית לשבתי׃
6Nekuti handina kugara mumba kubva pazuva randakandotora vana vaIsiraeri Egipita kusvikira zuva ranhasi, asi ndaifamba mutende nomutabhenakeri.
6כי לא ישבתי בבית למיום העלתי את בני ישראל ממצרים ועד היום הזה ואהיה מתהלך באהל ובמשכן׃
7Pose pandakafamba navana vaIsiraeri vose, ndakatongotaura here shoko rimwe kunomumwe wavatongi vaIsiraeri, vandakaraira kufudza vanhu vangu vaIsiraeri, ndichiti Makaregereiko kundivakira imba yomusidhari?
7בכל אשר התהלכתי בכל בני ישראל הדבר דברתי את אחד שבטי ישראל אשר צויתי לרעות את עמי את ישראל לאמר למה לא בניתם לי בית ארזים׃
8Naizvozvo zvino, unofanira kuti kumuranda wangu Dhavhidhi, Zvanzi naJehovha wehondo, Ndakakutora kumafuro, kwawakanga uchifudza makwai, kuti uve mubati wavanhu vangu vaIsiraeri;
8ועתה כה תאמר לעבדי לדוד כה אמר יהוה צבאות אני לקחתיך מן הנוה מאחר הצאן להיות נגיד על עמי על ישראל׃
9ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita guru, ringafanana namazita avakuru vari panyika.
9ואהיה עמך בכל אשר הלכת ואכרתה את כל איביך מפניך ועשתי לך שם גדול כשם הגדלים אשר בארץ׃
10Ndichatarira vanhu vangu vaIsiraeri nzvimbo, ndichavasima, vagare panzvimbo yavo, varege kubviswazve; navakaipa havangavatambudzizve sapakutanga,
10ושמתי מקום לעמי לישראל ונטעתיו ושכן תחתיו ולא ירגז עוד ולא יסיפו בני עולה לענותו כאשר בראשונה׃
11nokubva pazuva randakaraira vatongi kuti vabate vanhu vangu vaIsiraeri. Asi iwe ndichakuzorodza pavavengi vako vose. Uyezve Jehovha unokuudza kuti Jehovha uchakumisira imba.
11ולמן היום אשר צויתי שפטים על עמי ישראל והניחתי לך מכל איביך והגיד לך יהוה כי בית יעשה לך יהוה׃
12Kana nguva yako yasvika, iwe ukavata namadzibaba ako, ndichamutsa mumwe worudzi rwako uchakutevera, uchabuda muura mako, ndikasimbisa ushe hwake.
12כי ימלאו ימיך ושכבת את אבתיך והקימתי את זרעך אחריך אשר יצא ממעיך והכינתי את ממלכתו׃
13Iye uchavakira zita rangu imba, neni ndichasimbisa chigaro chake choushe nokusingaperi.
13הוא יבנה בית לשמי וכננתי את כסא ממלכתו עד עולם׃
14Ini ndichava baba vake, naiye uchava mwanakomana wangu; kana akazoita zvakaipa, ndichamuranga neshamhu yavanhu, uye nokurohwa kwavana vavanhu;
14אני אהיה לו לאב והוא יהיה לי לבן אשר בהעותו והכחתיו בשבט אנשים ובנגעי בני אדם׃
15asi nyasha dzangu hadzingabvi kwaari, sezvandakadzibvisa kuna Sauro, wandakabvisa pamberi pako.
15וחסדי לא יסור ממנו כאשר הסרתי מעם שאול אשר הסרתי מלפניך׃
16Imba yako noushe hwako zvichasimbiswa pamberi pako nokusingaperi, nechigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.
16ונאמן ביתך וממלכתך עד עולם לפניך כסאך יהיה נכון עד עולם׃
17Natani akaudza Dhavhidhi mashoko awa ose, nezvose zvaakanga aratidzwa.
17ככל הדברים האלה וככל החזיון הזה כן דבר נתן אל דוד׃
18Ipapo mambo Dhavhidhi akapinda, akagara pamberi paJehovha, akati, Jehovha Mwari, ndini aniko, neimba yangu chinyiko, zvamakandisvitsa kusvikira pano?
18ויבא המלך דוד וישב לפני יהוה ויאמר מי אנכי אדני יהוה ומי ביתי כי הביאתני עד הלם׃
19Asi chinhu ichi chakanga chiri chiduku pamberi penyu, Jehovha Mwari, asi makataurawo pamusoro peimba yomuranda wenyu kusvikira panguva huru inozouya; asi iyi ndiyo tsika yavanhu, Jehovha Mwari!
19ותקטן עוד זאת בעיניך אדני יהוה ותדבר גם אל בית עבדך למרחוק וזאת תורת האדם אדני יהוה׃
20Ko Dhavhidhi ungareveizve kwamuri? nekuti munoziva henyu muranda wenyu, Jehovha Mwari.
20ומה יוסיף דוד עוד לדבר אליך ואתה ידעת את עבדך אדני יהוה׃
21Nokuda kweshoko renyu, uye sezvamakafunga mumoyo menyu, makaita zvinhu izvi zvikuru zvose, kuzvizivisa muranda wenyu.
21בעבור דברך וכלבך עשית את כל הגדולה הזאת להודיע את עבדך׃
22Naizvozvo muri mukuru, Jehovha Mwari, nekuti hakuna mumwe wakafanana nemi, hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa zvose nenzeve dzedu.
22על כן גדלת אדני יהוה כי אין כמוך ואין אלהים זולתך בכל אשר שמענו באזנינו׃
23Rumwe rudzi ruripiko panyika rwakafanana navanhu venyu vaIsiraeri, vakandodzikunurwa naMwari, vave vanhu vake kuti iye akurumbire, uye akuitirei imwi zvinhu zvikuru, nenyika yenyu zvinhu zvinotyisa, pamberi pavanhu venyu, vamakazvidzikunurira paEgipita, vabve pakati pavahedheni navamwari vavo?
23ומי כעמך כישראל גוי אחד בארץ אשר הלכו אלהים לפדות לו לעם ולשום לו שם ולעשות לכם הגדולה ונראות לארצך מפני עמך אשר פדית לך ממצרים גוים ואלהיו׃
24Mukazvisimbisira vanhu venyu vaIsiraeri, kuti vave vanhu venyu nokusingaperi; imwi Jehovha mukava Mwari wavo.
24ותכונן לך את עמך ישראל לך לעם עד עולם ואתה יהוה היית להם לאלהים׃
25Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakataura pamusoro pomuranda wenyu napamusoro peimba yake, murisimbisei henyu nokusingaperi, muite sezvamakataura.
25ועתה יהוה אלהים הדבר אשר דברת על עבדך ועל ביתו הקם עד עולם ועשה כאשר דברת׃
26Zita renyu ngarikudzwe nokusingaperi, zvichinzi, Jehovha wehondo ndiMwari waIsiraeri; imba yomuranda wenyu Dhavhidhi ichasimbiswa pamberi penyu.
26ויגדל שמך עד עולם לאמר יהוה צבאות אלהים על ישראל ובית עבדך דוד יהיה נכון לפניך׃
27Nekuti imwi Jehovha wehondo Mwari waIsiraeri, makazivisa muranda wenyu, muchiti, Ndichakuvakira imba; naizvozvo muranda wenyu wakatsunga kunyengetera munyengetero uyu kwamuri.
27כי אתה יהוה צבאות אלהי ישראל גליתה את אזן עבדך לאמר בית אבנה לך על כן מצא עבדך את לבו להתפלל אליך את התפלה הזאת׃
28Zvino Jehovha Mwari, ndimi Mwari, uye mashoko enyu ndeechokwadi, makapikira muranda wenyu chinhu ichi chakanaka;
28ועתה אדני יהוה אתה הוא האלהים ודבריך יהיו אמת ותדבר אל עבדך את הטובה הזאת׃
29naizvozvo zvino chiropafadzai henyu imba yomuranda wenyu, kuti irambe iripo pamberi penyu nokusingaperi, nekuti imwi Jehovha Mwari makataura saizvozvo; imba yomuranda wenyu ngairopafadzwe nokuropafadza kwenyu nokusingaperi.
29ועתה הואל וברך את בית עבדך להיות לעולם לפניך כי אתה אדני יהוה דברת ומברכתך יברך בית עבדך לעולם׃