Shona

Hebrew: Modern

2 Timothy

2

1Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
1לכן בני התחזק בחסד אשר במשיח ישוע׃
2Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.
2ואת אשר שמעת ממני בפני עדים רבים תפקידנו בידי אנשים נאמנים אשר הם כשרים ללמד גם את האחרים׃
3Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waKristu Jesu.
3וסבל הרעות כאיש חיל בצבא מלחמת ישוע המשיח׃
4Hakuna munhu unorwa semurwi unozvipinganidza nezvinhu zveupenyu, kuti agone kufadza uyo wakamupinza basa.
4איש יצא לצבא לא יתערב בעשקי החיים למען יהיה רצוי לשר הצבא׃
5Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.
5וגם אם נאבק איש לא יכתר אם לא יאבק כמשפט׃
6Murimi unoshanda ndiye unofanira kutanga kugamuchira zvibereko.
6האכר העבד הוא יאכל ראשונה מפרי האדמה׃
7Fungisisa zvandinoreva, uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvose.
7בין באשר אני אמר כי האדון יתן לך חכמה בכל דבר׃
8Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kuvakafa, werudzi rwaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;
8זכור תזכר את ישוע המשיח הנעור מן המתים אשר הוא מזרע דוד כפי בשורתי׃
9yandinotambudzika mairi zvakaipa kusvikira pazvisungo semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.
9אשר בעבורה אני נשא רעות עד למוסרות כעשה עול אבל דבר האלהים איננו נאסר׃
10Saka ndinotsungirira zvinhu zvose nekuda kwevakasanangurwa, kuti ivo vawanewo ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi.
10ועל כן אסבל את כל למען הבחירים למען ישיגו גם המה את התשועה במשיח ישוע עם כבוד עולמים׃
11Shoko iri rakatendeka; nekuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.
11נאמן הדבר הזה כי אם מתנו אתו גם אתו נחיה׃
12Kana tikatsungirira, tichatonga pamwe naye; kana tikamuramba, iye uchatirambawo.
12אם נסבל גם נמלך אתו ואם ננכר גם הוא ינכר אתנו׃
13Kana tisingatendeki, iye unoramba akatendeka, haangazvirambi.
13אם לא נאמין הנה הוא קים באמונתו כי לכחש בעצמו לא יוכל׃
14Uvayevudzire zvinhu izvi, uchiraira pamberi paIshe, kuti varege kuita nharo dzemashoko dzisina rubatsiro, zvinongoparadza vanonzwa.
14זאת הזכר להם והעד לפני האדון שלא לעשק במחלקת מלים אשר לא להועיל רק לעות דעת השמעים׃
15Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri munhu wakatendeka, mushandi usingafaniri kunyadziswa, unonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
15היה שקוד להתיצב נאמן לפני אלהים וכפעל אשר לא יבוש המחלק על נכון דבר האמת׃
16Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nekuti vacharamba vachingonyanya pakusava neuMwari,
16אבל תרחק מדברי הבל הפסולים כי יוסיפו הרבות רשע׃
17neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayo naFireto;
17ושיחתם כרקב תאכל סביב אשר מהם הומניוס ופיליטוס׃
18ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwevakafa kwatopfuura, vachipidigura rutendo rwevamwe.
18אשר תעו מן האמת באמרם כי תחית המתים כבר היתה ויבלבלו אמונת קצת אנשים׃
19Kunyange zvakadaro nheyo dzaMwari dzinomira dzakasimba, dzine chisimbiso ichi: Ishe unoziva vari vake; vuye: Umwe neumwe unoreva zita raIshe ngaabve pakusarurama.
19אך איתן הוא יסוד האלהים וזה חותמו ידע יהוה את אשר לו ועוד יסור מעול כל הקורא את שם המשיח׃
20Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirvheri chete, asiwo yematanda neyevhu, neimwe inokudzwa neimwe isingakudzwi.
20כי בבית גדול לא כלי זהב וכסף בלבד אלא גם של עץ ושל חרש ומהם לכבוד ומהם לבזיון׃
21Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa ratenzi, wakagadzirirwa basa rose rakanaka.
21והנה אם טהר איש את נפשו מאלה יהיה כלי לכבוד מקדש ומועיל לבעל הבית מוכן לכל מעשה טוב׃
22Tiza kuchiva kweuduku, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna She zvichibva pamoyo wakachena.
22ברח לך מתאות הנעורים ורדף צדק ואמונה ואהבה ושלום עם כל הקראים אל יהוה בלב טהור׃
23Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kukakavara.
23ותרחק מן השאלות התפלות באין מוסר באשר תדע כי אך קטטה מולידות הנה׃
24Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kune vose, unoziva kudzidzisa, une moyo murefu,
24ועבד האדון לא יתקוטט אלא יהי נוח לכל ומבין ללמד וסבלן׃
25unoraira neunyoro avo vanopikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevukira mukugamuchira chokwadi,
25ומיסר בנמיכות רוח את המתנגדים אולי יתן האלהים בלבבם לשוב להכרת האמת׃
26uye vapengenukezve kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye muuranda pakuda kwake.
26ויעירו ממוקשי השטן אשר צדם בהם לרצונו׃