1Rondedzero yekutanga ndakaiita, haiwa Teofiro, pamusoro pezvose Jesu zvaakatanga kuti kuita akati kudzidzisa,
1הן המאמר הראשון תאופילוס עשיתיהו על כל אשר החל ישוע לעשות וללמד׃
2kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira neMweya Mutsvene kuvaapositori vaakange asarudza;
2עד היום אשר לקח למרום אחרי צותו ברוח הקדש את השליחים אשר בחר בהם׃
3vaakazviratidzawo kwavari ari mupenyu shure kwekutambudzika kwake neuchapupu uzhinji hunopwisa, achionekwa navo mazuva makumi mana, achitaura zvinhu zvoushe hwaMwari.
3ואשר גם התיצב להם חי אחרי ענותו באתות רבות בהראותו אליהם ארבעים יום וידבר על מלכות האלהים׃
4Zvino aungana navo, akavaraira kuti varege kubva muJerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;
4ובאכלו לחם עמהם צוה אתם לבלתי סור מירושלים כי אם להוחיל להבטחת האב אשר שמעתם ממני׃
5nekuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa neMweya Mutsvene kusati kwapfuura mazuva awa mazhinji.
5כי יוחנן הטביל במים ואתם תטבלו ברוח הקדש בקרוב אחרי הימים האלה׃
6Naizvozvo ivo vakati vaungana vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera ushe kuIsraeri nenguva ino here?
6ויהי כאשר נאספו יחדו וישאלהו לאמר אדנינו המשיב אתה בעת הזאת את המלוכה לישראל׃
7Zvino akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi Baba yavakatara nesimba ravo romene;
7ויאמר אליהם לא לכם לדעת העתים והזמנים אשר יעד האב בשלטנו׃
8asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene asvika pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu zvose paJerusarema nemuJudhiya mose nemuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.
8אבל תקבלו גבורה בבוא עליכם רוח הקדש והייתם עדי בירושלים ובכל יהודה ובשמרון ועד קצה הארץ׃
9Zvino wakati areva zvinhu izvi, akakwidzwa vakatarira, negore rikamubvisa pameso avo.
9ויהי כדברו זאת העלה והם ראים וישאהו ענן מנגד עיניהם׃
10Zvino vachakatarisisa kudenga, achikwira, tarira, varume vaviri vakamira navo nenguvo chena;
10ויביטו אחריו השמימה בעברו והנה שני אנשים לבושי בדים נצבים עליהם׃
11ivowo vakati: Varume veGarirea, makamirirei makatarisisa kudenga? Iyeyu Jesu, unobviswa kwamuri achikwidzwa kudenga, uchauya saizvozvo sezvamunomuona achienda kudenga.
11ויאמרו אתם אנשי הגליל מה תעמדו פה ועיניכם השמימה ישוע זה אשר לקח מאתכם השמימה כן בוא יבוא כאשר ראיתם אתו עלה השמימה׃
12Zvino vakadzokera kuJerusarema vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi riri pedo neJerusarema, chinhambwe cherwendo rwesabata.
12ויפנו וילכו ירושלימה מן ההר הנקרא הר הזיתים והוא קרוב לירושלים דרך תחום שבת׃
13Vakati vapinda, vakakwira muimba yepamusoro apo paigara vose Petro naJakobho naJohwani naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waArifio naSimoni muZiroti, naJudhasi waJakobho.
13ויבאו העירה ויעלו אל העליה אשר היו ישבים בה פטרוס ויעקב ויוחנן ואנדרי פילפוס ותומא בר תלמי ומתי יעקב בן חלפי ושמעון הקנא ויהודה בן יעקב׃
14Ava vose vakatsungirira nemoyo umwe mumunyengetero nemukumbiro, pamwe nevakadzi, naMaria mai vaJesu, uye nevanin'ina vake.
14כל אלה היו שקדים יחדו בלב אחד להתפלל ולהתחנן ועמהם הנשים ומרים אם ישוע וגם אחיו׃
15Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri):
15ובימים האלה קם פטרוס בתוך התלמידים ומספר שמות הנקהלים יחד כמאה ועשרים ויאמר׃
16Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene zvawakagara wataura nemuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, wakange ari mutungamiriri wevaya vakabata Jesu,
16אנשים אחים מן הצרך היה כי ימלא הכתוב ההוא אשר דבר מקדם רוח הקדש בפי דוד על יהודה אשר היה מוליך את תפשי ישוע׃
17nekuti wakange achiverengwa pamwe nesu, akagamuchira mugove weushumiri uhwu.
17כי היה נמנה אתנו וזכה בגורל השרות הזה׃
18Zvino uyu wakawana munda nemubairo wezvakaipa, akawa nemusoro, akaparuka nepakati, ura hwake hwese hukabvajukira kunze.
18והנה הוא קנה לו שדה במחיר הרשעה ויפל על פניו ארצה ויבקע בתוך וישפכו כל מעיו׃
19Zvikanzwikwa kuvagari vose paJerusarema, kusvikira munda uyo watumidzwa nerurimi rwavo pachavo kuti Akeridhama, ndiko kuti: Munda weropa.
19וגם נודעה זאת לכל ישבי ירושלים ויקרא בשפתם לשדה ההוא חקל דמא הוא שדה הדם׃
20Nekuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema zvichinzi: Musha wake ngauve dongo, uye kurege kuva neunogara mauri; uye: Utariri hwake, umwe ngaatore.
20כי כתוב בספר תהלים תהי טירתו נשמה ואל יהי בה ישב ופקדתו יקח אחר׃
21Naizvozvo zvakafanira pavarume ava vaifamba nesu nguva yose, apo Ishe Jesu vaipinda nekubuda pakati pedu,
21ועל כן מן הצרך כי מן האנשים האלה אשר התהלכו אתנו כל ימי היות אדנינו ישוע יוצא ובא לפנינו׃
22kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakwidzwa kubva kwatiri, umwe wavo ngaave chapupu pamwe nesu chekumuka kwake.
22החל מטבילת יוחנן עד יום הלקחו מאתנו כי אחד מהם יהיה לעד עמנו על קומו מן המתים׃
23Zvino vakamisa vaviri: Josefa wainzi Bhasabhasi, wakatumidzwawo Jusito, naMatiasi.
23ויעמידו שנים את יוסף הנקרא בר שבא והוא מכנה יוסטוס ואת מתיה׃
24Vakanyengetera vachiti: Imwi Ishe, imwi munoziva moyo yevose, taridzai umwe pavaviri ava wamasarudza,
24ויתפללו ויאמרו אתה אדני היודע כל הלבבות הראה נא מן השנים האלה את האחד אשר בחרת בו׃
25kugamuchira mugove paushumiri nevuapositori uhu, Judhasi hwaakatsauka pahuri, kuti aende panzvimbo yake pachake.
25לקחת את גורל השרות הזה והשליחות אשר סר ממנה יהודה להלך אל מקומו׃
26Zvino vakavapa mujenya yavo, mujenya ukawira pana Matiasi; akaverengwa pamwe nevaapositori vanegumi neumwe.
26ויפילו גורלות ויפל הגורל על מתיה ויספח אל עשתי עשר השליחים׃