Shona

Hebrew: Modern

Acts

10

1Kwakange kune umwewo murume muKesariya wainzi Koneriyo, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,
1ואיש היה בקסרין ושמו קרניליוס שר מאה מן הגדוד הנקרא האיטלקי׃
2wakazvipira uye unotya Mwari pamwe neimba yake yose, waiita mabasa erudo mazhinji kuvanhu, nekunyengetera kuna Mwari nguva yose;
2והוא חסיד וירא אלהים עם כל בני ביתו ועשה צדקות הרבה לעם ומתפלל תמיד לאלהים׃
3akaona muchiratidzo pachena, neawa rinenge repfumbamwe rezuva, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Koneriyo!
3ומחזה נראה אליו כשעה התשיעית ליום וירא מלאך אלהים בא אליו פנימה ואמר קרניליוס׃
4Zvino wakati amutarisisa akatya, akati: Chii, Ishe? Zvino akati kwaari: Minyengetero yako nemabasa ako erudo zvakwira kuva chirangaridzo pamberi paMwari.
4ויבט אליו ויירא ויאמר מה זה אדני ויאמר אליו תפלותיך וצדקותיך עלו לזכרון לפני האלהים׃
5Zvino ikozvino tuma varume kuJopa, udane Simoni unonzi Petro;
5ועתה שלח לך אנשים אל יפו והבא אליך את שמעון המכנה פטרוס׃
6unogara neumwe Simoni musuki wematehwe, imba yake iri pagungwa; iye uchakuudza zvaunofanira kuita.
6הוא מתגורר עם בורסי אחד שמעון שמו אשר ביתו על יד הים הוא יאמר לך את אשר עליך לעשות׃
7Zvino mutumwa wakange ataura naKoneriyo wakati abva, wakadana vaviri vevaranda vake vemumba nemurwi wakatendeka pane vaimumirira nguva dzose,
7וילך לו המלאך הדבר אל קרניליוס ויקרא אל שנים מעבדי ביתו ואל איש מלחמה אחד ירא אלהים מן העמדים תמיד לפניו לשרתו׃
8zvino wakati arondedzera zvinhu zvose kwavari, akavatuma kuJopa.
8ויספר להם את כל הדברים וישלחם אל יפו׃
9Zvino chifume ivo vachiri kufamba voswedera muguta, Petro wakakwira pamusoro pedenga reimba kunonyengetera, neawa rinenge rechitanhatu.
9ויהי ממחרת והמה הלכים בדרך וקרבים לעיר ויעל פטרוס על הגג להתפלל כשעה הששית׃
10Akava nenzara kwazvo, akashuva kudya; asi ivo vakati vachagadzirira chiyeverwa chikamuwira;
10והוא רעב ויתאו לטעם לחם ובהכינם לו נפלה תרדמה עליו׃
11ndokuona denga rakazaruka, neumwe mudziyo uchichiburukira kwaari, semucheka mukuru, wakasungwa makona mana uchiburusirwa pasi.
11וירא את השמים נפתחים והנה כלי ירד אליו כדמות מטפחת בד גדולה ויורד בארבע כנפותיו על הארץ׃
12Maiva nemhuka dzose dzemakumbo mana dzenyika nemhuka dzesango nezvinokambaira neshiri dzedenga.
12ובתוכו מכל בהמת הארץ וחיה ורמש ועוף השמים׃
13Zvino inzwi rikauya kwaari richiti: Simuka, Petro, baya udye.
13ויהי קול אליו לאמר קום פטרוס זבח ואכל׃
14Asi Petro wakati: Aiwa kwete, Ishe; nekuti handina kutongodya chero chinhu chisakachena kana chine tsvina.
14ויאמר פטרוס חלילה לי אדני כי מעולם לא אכלתי כל פגול וטמא׃
15Zvino inzwi rikauyazve kwaari rwechipiri richiti: Mwari chaanatsa, iwe usati chakasviba.
15ויהי עוד קול אליו פעם שנית לאמר את אשר טהר האלהים אתה אל תטמאנו׃
16Zvino izvi zvakaitwa kusvikira katatu; mudziyo ndokukwidzwazve kudenga.
16וכן היה שלש פעמים והכלי שב והעלה השמימה׃
17Zvino Petro wakati achiri kukahadzika maari kuti chiratidzo chaakange aona chairevei, zvino tarira, varume vakange vatumwa kubva kuna Koneriyo, vabvunza imba yaSimoni, vakamira pasuwo,
17ויהי בהתפעם רוח פטרוס על המראה אשר ראה והנה האנשים השלוחים מאת קרניליוס שאלו לבית שמעון ויעמדו על הפתח׃
18vakadanidzira vachibvunza kana Simoni, unonzi Petro achigarapo.
18ויקראו וידרשו היש מתגורר שם שמעון המכנה פטרוס׃
19Zvino Petro achafunga nezvechiratidzo, Mweya wakati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.
19ופטרוס עודנו חשב עם לבבו על המראה והרוח אמר אליו הנה שלשה אנשים מבקשים אותך׃
20Naizvozvo simuka uburuke, uende navo usingakahadziki chinhu; nekuti ndini ndavatuma.
20לכן קום רד ולכה נא אתם ואל תתמהמה כי אנכי שלחתים׃
21Petro ndokuburukira kuvarume vakange vatumwa kwaari kubva kuna Koneriyo, akati: Tarirai, ndini wamunotsvaka; chikonzeroi chamauyira?
21וירד פטרוס אל האנשים הנשלחים אליו מאת קרניליוס ויאמר אנכי האיש אשר אתם מבקשים למה זה באתם הנה׃
22Zvino vakati: Koneriyo mukuru wezana, murume wakarurama neunotya Mwari, unopupurwa nerudzi rwose rwevaJudha, wakayambirwa naMwari nemutumwa mutsvene kuti akudanirei kumba kwake, uye kuti anzwe mashoko kwamuri.
22ויאמרו קרניליוס שר מאה איש צדיק וירא אלהים ולו שם טוב בכל עם היהודים צוה על פי מלאך קדוש לקרא לך אל ביתו ולשמע דברים מפיך׃
23Ipapo akavadanira mukati, akavagarisapo. Zvino chifume Petro wakabuda akaenda navo, nedzimwe dzehama dzaibva paJopa dzikamuperekedza.
23ויקרא אתם אליו ויאספם הביתה ויהי ממחרת ויצא פטרוס אתם ומקצת האחים אשר ביפו הלכו עמו׃
24Zvino chifume vapinda Kesariya. NaKoneriyo wakange akavamirira, uye akadanira pamwechete hama dzake neshamwari dzepedo.
24ולמחרתו באו אל קסרין וקרניליוס מחכה להם ועמו בני משפחתו וקרוביו ומידעיו הנקהלים אליו׃
25Zvino zvakaitika kuti Petro apinde, Koneriyo akamuchingamidza, akawira patsoka dzake, akamunamata.
25ויהי כבוא פטרוס ויצא קרניליוס לקראתו ויפל לרגליו וישתחו׃
26Asi Petro wakamusimudza, achiti: Simuka; ini pachangu ndiri munhuwo.
26ויקם אותו פטרוס ויאמר קום כי גם אני אנוש אנכי׃
27Zvino wakati achataura naye akapinda, akawana vazhinji vakaungana,
27וידבר אתו ויבא הביתה וימצא רבים נאספים שמה׃
28ndokuti kwavari: Imwi munoziva kuti hazvisi pamutemo kumurume ari muJudha kufambidzana kana kuuya kumunhu werumwe rudzi; asi Mwari wandiratidza kuti ndirege kuti munhu haana kunaka kana kuchena;
28ויאמר אליהם אתם ידעתם כי אסור הוא לאיש יהודי להלות ולקרב אל נכרי ואתי הורה אלהים לבלתי אמר חל או טמא על כל אדם׃
29naizvozvowo ndauya ndisingapikisi zvandangodamwa. Naizvozvo ndinobvunza, kuti mandidanira chinangwai?
29ובעבור זאת כאשר נקראתי לא נמנעתי מהלך ועתה אשאלכם מדוע קראתם לי׃
30Koneriyo ndokuti: Mazuva mana apfuura kusvikira paawa rino ndakange ndichitsanya, neawa repfumbamwe ndakange ndichinyengetera mumba mangu; zvino tarira, murume wakamira pamberi pangu ane nguvo dzinopenya,
30ויאמר קרניליוס זה ארבעה ימים הייתי צם עד השעה הזאת ובשעה התשיעית התפללתי בתוך ביתי והנה איש נצב לפני בלבוש זהר׃
31ndokuti: Koneriyo, munyengetero wako wanzwikwa, nemabasa ako erudo arangarirwa pamberi paMwari.
31ויאמר קרניליוס נשמעה תפלתך וצדקותיך היו לזכרון לפני האלהים׃
32Tumira naizvozvo kuJopa, uye udane Simoni unonzi Petro; iye unogara mumba maSimoni musuki wematehwe pagungwa; iye kana auya uchataura newe.
32ועתה שלח אל יפו וקרא אליך את שמעון המכנה פטרוס מתגורר הוא בבית שמעון הבורסי על הים אשר בבואו ידבר לך׃
33Naizvozvo pakarepo ndatuma kwamuri; zvino imwi maita zvakanaka kuti mauya. Naizvozvo ikozvino tose tiripo pano pamberi paMwari, kuti tinzwe zvinhu zvose zvamakarairwa naIshe.
33ואמהר ואשלח אליך ואתה היטבת לעשות אשר באת אלי והננו כלנו פה לפני האלהים לשמע את כל אשר צוית מאת יהוה׃
34Zvino Petro wakashamisa muromo, akati: Zvirokwazvo ndinonzwisisa kuti Mwari haasi mutarisi wezviso zvevanhu;
34ויפתח פטרוס את פיו ויאמר עתה ידעתי באמת כי האלהים איננו נשא פנים׃
35asi parudzi rupi nerupi uyo unomutya achiita kururama unogamuchirika kwaari.
35כי אם בכל עם ועם הירא אותו ועשה צדק רצוי הוא לפניו׃
36Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevose).
36וישלח את דברו לבני ישראל ויבשר את השלום על ידי ישוע המשיח והוא אדון הכל׃
37Imwi munoziva shoko rakaitika paJudhiya yose, kutanga paGarirea, shure kwerubhabhatidzo Johwani rwaakaparidza;
37אתם ידעתם את הדבר הנעשה בכל יהודה החל מן הגליל אחרי הטבילה אשר קרא אותה יוחנן׃
38raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza sei neMweya Mutsvene nesimba, waipfuura, achiita zvakanaka uye achiporesa vose vakamanikidzwa nadhiabhorosi, nekuti Mwari waiva naye.
38את אשר משח האלהים את ישוע הנצרי ברוח הקדש ובגבורה ויעבר בארץ עשה חסד ורפא את כל הנכבשים תחת יד השטן כי האלהים היה עמו׃
39Nesu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita zvose munyika yevaJudha nemuJerusarema; iye wavakaponda, nekuremberedza pamuti.
39ואנחנו עדים על כל אשר עשה בארץ היהודים ובירושלים ואשר הרגהו בהוקיעם אתו על העץ׃
40Iye Mwari waakamutsa nezuva retatu, akamupa kuti aonekwe
40אותו הקים האלהים ביום השלישי ויתנהו להראות בגלוי׃
41kwete kuvanhu vose, asi kuzvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, kwatiri taidya nekumwa naye, mushure mekunge amuka kuvakafa.
41לא לכל העם כי אם לנו העדים אשר האלהים בחר בהם מראש אשר אכלנו ושתינו אתו אחרי קומו מן המתים׃
42Zvino wakatiraira kuti tiparidze kuvanhu, nekupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.
42ויצו אתנו להשמיע לעם ולהעיד כי אתו שם האלהים לשופט החיים והמתים׃
43Vaporofita vose vanopupura nezvake, kuti nezita rake ani nani unotenda maari uchagamuchira kangamwiro yezvivi.
43ועליו כל הנביאים מעידים כי יקבלו סליחת החטאים בשמו כל המאמינים בו׃
44Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akawira pamusoro pavo vose vakanzwa shoko.
44עוד פטרוס מדבר הדברים האלה ורוח הקדש צלחה על כל השמעים את הדבר׃
45Zvino vekudzingiswa vaitenda vakashamisika, vose vakange vauya naPetro, nekuti nepamusoro pevahedheni chipo cheMweya Mutsvene chakange chadururwa;
45והמאמינים בני המילה אשר באו את פטרוס השתוממו כי מתנת רוח הקדש נשפכה גם על הגוים׃
46nekuti vakavanzwa vachitaura nendimi, vachikudza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:
46כי שמעו אתם ממללים בלשנות ומגדלים את האלהים׃
47Kune munhu unogona kurambidza mvura here, kuti ava vasabhabhatidzwa, vakagamuchira Mweya Mutsvene sesuwo?
47ויען פטרוס ויאמר היוכל איש למנע את המים מטבל את אלה אשר קבלו את רוח הקדש גם הם כמנו׃
48Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva.
48ויצו לטבל אתם בשם האדון ויבקשו ממנו לשבת אתם ימים אחדים׃