Shona

Hebrew: Modern

Acts

25

1Zvino Festo wakati asvika padunhu iro shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.
1ויבא פסטוס אל המדינה ויעל אחרי שלשת ימים מקסרין לירושלים׃
2Ipapo vapristi vakuru nevakuru vevaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,
2והכהן הגדול וראשי היהודים הודיעהו את ריבם עם פולוס׃
3vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, kuti amudanire kuJerusarema, vakamuvandira kuti vamuuraye panzira.
3ויפצרו בו וישאלו ממנו לעשות חסד עמהם להביאו ירושלים והמה מתנכלים אתו להמיתו בדרך׃
4Asi Festo wakapindura kuti Pauro wakachengetwa Kesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako.
4ויען אותם פסטוס כי עצור פולוס בקסרין וכי גם הוא ישוב שמה בקרוב׃
5Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; vagopomera munhu uyu kana pane chakaipa maari.
5ויאמר לכן ירדו אתי העצומים שבכם ואם יש מאום באיש הזה יענו בו׃
6Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakuburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira Pauro kuti auiswe.
6וישב בתוכם יותר מימים עשרה וירד אל קסרין וממחרת ישב על כסא המשפט ויצו להביא את פולוס׃
7Zvino wakati asvika, vaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vakapomera Pauro mhosva zhinji dzakaipa, dzavakange vasingagoni kupa uchapupu.
7הוא בא והיהודים אשר ירדו מירושלים סבבהו ויאשימו את פולוס באשמות רבות וקשות אשר לא יכלו להוכיח׃
8Zvino wakati achizvidavirira akati: Kumurairo wevaJudha, kana kutembere, kanawo kuna Kesari handina kutadza chinhu.
8והוא הצטדק לאמר לא חטאתי במאומה לא לדת היהודים ולא למקדש ולא לקיסר׃
9Zvino Festo achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?
9ופסטוס חפץ להתרצות אל היהודים ויען את פולוס ויאמר התחפץ לעלות ירושלים להשפט על אלה לפני שמה׃
10Ipapo Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuvaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunoziva imwiwo.
10ויאמר פולוס לפני כסא משפט הקיסר אני עמד ושם נכון לי להשפט לא הרעתי ליהודים כאשר ידעת היטב גם אתה׃
11Zvino kana ndiri mudariki kana kuti ndakaita chinhu chakafanira rufu handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu izvi zvavanondipomera, hakuna munhu ungandikumikidza kwavari. Ndinozvipfuuridzira kuna Kesari.
11אם הרעתי ויש בי דבר משפט מות בל אחשך נפשי ממות ואם אין בי מאומה מכל אשר הם ענים בי איש לא יוכל להסגירני אל ידם את הקיסר אני קורא לדיני׃
12Ipapo Festo ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waipfuudzira kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.
12ויועץ פסטוס עם יועציו ויען אתו לאמר את הקיסר קראת אל הקיסר תלך׃
13Zvino mushure memamwe mazuva, mambo Agripa naBhenike vakasvika Kesariya kuzokwazisa Festo.
13ויהי אחרי ימים וירדו המלך אגרפס וברניקה אל קסרין לשאל לשלום פסטוס׃
14Vakati vagarako mazuva mazhinji, Festo akarondedzera mhosva yaPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa;
14ויהי כי ארכו להם הימים שם ויספר פסטוס למלך את ריב פולוס לאמר יש פה איש אשר פיליכס הניחו אסור׃
15iye wandakati pandakange ndichiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru vevaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo pamusoro pake.
15ובהיותי בירושלים דברו אלי ראשי הכהנים וזקני היהודים על אדותיו ויבקשו ממני לחרץ משפטו׃
16Vandakapindura ndikati: Haizi tsika yevaRoma kukumikidza munhu kurufu, uyo unopomerwa asati ambotarisana nevanomupomera, akapiwa mukana wekuzvipindurira pamhosva yaanopomerwa.
16ואען אותם כי אין מנהג הרומיים למגן איש לאבד בטרם יעמד הנשטן לנכח שטניו ונתן לו מקום להצטדק מן השטנה׃
17Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, chifume ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auyiswe.
17ולכן כאשר באו הנה יחד חשתי ולא התמהמהתי כי ממחרת היום ישבתי על כסא המשפט ואצוה להביא את האיש׃
18Zvino vapomeri vakamusimukira, asi havana kumupomera mhosva sezvandaifungira;
18ויעמדו עליו שטניו ולא הביאו עליו דבר רע מאשר הייתי חשד אתו׃
19asi vaipikisana nezvemamwe mashoko echitendero chavo, neumwe Jesu wakange afa, wainzi naPauro mupenyu.
19רק היו להם דברי ריבת לנגדו על עבודת אלהיהם ועל מת אחד ישוע שמו אשר אמר עליו פולוס כי הוא חי׃
20Zvino ini zvandakange ndichikahadzika maererano negakava rakadai, ndakabvunza kana achida kuenda Jerusasrema kunotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.
20ותכבד בעיני השאלה הזאת ואמר החפץ אתה ללכת ירושלים ולהשפט שם על אלה׃
21Pauro wakati akumbira kuregerwa kuzobvunzwa naAgasito, ndakaraira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.
21אבל פולוס שאל להניחו במשמר עד צאת משפטו מלפני אגוסטוס ואצוה לשמרו עד אשר אשלח אתו אל הקיסר׃
22Agripa ndokuti kuna Festo; Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndomene. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.
22ויאמר אגרפס אל פסטוס גם אני חפץ לשמע את האיש ויאמר מחר תשמענו׃
23Chifume Agripa wakati asvika naBhenike, vachitaridzika kwazvo, vakapinda mumba mekutambirwa mhosva, nevatungamiriri vakuru, nevakuru veguta sekuraira kwaFesto, vakauya naPauro.
23ויהי ממחרת כבוא אגרפס וברניקה בהוד גדול ויבאו אל אלם המשמעת המה ושרי האלף ונגידי העיר ויצו פסטוס ויביאו את פולוס׃
24Zvino Festo akati: Mambo Agripa, nevarume vose vari pano nesu, munoona uyu, wandakakumbirwa nechaunga chevaJudha zvose paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.
24ויאמר פסטוס אגרפס המלך וכל האישים אשר אתם פה אתנו הנכם ראים את האיש אשר בעבורו פגעו בי כל המון היהודים גם בירושלים וגם פה ויצעקו כי אינו בדין שיחיה עוד׃
25Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake wakakumbira kupfuudzwa kuna mambo mukuru, ndazvigadzirira kumutumira.
25ואני כאשר הכרתי כי לא עשה דבר לחיבו מיתה והוא גם הוא קרא את אגוסטוס לדינו יעצתי לשלח אתו שמה׃
26Asi handina chinhu chaicho chandinganyorera ishe pamusoro pake, naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamubvunzurudza, ndingava nechandinganyora.
26אך אין לי לכתב עליו דבר נכון לאדנינו ובעבור זאת הביאתיו לפניכם וביותר לפניך המלך אגרפס למען יחקר וידעתי מה אכתב׃
27Nekuti ndinoona sezvisina kufanira kutuma musungwa, pasina kutaridzwa mhosva dzakanangana naye.
27כי לא יתכן בעיני לשלוח אסיר מבלי הודיע גם את עלילת הדברים אשר שמו לו׃