Shona

Hebrew: Modern

Acts

4

1Zvino vakati vachataura kuvanhu, vapristi nemutungamiriri wetembere nevaSadhusi vakavasvikira,
1ויהי בדברם אל העם ויקומו עליהם הכהנים ונגיד בית המקדש והצדוקים׃
2vachishungurudzika nekuti vanodzidzisa vanhu, nekuparidza kumuka kwevakafa munaJesu.
2כי חרה להם על אשר למדו את העם והגידו בישוע את תחית המתים׃
3Zvino vakaisa maoko pavari ndokuisa mujere kusvikira mangwana; nekuti akange atova madekwani.
3וישלחו בהם את ידיהם וישימום במשמר עד למחר כי כבר בא הערב׃
4Asi vazhinji vevakanzwa shoko vakatenda; neuwandu hwevarume hwaiva zvuru zvinenge zvishanu.
4ורבים מהשמעים את הדבר האמינו ויהי מספר האנשים כחמשת אלפים׃
5Zvino zvakaitika kuchiidza kuti kwakaungana vakuru, nevatariri, nevanyori vavo paJerusarema,
5ויהי ממחרת ויקהלו שריהם ראשיהם וזקניהם וסופריהם ירושלים׃
6naAnasi mupristi mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nevose vaiva vehama dzemupristi mukuru.
6וחנן הכהן הגדול וקיפא ויוחנן ואלכסנדרוס וכל אשר ממשפחת הכהן הגדול׃
7Zvino vakati vavamisa pakati, vakabvunza vachiti: Izvi imwi mazviita nesimba ripi kana nezita ripi?
7ויעמידו אתם בתוך וישאלום באי זה כח ובאי זה שם עשיתם זאת׃
8Ipapo Petro azedzwe neMweya Mutsvene wakati kwavari: Vatongi vevanhu, nevakuru vaIsraeri;
8וימלא פטרוס רוח הקדש ויאמר אליהם אתם ראשי העם וזקני ישראל׃
9kana isu tichibvunzurudzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka kumunhu usina simba, kuti iye waponeswa nei,
9אם אנחנו נחקרים היום על הטובה אשר עשינו לאיש חולה ושאלתם במה זה נושע׃
10ngazvizikamwe kwamuri mose, nekuvanhu vose veIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu muNazareta, wamakaroverera pamuchinjikwa imwi, Mwari waakamutsa kuvakafa, naye munhu uyu umire pano pamberi penyu apora.
10יודע לכלכם ולכל עם ישראל כי בשם ישוע המשיח הנצרי אשר צלבתם אותו ואשר האלהים הקימו מן המתים כי בשמו עמד זה לפניכם בריא׃
11Uyu ndiye ibwe rakazvidzwa nemwi vavaki, razova musoro wekona.
11והוא האבן אשר מאסתם אתם הבונים ותהי לראש פנה׃
12Uye hakuna ruponeso kune umwezve; nekuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu, ratinofanira kuponeswa naro.
12ואין הישועה באחר ואין תחת השמים שם אחר הנתן לבני אדם אשר בו נושע׃
13Zvino vakati vachiona ushingi hwaPetro naJohwani, uye vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza uye vasina ruzivo, vakashamisika; ndokuvaziva kuti vaiva naJesu.
13ויהי כאשר ראו את בטחון לב של פטרוס ויוחנן והבינו כי הדיוטים ולא בעלי חכמה המה ויתמהו עליהם ויכירום כי התהלכו עם ישוע׃
14Asi vachiona munhu wakange aporeswa amire navo, vakashaiwa chavangapikisa.
14ובראותם את האיש הנרפא עמד אצלם לא מצאו לדבר נגדם דבר׃
15Zvino vakati vavaraira kuti vabude kunze kwedare remakurukota, vakarangana voga,
15ויצוו אתם לצאת חוצה מן הסנהדרין ויתיעצו יחדו׃
16vachiti: Tichaitei kuvanhu ava? Nekuti zviri pachena kune vose vagere Jerusarema kuti chiratidzo chinozikamwa chaitwa navo, uye hatigoni kuzviramba.
16ויאמרו מה נעשה לאנשים האלה הנה אות גלוי נעשה על ידיהם וגם מפרסם לכל ישבי ירושלים ולא נוכל לכחש בו׃
17Asi kuti zvirege kunyanya kuparadzirwa pakati pevanhu, ngativayambirei zvikuru kuti varege kuchizotaura nemunhu upi neupi muzita iri.
17אך למען לא ירבה הדבר בעם ויפרץ נזהירה אתם בגערה לבלתי דבר עוד לכל אדם בשם הזה׃
18Vakabva vavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa muzita raJesu.
18ויקראו אתם ויצוום אשר לא ידברו דבר ולא ילמדו בשם ישוע׃
19Asi Petro naJohwani vakapindura vakati kwavari: Gurai, kana zvakarurama pamberi paMwari, kuteerera imwi kupfuura Mwari.
19ויענו פטרוס ויוחנן ויאמרו אליהם הנכון הוא לפני האלהים שמע לכם יתר משמע לאלהים שפטו אתם׃
20Nekuti isu hatigoni kusataura, asi kutaura zvinhu zvatakaona nekunzwa.
20כי לא נוכל אנחנו לחדל מדבר את אשר ראינו ושמענו׃
21Zvino vakati vawedzera kuvavhundudzira, vakavaregedza, vasingawani chinhu kuti vangavaranga sei nekuda kwevanhu; nekuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitika.
21ויוסיפו לגער בם ויפטרו אתם באשר לא מצאו דבר לענוש אתם מפני העם כי כלם מהללים את האלהים על הנעשה׃
22Nekuti munhu wakange apfuura makore makumi mana wakange aitirwa chiratidzo ichi cheurapi.
22כי בן ארבעים שנה ומעלה היה האיש ההוא אשר נעשה עמו אות הרפואה הזאת׃
23Vakati varegedzwa vakaenda kune vekwavo, vakanopira zvose vapristi vakuru nevakuru zvavakange vataura kwavari.
23ואחרי הפטרם באו אל אחיהם ויספרו להם את אשר אמרו אליהם הכהנים הגדולים והזקנים׃
24Zvino ivo vakati vanzwa vakasimudzira inzwi kuna Mwari nemoyo umwe, vakati: Tenzi, imwi Mwari makaita denga nenyika negungwa nezvose zviri mazviri;
24ויהי כאשר שמעו את זאת וישאו את קולם בלב אחד לאלהים ויאמרו אדני אתה האל העשה את השמים ואת הארץ ואת הים ואת כל אשר בם׃
25makareva nemuromo waDhavhidhi, muranda wenyu muchiti: Nemhaka yei vahedheni vachiita bongozozo, nevanhu vachifunga zvisina maturo?
25אשר אמרת בפי עבדך דוד למה רגשו גוים ולאמים יהגו ריק׃
26Madzimambo enyika akasimuka, nevatungamiriri vakaungana pamwechete kumirisana naIshe nekumirisana naKristu wake.
26יתיצבו מלכי ארץ ורוזנים נוסדו יחד על יהוה ועל משיחו׃
27Nekuti zvirokwazvo vakaungana vakamirisana neMwanakomana wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza, vose Herodhe naPondiyo Pirato pamwe nevahedheni, nevanhu vekwaIsraeri,
27כי אמנם נוסדו הורדוס ופנטיוס פילטוס עם הגוים ולאמי ישראל על ישוע עבדך הקדוש אשר משחת׃
28kuti vaite zvose ruoko rwenyu nezano renyu zvamakagara matema kuti zviitike.
28לעשות את אשר ידך ועצתך מקדם גזרה להיות׃
29Uye ikozvino Ishe, tarirai kuvhundudzira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu neushingi hwose,
29ועתה אדני ראה את גערתם ותן לעבדיך לדבר את דברך בכל בטחון לבם׃
30pakuti mutandavadze ruoko rwenyu pakuporesa, nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita reMwanakomana wenyu mutsvene Jesu.
30בנטתך את ידך למרפא ולתת אתות ומופתים בשם ישוע עבדך הקדוש׃
31Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakange vakaungana pairi yakazununguswa; zvino vakazadzwa vose neMweya Mutsvene, ndokutaura shoko raMwari neushingi.
31ויהי כאשר התפללו וינע המקום אשר היו נקהלים שם וימלאו כלם רוח הקדש וידברו את דבר האלהים בבטחון לבב׃
32Zvino chaunga chevaitenda chaiva nemoyo nemweya umwe; uye kwakange kusina umwe waiti chimwe chezvaaiva nazvo ndechake, asi vakaita zvinhu zvose zvavo vose.
32וקהל המאמינים היה להם לב אחד ונפש אחת ואין איש מהם אומר על אשר בידו לי הוא כי הכל היה להם בשתפות׃
33Uye nesimba guru vaapositori vakapa uchapupu hwekumuka kuvakafa kwaIshe Jesu; nenyasha huru dzikava pamusoro pavo vose.
33ובגבורה גדולה יעידו השליחים על תקומת האדון ישוע וחסד גדול נמשך לכלם׃
34Nekuti pakange pasina umwe pakati pavo waishaiwa, nekuti vose vaiva vene veminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauisa mutengo wezvinhu zvakatengeswa,
34כי לא היה בהם חסר דבר כי כל בעלי שדות ובתים מכרו אתם ויביאו את כסף מחירם׃
35vakaisa patsoka dzevaapositori; uye zvikagoverwa kune umwe neumwe zvichienderana nekushaiwa kwaaiva nako.
35וישימהו לרגלי השליחים ויתן לכל איש ואיש די מחסרו׃
36NaJose, wakatumidzwa nevaapositori Bhanabhasi, ndokuti Mwanakomana wenyaradzo, kana zvichishandurwa, muRevhi weSaipuresi parudzi,
36ויוסף אשר כנוהו השליחים בשם בר נבא פרושו בן הנחמה איש לוי אשר נולד בארץ כתים׃
37ane munda, wakatengesa, akauisa mari akaisa patsoka dzevaapositori.
37גם לו היה שדה וימכרהו ויבא את הכסף וישימהו לרגלי השליחים׃